Wednesday, March 12, 2014
DHANIERI
DHANIERI
Dhanieri akanga ari muutapwawo muBhabhironi asi akanga asarudzwa kuti agare mumuzinda weBhabhironi uye kuti adzidzire basa rokushandira hurumende. Kunyange zvazvo akanga aitirwa zvose izvi, tinodzidza kuti Dhanieri, uye mushure ava neshamwari dzake nhatu, akaramba kurasa kutenda kwake kwechiJudha. Mwari akaropafadza kuzvipira kwavo uye Dhanieri akaremekedzwa akava mupi wamazano wavaBhabhironi, uye pashure, wamadzimambo Epezhiawo, kunyanya nokuda kwokugona kwake kududzira zviroto. Chikamu chechipiri chebhuku (zvitsauko 7 – 12) chine zviono zvakatsanangurwa zvizere nezvifananidzo zvisinganzwisisiki uye zvisiri nyore kuzvidudzira.
Subscribe to:
Post Comments (Atom)
No comments:
Post a Comment