Monday, March 17, 2014

HAGAI

HAGAI Hagai naZakaria vose ndevenguva imwe cheteyo (520 Kristu asati aberekwa). VaJudha vazhinji vakanga vadzokera kuIsraeri kuti vandovakazve upenyu hwavo munyika yavo. Pakutanga vakanga vachishanda nesimba asi kupikiswa kwakaita kuti basa rokuvakwa kweTemberi rimire. Hagai akakuridzira vanhu achivaratidza kuti kuomerwa pamusoro pezvoupfumi kwavaiita kwakanga kwauya nokuda kwokuti vakanga vachikoshesa zvinhu zvisiri izvo. Chinhu chaikosha pamusoro poupenyu hwenyika yavo chakanga chiri imba yaMwari, uye kuti Mwari akanga akavagadzirira zvinhu zvakanaka, dai chete vaidzidza kuisa iye panzvimbo yokutanga.

No comments: