Wednesday, March 12, 2014
AMOSI
AMOSI
Muprofita uyu akabva kuNyika yeZasi asi akashandira muNyika yokumusoro makore mashoma Hosea asati atanga. Muzvitsauko 1-2 akataura pamusoro pokutonga kwaMwari kumarudzi akanga akapoteredza, asiwo napamusoro pokusava nehanya kweNyika yoKumusoro. Muchitsauko 3 akaparidza kuti Mwari akanga abvisa chitenderano chesungano nevanhu vake vakanga vari muNyika yoKumusoro, uye muzvitsauko zvishoma zvinotevera anoratidza kuti sei zvakanga zvakadaro: udzvinyiriri, kusaruramisira vanhu, nounyengeri muchinamato. Zviono zvishanu (zvitsauko 7-9) zvinoratidza kuti pakanga pachine nguva yokupedzisira kurangwa hakungadziviririki. Tariro yezvimwe zvinhu zvichaitika mushure mokutonga kwaMwari inotaurwa nezvayo mundima shoma dzokupedzisira.
Subscribe to:
Post Comments (Atom)
No comments:
Post a Comment