Wednesday, March 19, 2014

JOHANI

JOHANI Zviri pachena kubva pandima yokutanga kuti Vhangeri iri rakasiyana pamamiriro aro namamwe mabhuku matatu. Zvishamiso zvaJesu zvinonzi ‘zviratidzo’, Jesu haatauri zvo’umambo’ asi zvo’upenyu husingaperi’. Hamuna mifananidzo asi mharidzo dzakasiyana-siyana dzakareba uye dzinenge dzichidzidzisa pamusoro pechiratidzo chimwe nechimwe. Jesu paakaporesa murume aiva bofu akati iye ‘chiedza chenyika’. Kutaura uku kwokuti ‘Ndiri’ kunowanikwa muVhangeri iri kakawanda, uye kuonekwa kwaJesu mushure mokumuka kwake kubva kuvakafa kunobuda zvakajeka.

No comments: