Wednesday, March 12, 2014

OBHADHIA

OBHADHIA Iri ndiro bhuku pfupi pana mamwe ose muTestamende Yekare uye hapana chatinoziva pamusoro pomuprofita. Dingira racho riri pamusoro pokuranga kwaMwari pamusoro peEdhomu, iri zasi kwakadziva kumabvazuva kwegungwa reMunyu. VaEdhomu vaiva zvizvarwa zvaEsau uye nokudaro vaiva hama dzavaIsraeri, asi vakava vavengi kwengiva refu. Kubudiswa kwenyaya iyi mubhuku umu kunoratidza kuti panguva yakatapwa Jerusarema nehondo yeBhabhironi mugore ra-587 Kristu asati aberekwa vaEdhomu Havana zvavakaita kuti vabatsire, uye zvichida vaigona kunge vakaita Judha zvakaipa panguva iyi yedambudziko. VaEdhomu vachiparadzwa, Obhadhia akaprofita pamusoro pokudzoka kwavaIsraeri kunyika kwavo.

No comments: