Tuesday, October 16, 2012
ZVAUNOFANIRA KUITA KANA UCHINGE WAVEKUNZWA KUNGE URIWEGA
• Musakarira mari pamagariro enyu uye mugutsikane nezvamunazvo, nokuti Mwari akati: “Handingatongokusiyei; handingatongokurasei.” Vahebheru 13: 5.
• Uye muchivadzidzisa kuti vachengetedze zvose zvandakakurayirai. Uye zvechokwadi ndinemi kusvika pakuguma kwenyika. Mateo 28: 20.
• Nokuda kwezita rake guru Jehovha haazorambi vanhu vake nokuti Jehovha akafadzwa kuti akuitei vake. I Samueri 12: 22.
• Naizvozvo usatya, nokuti ndinewe; usavhnduka, nakuti ndinewe; Ndichakusimbisa uye ndichakubatsira; ndichakutsigira noruoko rwangu tworudyi rwokururama. Isaya 41: 10.
• Handingakusiyei muri nherera; ndichauya kwamuri. Johani 14: 18.
• Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika, Tendai kuna Mwari; mutendewo kwandiri. Johani 14: 1.
• Mwari anogara nokusingaperi ndiye utiziro hwako, uye pasi pake pane maoko anogara nokusingaperi. Achadzinga vavengi vako kubva pamberi pako, achiti, ‘Muparadzei!’ Dhuteronomi 33: 27.
• Anoporesa vane mwoyo yakaputsika, uye anosunga maronda avo. Mapisarema 147; 3.
• Ndianiko achitiparadzanisa norudo rwaKristu? Kutambudzika here, kana nhamo, kana kutambudzwa, kana nzara, kana kushayiwa zvokupfeka, knjodzi, kana kunondo? Sezvakanyorwa zvichinzi: “ Nokuda kwenyu tinotarisana norufu zuva rose; tinoitwa samakwai anofanira kubayiwa.” Kwete, pazvinhu zvose izvi vakundi nokupfuurisa kubudikidza naye akatida. Nokuti ndinoziva kwazvo kuti kunyange rufu, kana upenyu, kana vatumwa, kana madhimoni, kana zvazvino, kana zvichauya, kana masimba api zvawo, kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana chimwe chinhuwo zvacho pazvisikwa zvose, hazvingagoni kutiparadzanisa norudo rwaMwari, rwuri muna Kristu Jesu Ishe wedu. Varoma 8; 35 – 39.
• Nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiMwari ane ngoni, haangakusiyei kana kukuparadzai, kana kukanganwa sungano yamadzibaba enyu, yaakasimbisa kwavari nemhiko. Dhuteronomi 4: 31.
• Simbai mutsunge mwoyo. Musatya kanakuvhundutswa nokuda kwavo, nokuti Jehovha Mwari wenyu achaenda nemi; haangakusiyei kana kukurasai. Dhuteronomi 31: 6.
• Kunyangwe baba vangu namai vangu vakandisiya, Jehovha achandigamuchira. Mapisarema 27: 10
• Kunyangwe makomo akazununguswa, uye zvikomo zvikabviswa, rudo rwangu rusingaperi harungazununguswi, uye sungano yangu yorugare haingabviswi,” ndizvo zvinotaura Jehovha anokunzwira tsitsi. Isaya 54: 10.
• Kandai pamusoro pake kufunganya kwenyu kwose nokuti anokuchengetai. 1 Peter 5: 7.
• Mwari ndiye utiziro hwedu nesimba redu, ndiye mubatsiri anogara aripo panguva yokutambudzika. Mapisarema 46: 1.
Subscribe to:
Post Comments (Atom)
No comments:
Post a Comment