HOSEA
Muprofita uyu aigara muNyika yoKumusosro uye akashandira ikoko mumakore ayo okupedzisira. Kubudikidza nokunzwisisa kwaakava nako kubva pakuputsika kwewanano yake. Hosea akava nokunzwisisa kwakadzama pamusoro poukama hweIsraeri naMwari. Sungano yakaitwa paSinai yakanga yakafanana newanano, asi somukadzi waHosea, Israeri yakanga yasiya Mwari kuti indonamata vaMwari veKenani. Hosea akataura zvinobata mwoyo pamusoro pokusuwa kwaMwari nokuda kworudo rwake kuIsraeri, kunyange zvazvo yakanga yakafanira kurangwa.
No comments:
Post a Comment