Tuesday, October 30, 2012
BHAIBHERI RINOTI CHII NEZVEUPOMBWE NEHUNGOCHANI
• Kutsamwa kwaMwari kunoratidzwa kuchibva kudenga pamusoro pokusada Mwari kwose nokusarurama kwose kwavanhu vanodzivisa chokwadi nokusarurama kwavo. Nokuti kunyange zvazvo vaiziva Mwari, Havana kumukudza saMwari kana kumuvonga, asi kufunga kwavo kwakava kusina maturo uye mwoyo yavo isina zivo yakasvibiswa. Nokuda kwaizvozvo, Mwari akavaisa pakuchiva kwavo kunonyadzisa. Kunyangwe navakadzi vavo vakashandura zvavakasikirwa kuti vaite, vakaita zvasina kusikirwa. Navarume vavo vakaitawo zvimwe chetezvo vakasiya zvavakasikirwa paukama hwavo navakadzi uye vakatsva noruchiva mumwe kune mumwe murume. Varume vakaita zvisakafanira navamwe varume, uye vakazviwanira mukati mavo mubayiro wakafanira kurasika kwavo. Pamusoro pazvo, sezvavasina kufunga kuti zvakakodzera kuva noruzivo rwaMwari, akavaisa kumurangariro wokurasika, kuti vaite zvisakafanira. Varoma 1: 18,21, 26 – 28.
• Tinozivawo kuti murayiro hauna kuitirwa vakarurama asi vanodarika murayiro navanomukira, vasina umwari navatadzi, vasiri vatsvene nevasina chinamato; vaya vanouraya vanababa vavo kana vanamai vavo, vanouraya vanhu, mhombwe nevanopomba navamwe varume, navanotengesa vanhu kuti vave varanda, varevi venhema, nevanopika nhema, uye kana chimwe chipi zvacho chinopesana nedzidziso yechokwadi inosimbisa vhangeri rokubwinya, raMwari akaropafadzwa, iro raakapa kwandiri. 1 Timoti 1: 9 – 11.
• Unogutsirweiko, mwanakomana wangu, nomukadzi chifeve? Zvirevo 5: 20a.
• Ko hamuzivi here kuti vasakarurama havagari nhaka youmambo hwaMwari? Musanyengerwa: Nokuti mhombwe kana vanonamata zvifananidzo, kana zvifeve, kana varume vanooita zvoufeve, kana varume vanodanana navamwe varume, kana mbavha, kana vana madyo, kana zvidhakwa, kana vanochera vamwe, kana makororo, havangagari nhaka youmambo hwaMwari. Uye izvozvo ndizvo zvakanga zvakaita vamwe venyu. Asi makashambidzwa, mukaitwa vatsvene, mukashayirwa mhosva nezita raIshe Jesu Kristu, uye noMweya waMwari. 1 Vakorinde 6: 9 – 11.
• Pakupedzisira, hama, takakurayirai kuti munofanira kurarama sei kuitira kuti mugofadza Mwari, sezvamuri kurarama. Zvino tinokukumbirai uye tinokukurudzirai muna She Jesu kuti murambe muchiita izvi uye muchiwedzera. Nokuti munoziva zvakakurayirai nesimba raIshe Jesu. Kuda kwaMwari kuti muitwe vatsvene: kuti murege upombwe; kuti mumwe nomumwe wenyu adzidze kudzora muviri wake nenzira tsvene uye inokudzwa, asingaite mukuchiva sezvinoitwa navahedheni, vasingazivi Mwari. 1 Vatesaronika 4: 1 – 5.
• Mwanakomana wangu, chengetedza mirayiro yababa vako, uye usarasa kudzidzisa kwamai vako. Zvisungirire pamwoyo wako nokusingaperi; uzvishonnge pamutsipa wako. Paunofamba zvichakutungamirira; paucharara, zvichakurinda; pauchamuka, zvichataura newe. Nokuti mirayiro iyi ndiyo mwenje kwauri, dzidziso iyi ndiyo chiedza, uye kudzora kokurayira ndiko nzira youpenyu, kunokuchengetedza pamukadzi asingazvibati, kubva parurimi runonyengera rwomudzimai asingazvibati. Usachiva runako rwake mumwoyo mako, kana kumurega achikubata namaziso ake, nokuti chifeve chinokuderedza kusvikira wafanana nechingwa, uye mukadzi womumwe asi ari chifeve anoendesa upenyu hwako chaihwo kurufu. Ko, munhu angaisa moto pamakumbo ake, nguo dzake dzikasatsa here? Ndizvo zvakaita uyo anorara nomudzimai womumwe murume; hapana angabate mukadzi iyeyo akasarangwa. Zvirevo 6: 20 – 29.
• Ndinotenderwa zvinhu zvose, asi hazvisi zvose zvinobatsira. Kwandiri zvinhu zvose zvinotenderwa, asi handidi kutongwa kana nechimwe. Zvokudya ndezvedumbu uye dumbu nderezvokudya, asi Mwari achaparadza zvose zviri zviviri. Muviri hauzi woupombwe, asi ndowaShe, uye naShe ndowomuviri. 1 Vakorinde 6: 12 – 13.
• Usaita upombwe. Esodho 20: 14.
• Tizai upombwe. Zvimwe zvivi zvose zvingaitwa nomunhu zviri kunze kwomuviri wake, asi uyo anoita chivi choupombwe anotadzira muviri wake. Hamuzivi here kuti muviri wenyu itemberi yaMweya Mutsvene, ari mamuri, uyo wamakagamuchira kubva kuna Mwari? Hamuzi venyu. 1 Vakorinde 6: 18 – 19.
• Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose, uye wakaora chose. Ndiani angauziva? “Ini Jehovha ndinonzvera mwoyo uye ndinoedza ndangariro, kuti ndipe munhu zvakaringana namafambiro ake, uye zvakafanira mabasa ake.” Jeremia 17: 9 – 10.
• Kana tichireurura zvivi zvedu, iye akatendeka uye akarurama, uye achatikanganwira zvivi zvedu agotinatsa pakusarurama kwose. 1 Johani 1: 9.
• Ndiye chibayiro chinoyananisira zvivi zvedu, uye kwete zvivi zvedu bedzi, asi wezvivi zvenyika yose. 1 Johani 2: 2.
• Usavata nomurume somurume anofata nomukadzi; zvinonyadza. Usasangana nemhuka uye ugozvisvibisa nayo. Mukadzi haafaniri kuzvipa kumhuka kuti asangane nayo; uku kunyangadza kukuru. “Musazvisvibisa neimwe yenzira idzi nokuti ndudzi dzandichadzinga pamberi penyu dzakasvibiswa naizvozvo. Revhitiko 18: 22 – 24.
• Makanzwa zvichinzi,’Usaita upombwe.’ Asi ini ndinoti kwamuri ani naani anotarisa mukadzi neziso roruchiva atoita upombwe naye mumwoyo make. Mateo 5: 27 – 28.
• Kana mumwe akavata nomurume seanovata nomukadzi vose vari vaviri vaita zvinonyangadza. Vanofanira kuurayiwa. Ropa ravo richava pamusoro pavo. Revhitiko 20: 13.
• Farikana muna Jehovha, uye iye achakupa zvinodikanwa nomwoyo wako. Isa nzira yako kuna Jehovha; uvimbe naye uye achaita izvi. Mapisarema 37: 4 – 5.
• Haiwa rudo rwenyu rusingatongoperi runokosha sei! Vose vakuru navaduku pakati pavanhu vanovanda mumuviri wamapapiro enyu. Mapisarema 36: 7.
• Inwa mvura pachirongo chako chaicho, mvura inoerera pastime rako chairo. Zvirevo 5: 15.
• Uyo anogara panzvimbo yokuvanda yoWokumusoro-soro achazorora mumumvuri woWamasimba Ose. Ndichati pamusoro paJehovha,’Ndiye utiziro hwangu nenhare yangu, Mwari wangu, wandinovimba naye.” Zvirokwazvo achakuponesa parugombe rwomuteyi napadenda rinouraya. Mapisarema 91: 1 – 3.
Subscribe to:
Post Comments (Atom)
No comments:
Post a Comment