Monday, March 24, 2014

VAHEBHERU

VAHEBHERU Hatizivi kuti akanyora tsamba iyi ndiani, kana kuti vaifanira kuverenga ndivanani. Sezvo dingindira romunyori riri Temberi nemitambo yayo, zvaiva zvinongedzo zvenguva iyoyo kuchiKristu, zvingangodaro kuti vaverengi varo vaiva vaJudha. Shoko rakakosha mutsamba iyi nderokuti ‘nani’. Jesu akabayira chibayiro chiri nani (uye chokupedzisira (zvitsauko 4-7). Ndiye ari pamusoro pavose vakamutangira: mukuru kuvatumwa (zvitsauko 1-2), mukuru kuna Mozisi (chitsauko 3). Sungano Itsva yakabvisa Sungano Yakare (zvitsauko 8-10). Muzvitsauko zvokupedzisira anonyora achikurudzira vaverengi vake kuti varambe vachipfuurira mberi kana vachisangana nezvakaoma uye nokupikiswa. Vanhu vomuTestamende Yekare vakaita zvakanaka nokuti vakavimba naMwari (chitsauko 11). VaKristu ngavatevedzere muenzaniso wavo uye nomuenzaniso waJesu (chitsauko 12).

No comments: