Monday, March 24, 2014

1 VATESARONIKA

1 VATESARONIKA Pauro akatanga kereke iyi panguva yorwendo rwake rwokuparidza vhangeri rwechipiri (Mabasa 17:1-9) pakati pokupikiswa navaJudha. Tsamba iyi na – 2 Tesaronika ndiwo mamwe amatsamba aPauro okutanga. Nokuti vaJudha vakanga varamba vachingopikisa unhu hwake. Pauro akatanga nokutaura kuti iye aiva mupostori wechokwadi (zvitsauko 1-2). Kubva pachitsuko 3 tinodzidza kuti Timoti akanga ambotumwa kukereke iyi uye akanga adzoka kuna Pauro nenhau dzaifadza. Muzvitsauko 4 na-5 Pauro anopindura mibvunzo miviri: Chiiko chinoitika kuvaKristu kana vachinge vafa? Uye kuti Jesu anodzoka riini?

No comments: