Tuesday, March 25, 2014

1 JOHANI

1 JOHANI Zvinogona kuva izvo kuti munyori wa- 1 Johani ndiyewo munyori wa- 2 na- 3 Johani, uyezve nomunyori wevhangeri raJohani pamwe chetewo nebhuku reZvakazarurwa. Zviri pachena kuti vaKristu vaari kunyorera 1 Johani vakanga vachishuhwa navadzidzisi venhema. Vaiti vaiva nokunzwisisa kwakadzama pamusoro pezvinhu zvomweya. Izvi zvaireva kuti vaiti vaiva vakakwana uye kuti Jesu haana kuuya panyika somunhu wenyama. Pamhinduro, Johani anosimbisa chokwadi chiri muvaKristu: ‘tinoziva’ ndiro shoko raanofarira kushandisa. Chimwe chezvinhu zvinoratidza kuti vanhu vanenge vari vaKristu ndechokuti vanoda vamwe vaKristu.

No comments: