Thursday, March 13, 2014

MIKA

MIKA Muprofita uyu akararama uye akashanda makore mashoma mushure maAmosi naHosea uye panguva inenge imwe cheteyo naIsaya, uye zvaanotaura zvakada kufanana nezvavanotaura. Akashandira muNyika yeZasi achitsiura kusaruramisirwa kwavanhu nokusaenzanisirwa, uye nouori pakati pavatungamiri vematongerwo enyika nevechinamato. Mwari aifanira kuranga vanhu vake, asi pamusoro pezvo Mika akataura pamusoro peramangwana, raizenge rakasimiswa neTemberi yomuJerusarema, chizvarwa chaDhavhidhi pachazomutswa kuti chizotungamirira vanhu vaMwari pakurwisa vavengi vavo (zvitsauko 4-7). Mika 6:6-8 indima inoita sokuti inotaura nyaya yacho yose muchidimbu, kweteyaMika bedzi, asi yavaprofita vose venguva yake.

No comments: