Wednesday, March 19, 2014

MABASA

MABASA Ichi chikamu chechipiri chenyaya yakatanga muna Ruka uye inotiudza zvakaitika pamazuva okutanga ekereke pamakore makumi matatu okutanga. Bhuku raMabasa rinotanga nokukwira kwaJesu kudenga (chitsauko1) uye nokuuya kwaMweya Mutsvene pazuva rePendekosti (chitsauko 2). Zvitsauko gumi zvinotevera zvinotaura pamusoro pokuti kereke yakazopararira sei kubva muJerusarema ichienda kunyika dziri kure dzakaita seSamaria. Petro,Sitefani naJakobho ndivo vanonyanyotaurwa nezvavo. Zvitsauko 13-28 zvinotaura pamusoro paPauro nenzendo dzake nhatu dzokuparidza vhangeri achienda kuGirisi nokuYuropu. Bhuku iri rinoratidza kuti kupikiswa kukuru kwe’chitendero chitsa ichi’ kwakabva kunyanya kuvaJudha, kwete kuhurumende yeRoma.

No comments: