Wednesday, March 19, 2014

MATEO

MATEO Mabhuku evhangeri matatu okutanga akanyorwa zvakafanana uye anozivikanwa se’Mavhangeri Akafanana’ nokuti ‘anoona namaonero mamwe chetewo’ upenyu kwaJesu. Asi rimwe nerimwe rine chinhu chimwe chete charinosimbisa. Mateo anotanga nokutevera nhoroondo yemhuri yaJesu achidzokera kuna Abhurahama uye achitaura zvose zvakaitika zvine chokuita nokuberekwa kwaJesu (zvitsauko 1-2). Bhuku revhangeri raMateo iri rakanyatsorongwa uye anonyanyofarira zvinhu zvakataurwa naJesu: Mharidzo yaJesu paGomo (zvitsauko 5-7), mifananidzo pamusoro poumambo hwokudenga (chitsauko 13) uye mifananidzo pamusoro pokuguma kwenguva (chitsauko 25). Anoratidzawo zvakare kuti Jesu ndiye Mesiya aitaurwa nezvake muTestamende Yekare.

No comments: