Wednesday, March 12, 2014
EZEKIERI
EZEKIERI
Muprofita uyu akatapwa akaendwa naye kuBhabhironi uye basa rake rakanga riri pakati pavatapwa ikoko. Anogona kunge akanga ari muprista uye dingindira rebhuku iri nderoutsvene hwaMwari. Bhuku iri rizere nemifananidzo, nezviratidzo zvisinganzwisisiki uye rinoti muprofita uyu aiparidzawo shoko rake kubudukidza nemitambo. Zvitsauko 33 zvokutanga zvinongopa mharidzo yakafanana neyaJeremia uye panguva imwe cheteyo kuti Jerusarema richatapwa neBhabhironi uye temberi ichaparadzwa. Mushure mokuitika kwaizvozvi, shoko raEzekieri rakanga rava rokunyaradza (zvitsauko 33 – 39): Mwari achazodzosera vanhu vake kunyika yavo rimwe zuva. Panguva iyoyi vari muBhabhironi vachadzidza kuti Mwari anogona kunamatwa kunyangwe pasina temberi, uye vasingagoni kubayira zvibayiro. Zvitsauko 40 – 48 chiratidzo chakanyorwa zvizere pamusoro peramangwana rinokudza Temberi.
Subscribe to:
Post Comments (Atom)
No comments:
Post a Comment