JOERE
Hatizivi kuti Joere akararama munguva ipi. Muchitsauko 1 anotaura pamusoro pokuparadzwa nedambudziko remhashu. Ichi chinogona kunge chaive chiitiko chaicho kana kuti chiratidzo, asi kunyange zvakadaro, uyu mufananidzo wehondo iri kuparadza nyika, ichashandiswa naMwari pakuranga vanhu vake (2:1-11). Joere akakoka vanhu kuti vadzoke kuna Mwari pachine nguva uye akataura nezvokudururwa kukuru kwoMweya waMwari (2:12-32). Chitsauko 3 chinotaura pamusoro pokutongwa kwokupedzisira kwavanhu vepasi pose.
No comments:
Post a Comment