Friday, October 12, 2012

MWARI ZVAANODA KUTIITIRA MAZUVA OSE - JESU RUDO.

• Asi Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti: Tichiri vatadzi, Kristu akatifira. Varoma 5: 8. • Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti ani naani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi. Johani 3: 16. • Shamwari dzinodikanwa, ngatidananei, nokuti rudo runobva kuna Mwari. Mumwe nomumwe anoda akaberekwa naMwari uye anoziva mMwari. Ani naani asingadi haazivi Mwari, nokuti Mwari rudo. Mwari akaratidza rudo rwake pakati pedu sezvizvi: Akatuma Mwanakomana wake mumwe oga munyika kuti tive neupenyu kubudikidza naye. Urwu ndirwo rudo: kwete kuti isu takada, Mwari, asi kuti iye akatida uye akatuma mwanakomana wake kuti ave chibairo chinoyananisa zvivi zvedu. Shamwari dzinodikanwa, sezvo Mwari akatida zvakadai, isu tinofanirwavo kudanana. Hakuna munhu akatongoona Mwari; asi kana tichidanana, Mwari anogara matiri, uye rudo rwake runokwaniswa matiri. 1 Johani 4: 7 – 12. • Nokudaro tinoziva uye tinovimba norudo rwaMwari kwatiri. Mwari rudo. Ani naani asingadi anogara murudo anogara muna Mwari, uye Mwari maari. Tinomuda nokuti iye akatanga kutida. 1 Johani 4: 16, 19. • Sezvo Baba vakandida, neni ndakakudaiwo, zvino, chigarai murudo rwangu. Kana muchiteerera mirayiro yangu, muchagara murudo rwangu sezvandakateerera mirayiro yaBaba vangu uye ndikagara murudo rwavo. Ndakakuudzai izvi kuitira kuti mufaro wangu uve mamuri uye kuti mufaro wenyu uve wakakwana. Murayiro wangundouyu: Dananai sezvo ndakakudai. Hakuna munhu anerudo rukuru kuno urwu, kuti munhu ape upenyu wake nokuda kweshamwari dzake. Uyu ndiwo murayiro wangu: Dananai. Johani 15: 9 – 13, 17. • Ndinonyengetera kuti Kristu agare mumoyo yenyu nekutenda. Uye ndinonyengetera kuti imi, muve nemidzi uye musimbise murudo, muve nesimba, pamwe chete navatsvene vose, kuti mubate kuti kupamhamha, nokureba uye kukwirira, nokudzika kworudo rwaKristu kwakadii, uye muzive rudo urwu runopfuura ruzivo, kuti muzadzwe kusvikira pachiyero chokuzara kwose kwaMwari. Vaefeso 3: 17 – 19. • Ndinoda avo vanondida, uye vaya vanonditsvaka vanondiwana. Zvirevo 8: 17. • Johonha akazviratidza kwatiri kare, achiti, “ Ndakakudai nerudo rusingaperi; ndakakukwevai nokunaka kwerudo rwangu. Jeremia 31: 3. • Ndichatsidza kukuwana uve wangu nokusingaperi; Ndichatsidza kukuwana mukururama uye nokururamisira, murudo netsitsi. Hosea 2: 19. • Ani nani ane mirayiro yangu uye anoyiteerera, ndiye anondida iyeye. Uyo anondida achadikanwa naBaba vangu, neniwo ndichamuda uye ndichazviratidza kwaari. Johani 14: 21. • Masikati Johovha anorayira rudo rwake, pausiku rwiyo rwake runeni, munyengetero kuna Mwari woupenyu wangu. Mapisarema 42: 8. • Uye munhu zvitatu ndizvo zvinogara, zvinoti kutenda, tariro nerudo. Asi chikuru pakati peizvi ndirwo rudo. 1 Vakorinde 13: 13. • Nokuti ndinoziva kwazvo kuti kunyange rufu, kana upenyu, kana vatumwa, kanamadhimoni, kana zvazvino, kana zvichauya, kana masimba api zvawo, kana chinhuwo zvacho pazvisikwa zvose, hazvingagoni kutiparadzanisa norudo rwaMwari, rwuri muna Kristu Jesu Ishe wedu. Varoma 8: 38 – 39.

No comments: