Friday, October 26, 2012
BHAIBHERI RINOTI CHII NEUPENYU HUSINGAPERI
• Uye uku ndiko kupupura kuti: Mwari akatipa upenyu husingaperi, uye upenyu uhu huri muMwanakomana wake. Uyo asina Mwanakomana waMwari haana upenyu. 1 Johani 5: 11 – 12.
• Ndinokuudzai chokwadi kuti, ani naani anonzwa shoko rangu uye achitenda uyo akandituma, ano upenyu husingaperi uye haachazotongwi, abva murufu uye aenda kuupenyu. Johani 5: 24.
• Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti ani naani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi. Nokuti Mwari haana kutuma Mwanakomana wake panyika kuti atonge nyika, asi kuti nyika iponeswe kubudikidza naye. Ani naani anotenda kwaari haatongwi, asi ani naani asingatendi atotongwa nokuti haana kutenda muzita roMwanakomana mumwe oga waMwari. Johani 3: 16 – 18 .
• Hakuna munhu akaona Baba kunze kwouyo anobva kuna Mwari; ndiye chete akaona Baba. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, uyo anotenda ndiye anoupenyu husingaperi. Johani 6: 46 – 47.
• Asi hechino chingwa chinobva kudenga, chinoti kana munhu akadya haangafi. Ndini chingwa chipenyu chakaburuka kubva kudenga. Kana munhu upi zvake akadya chingwa ichi, achararama nokusingaperi. Chingwa ichi inyama yangu, yandichapa nokuda kwoupenyu hwenyika. Johani 6: 50 – 51.
• Tnozivawo kuti Mwanakomana waMwari akauya akatipa kunzwisisa, kuitira kuti timuzive iye wechokwadi. Uye tiri maari iye wechokwadi, kunyange muMwanakomana wake Jesu Kristu. Ndiye Mwari wechokwadi noupenyu husingaperi. 1 Johani 5: 20.
• Varombo vachadya uye vagoguta; vanotsvaka Jehovha vachimurumbidza, mwoyo yenyu ngairarame nokusingaperi! Mapisarema 22: 26.
• Mazuva avakarurama anozivikanwa naJehovha, uye nhaka yavo ichagara nokusingaperi. Mapisarema 37: 18.
• Asi Mwari achadzikinura upenyu hwangu kubva muguva, zvirokwazvo achanditora iye. Mapisarema 49: 15.
• Kana chinoparara chikafuka kusaparara, uye chinofa chikafuka kusafa, ipapo tsumo yakanyorwa ichazadziswa yokuti: “Rufu rwakamedzwa nokukunda.” “Kuripiko kukunda kwako iwe rufu? Rwuripiko rumborera rwako, iwe rufu?” Rumborera rwerufu ndicho chivi, uye simba rechivi ndiwo murayiro. Asi Mwari ngaawongwe! Anotipa kukunda kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu. 1 Vakorinde 15: 54 – 57.
• Jesu akati kwaari, “Ndini kumuka neupenyu. Uyo anotenda kwandiri achararama, kunyange dai akafa; uye ani naani anorarama uye anotenda mandiri haangatongofi. Unotenda her izvi?” Johani 11: 25 – 26.
• Musashandira zvokudya zvinopera, asi shandirai zvokudya zvinogara kuupenyu husingaperi zvamuchapiwa noMwanakomana woMunhu. Mwari Baba vakaisa chisimbiso chavo paari. Jahani 6: 27.
• Makwai angu anonzwa izwi rangu; ini ndinoaziva, uye anonditevera. Ndinoapa upenyu husingaperi, uye haatongofi; hakuna munhu angaabvuta muruoko rwangu. Johani 10: 27 – 28.
• Jesu akapindura akati, “Ani naani anonwa mvura iyi achavanenyotazve, asi ani naani anonwa mvura yandichamupa haangatongovi nenyota. Zvirokwazvo, mvura yandichamupa ini ichava maari chitubu chebcura inoerera kuupenyu husingaperi.” Johani 4: 13 – 14.
Subscribe to:
Post Comments (Atom)
No comments:
Post a Comment