Monday, October 15, 2012

JESU NDIYE ANOUNZA RUNYARARO RWEDU

• Muchachengeta murugare rukuru munhu ano mwoyo wakasimba, nokuti anovimba nemi. Isaya 26: 3. • Asi zvino muna Kristu Jesu, imi mukanga muri kure kare, makaswededzwa pedyo kubudikidza neropa raKristu.Nokuti iye pachake ndiye Rugare rwedu, akaita kuti vaviri vave chinhu chimwe uye akaparadza mukaha, irwo rusvingo rwiparadzanisa rwokuvengana. Vaefeso 2: 13 – 14. • Nokuti takazvarirwa mwana, takapiwa mwanakomana, uye umambo huchava pamapfudzi ake. Uye ahanzi Gota Rinoshamisa, Mwari Ane Simba, Baba Vokusingaperi, Muchinda woRugare. Kukura kwoumambo hwake nokworugare rwake hazvizovi namagumo. Achatonga pachigaro choushe chaDhavhidhi napamusoro poumambo hwake, achiusimbisa nokuhutsigira, nokuhururamisa uye nokururama, kubva panguva iyoyo kusvikira nokusingaperi. Kushingirira kwaJohovha Wamasimba Ose kuchazviita. Iaya 9: 6 – 7. • Mwari worugare achakurumidza kupwanya Satani pasi petsoka dzenyu. Nyasha dzaIshe wedu Jesu ngadzive nemi. Varoma 16: 20. • Johovha, imi munotigadzirira Rugare; zvose zvatakakwanisa ndimi makatiitira. Isaya 26: 12. • Zvipi zvazvo zvamakadzidza kana zvamakagamuchira kana zvamakanzwa kubva kwandiri, itai izvozvo. Uye Mwari worugare ngaave nemi. Vafiripi 4: 9. • Naizvozvo, zvatinoshayirwa mhosva nokutenda, tino Rugare naMwari kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu. Varoma 5: 1. • Rugare rwaKristu ngarutonge mumwoyo yenyu, sezvo nhengo dzomuviri mumwe makadanirwa kurugare. Uye munofanira kuvonga. Vakorose 4: 15. • Ndichavata pasi ndigokotsira norugare, nokuti imi moga, Johovha, munoita kuti ndigare pakasimba. Mapisarema 4: 8. • Jehovha anopa simba kuvanhu vake; Johovha anoropafadza vanhu vake norugare. Mapisarema 29: 11. • Ndinokusiyirai Rugare; ndinokupai Rugare rwangu. Handikupeyi sekupa kwenyika. Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika uye musatya. Johani 14: 27. • Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose, nomunyengetero uye nomukumbiro, nokuvoonga, isai zvikumbiro kuna Mwari. Uye Rugare rwaMwari, runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nomifungo yenyu muna Kristu Jesu. Vafiripi 4: 6 – 7.

No comments: