Wednesday, March 12, 2014

JONA

JONA Mwari akaudza muprofita Jona kuti aende kundoyambira vanhu veNinevhe, guta guru reAsiria (muvengi akanga ane utsinye kuIsraeri) kuti Mwari aizoriranga. Mushure mokuedza kuzvenga zvaakanga arayirwa naMwari kuti aite, Jona akaparidza zvake muguta, asi kwete nomwoyo wose, uye Ninevhe rakadzoka kuna Mwari. Jona akagumbukira Mwari nokuti akanga anwira tsitsi vanhu vakaipa kudaro uye Mwari akaedza kuratidza kumuprofita kuti ane hanya kunyange navavengi veIsraeri.

No comments: