Wednesday, March 12, 2014
ISAYA
ISAYA
Bhuku iri rinotaura pamusoro penguva inokwana mazana matatu amakore. Zvitsauko 1 – 39 zvakanyorwa pamusoro pamakore okupadzisira oumambo hwokumusoro, Judha payakanga ichiri parugare. Isaya akashandira muJerusarema achiyambira vanhu vemo kuti kutonga kwaMwari kwaifanira kuvawira nokuda kwokusaruramisira vamwe kwavo, uye nounyengeri hwechinamato chavo. Kumadzimambo akatevedzana muJudha, akaparidza kuti vavimbe nokutungamirira kwaMwari uye nokudzivirira kwake, pano kuvimba nesimba redzimwe ndudzi dzavaidyidzana nadzo. Jerusarema rinorega kuiswa padambudziko iri nokuda kwokuti iguta roumambo hwokumusoro panguva ino.
Zvitsauko 40 – 55 zvinotaura pamusoro poutapwa hwavaJudha kuBhabhironi. Shoko racho nderokuvanyaradza: Mwari ava kuda kuita chimwe chinhu chitsva uye kurangwa nokurwadziwa kwakare kwava kuzopera. Kudzokera kunyika yeIsaeri kuchhavayeuchidza kudzikinurwa kwavo kubva kuIjipiti.
Muchikamu chokupedzisira chebhuku, chiri panguva iyo temberi yakanga yapera kuvakwa, pane chokwadi chokuti ungano itsva iyi iri padambudziko rokudzokera shure pakurarama kwayo. Pamwe chete neyambiro idzi pane chiratidzo choukuru hwaMwari nourongwa hwake hwokuropafadza vaJudha, uye kubudikidza navo agoropafadza ndudzi dzose.
Subscribe to:
Post Comments (Atom)
No comments:
Post a Comment