Monday, March 24, 2014

1 TIMOTI

1 TIMOTI Pauro akanga asangana naTimoti parwendo rwechipiri rwokuparidza vhangeri (Mabasa 16:1-3) uye Timoti akanga amboshanda naye. Zvino akanga ava mutungamiri wekereke yapaEfeso, uye Pauro anomunyorera kuti amukurudzire nokumupa dzidziso pamusoro pamafambisirwo ekereke iyoyo. Anonyora pamusoro pomunyengetero waparuzhinji, kugadza vatungamiri, rubatsiro kuchirikadzi, uye namabatirwo enhapwa (chitsauko 2-5). Anopa yambiro pamusoro pavaya vanodzidzisa dzidziso inopesana nezvakadzidziswa navatungamiri vanozivikanwa.

No comments: