Wednesday, March 19, 2014
VAROMA
VAROMA
Iyi ndiyo tsamba yokutanga pamatsamba makumi maviri neimwe anowanikwa muTestamende Itsva. Matsamba aya anokosha nokuti anotipa maonero apedyo pamusoro poupenyu hwekekreke dzokutanga, uye nedzidziso dzavatungamiriri vavo. Pauro akanga asati aenda kuRoma paakanyora tsamba iyi. Mutsamba iyi anonyora zvakanyanya kuwanda pamusoro pechimwe chikamu chinokosha chedzidziso yake: kuti nzira imwe chete yokugamuchirwa nayo naMwari ndeyokuvimba nezvakaitwa naJesu kubudikidza norufu rwake nokumuka kwake kubva kuvakafa (zvitsauko 1-8). Muzvitsauko 9-11 Pauro anotaura nezvetariro yokuti kunyange zvazvo vaJudha vakaramba kwazvo dzidziso iyi, vachazoigamuchira zvavo rimwe zuva. VaRoma inotevera manyorerwo akaitwa dzimwe tsamba dzose dzaPauro: chikamu chokutanga idzidziso uye muchikamu chechipiri chinodzidzisa mararamiro acho muupenyu chaihwo. Nokudaro, zvitsauko 12-16 zvinotaura pamusoro pokuti vaKristu vanofanira kurarama sei mukereke nomunyika.
Subscribe to:
Post Comments (Atom)
No comments:
Post a Comment