Friday, October 12, 2012

MWARI ZVAANODA KUTIITIRA MAZUVA OSE - JESU NDIMWARI

• Nhaizvozvo Mwari akamukwidza panzvimbo yepamusorosoro, uye akamupa zita riri pamusoro pamazita ose, kuti muzita raJesu mabvi ose apfugame, mudenga napanyika uye napasi penyika, uye ndimi dzose dzipupure kuti Jesu Kristu ndiye She, kuti Mwari Baba vakudzwe. Vafiripi 2: 9 – 11. • Kuti kana ukapupura nomuromo wako kuti, “Jesu ndiye Ishe uye ukatenda mumwoyo mako kuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, achaponeswa. Nokuti unotenda nomwoyo wako ugoshayirwa mhosva, uye unopupura nomuromo wako ugoponeswa. Varoma 10: 9 – 10. • Sei muchiti, ‘Ishe, Ishe,’ kwandiri asi musingaiti zvandinoreva? Ruka 6: 46 • Musapa mutezo yomuviri wenyu kuchivi, kuti ive nhumbi dzokuita zvisakarurama, asi zvipei kuna Mwari, savaya vakabviswa kurufu vachiiswa kuupenyu; uye ipai mitezo yomuviri wenyu kwaari ive nhumbi dzokururama. Nokuti chivi hachichazovi nesimba pamusoro penyu, nokuti hamusi pasi pomurayiro, asi pasi penyasha. Zvino tichatiiko? Titadze here nokuti hatisi pasi pomurayiro asi pasi penyasha. Kwete napaduku pose! Hamuzivi here kuti kana mukazvipa kuno mumwe munhu kuti mumuteerere, savaranda, muri varanda kuno uyo wamunoteerera, mungava varanda vechivi, chinoendesa kurufu kana vokuteerera, kunoendesa kukururama. Varoma 6: 13 – 16 • Naizvozvo, ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, netsitsi dzaMwari, kuti mupe miviri yenyu sechibairo chipenyu, chitsevene uye chinofadza Mwari, uku ndiko kunamata kwenyu kwomweya. Musaramba muchizvienzanisa namaitiro enyika ino, asi mushandurwe nokuvandudzwa kwepfungwa dzenyu. Ipapo muchakwanisa kuti muedze uye mugoziva kuti kuda kwaMwari ndokupi, kuda kwake kwakanaka, kunomufadza uye kwakakwana. Varoma 12: 1 – 2. • Hamuzivi here kuti muviri wenyu itemberi yaMweya Mutsvene, ari mamuri, uyo wamakagamuchira kubva kuna Mwari? Hamuzi venyu; makatengwa nomutengo. Naizvozvo kudzai Mwari nomuviri wenyu. 1 Vkorinde 6: 19 – 20. • Naizvozvo vaIsraeri ngavazive izvi: Jesu uyu, wamakarovera pamuchinjikwa, Mwari akamuita Ishe naKristu. Mabasa 2: 36. • Kana tichirarama, tinoraramira Ishe; uye kana tichifa tinofira Ishe. Saka, kana tichirarama kana kufa tiri vaShe. Varoma 14: 8. • Ishe ngaarumbidzwe , Mwari Muponesi wedu, anotakura mitoro yedu zuva nezuva. Mapisarema 68: 19. • Asi kana ndirini, zvakanaka kuva pedyo naMwari. Ndakaita Ishe Johovha utiziro hwangu; ndichataura zvamabasa enyu ose. Mapisarema 73: 28 • Imi munokanganwira uye makanaka, imi Ishe, muzere norudo kuna vose vanodana kwamuri. Mapisarema 86: 5. • Nokuti Ishe Johovha anondibatsira, handizonyadziswi. Naizvozvo ndakaita kuti chiso change chive sebwe remusarasara. Isaya 50: 7. • Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose uye nomweya wako wose nokufunga kwako kose uye nesimba rako rose. Mako 12: 30. • Dhavhidhi akataura nezvake achiti: “ Ndakaona Ishe mberi kwangu nguva dzose. Nokuti ari kuruoko rwangu rworudyi, handingatongozungunuswa. Mabasa 2: 25.

No comments: