Thursday, October 18, 2012

JESU KRISTU ISHAMWARI YAKO

• Ndiri shamwari yavose vanokutyai, nokuna vose vanotevera zvirevo zvenyu. Mapisarema 119: 63 • Munhu ane shamwari dzakawanda angangoparadzwa, asi kune shamwari inonamatira kupfuura hama. Zvirevo 18: 24. • Musakarira mari pamagariro enyu uye mugutsikane nezvamunazvo, nokuti Mwari akati: “Handingatongokusiyei; handingatongokurasei.” Vahebheru 13: 5. • Handichakuidzii varanda, nokuti muranda haazivi zvinoitwa natenzi vake. Asi ndinokuidzai shamwari, nokuti zvandakadzidza kubva kuna Baba vangu ndakakuzivisai. Imi hamuna kundisarudza, asi ndakakusarudzai uye ndikakugadzai kuti muende mugonobereka zvibereko, izvo zvibereko zvinogara. Ipapo Baba vachakupai zvose zvamuchakumbira muzita rangu. Johani 15: 15 – 16. • Asi kana tichifamba muchiedza, saiye ari muchiedza, tinowadzana nomumwe nomumwe wedu, uye ropa raJesu, Mwanakomana wake, rinotinatsa pazvivi zvose. 1 Johani 1: 7. • Kunyangwe makomo akazununguswa, uye zvikomo zvika bviswa, rudo rwangu rusingaperi harungazununguswi, uye sungano yangu yorugare haingabviswi, ndizvo zvinotaura Jehovha anokunzwirai tsitsi. Isaya 54: 10. • Ndiri pano! Ndimire pamusuo ndichigogodza. Kana munhu akanzwa inzwi rangu uye akazarura musuo, ndichapinda uye ndigodya naye, uye iye neni. Zvakazarurwa 3: 20. • Swederai kuna Mwari uye iye achaswedera kwamuri. Shambai maoko enyu, imi vatadzi, uye munatse mwoyo yenyu, imi vane mwoyo miviri. Jakobho 4: 8. • Kunyange baba vangu namai vangu vakandisiya, Jehovha achandigamuchira. Mapisarema 27: 10. • Murayiro wangu ndouyu: Dananai, sezvo ini ndakakudai. Hakuna munhu ano rudo rukuru kuno urwu, kuti munhu ape upenyu hwake nokuda kweshamwari dzake. Muri shamwari dzangu kana muchiita zvandinokurayirai. Johani 15: 12 – 14. • Mwari, iye akakudanai kuti muwadzane noMwanakonmana wake Jesu Kristu Ishe wedu, akatendeka. 1 Vakorinde 1: 9. • Tinoparidza kwamuri zvatakaona nezvatakanzwa, kuri nemiwo mugowadzana nesu. Uye tinowadzana naBaba noMwanakomana wavo, Jesu Kristu. 1 Johani 1: 3. • Handingakusiyei muri nherera; ndichauya kwamuri. Johani 14: 18.

No comments: