Tuesday, October 16, 2012

ZVAUNOFANIRA KUITA KANA UCHINGE WAVEKUNZWA KUSHUSHIKANA

• Kandai pamusoro pake kufunganya kwenyu kwose nokuti anokuchengetai. 1 Peter 5: 7. • Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika, Tendai kuna Mwari; mutendewo kwandiri. Johani 14: 1. • Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose, nomunyengetero uye nomukumbiro, nokuvoonga, isai zvikumbiro kuna Mwari. Uye Rugare rwaMwari, runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nomifungo yenyu muna Kristu Jesu. Vafiripi 4: 6 – 7. • Rugare rwaKristu ngarutonge mumwoyo yenyu, sezvo senhengo dzomuviri mumwe makadanirwa kurugare. Uye munofanira kuvonga. Vakorose 3: 15. • Muchachengeta murugare rukuru munhu ano mwoyo wakasimba, nokuti anovimba nemi. Isaya 26: 3. • Uye Mwari wangu achazadzisa zvamunoshayiwa zvose maererano nokubwinya kwepfuma yake muna Kristu Jesu. Vafiripi 4: 19. • Ndichavata pasi ndigokotsira norugare, nokuti imi moga, Johova, munoita kuti ndigare pakasimmba. Mapisarema 4: 8. • Naizvozvo ndinokutaurirai kuti, musafunganya nezvoupenyu hwenyu, kuti muchadyei kana kuti muchanwei, kana nezvemiviri kuti muchapfekei. Ko, upenyu hausi hwakakosha here kudarika zvokudya, nomuviri kudarika nguo? Tarirai shiri dzinobhururuka, hadzidyari kana kukowa kana kuisa zvokudya mumatura, asi Baba venyu vari kudenga vanodzipa zvokudya. Imi pakati penyu angawedzera awa imwe chete paupenyu hwake nokuda kwokufunganya? Ko, munofunganyei pamusoro pezvokupfeka? Tarirai kuti maruva esango anokura sei? Haashandi kana kuruka. Asi ndinokuudzai kuti kunyange naSoromoni mukubwinya kwake kwose, haana kumboshonga serimwe ramaruva aya. Zino kana Mwari achishongedza saizvozvo uswa hwesango huripo nhasi uye mangwana huchizokandwa mumoto, haangakushongedzei kupfuura izvi here, imi vokutenda kuduku? Naizvozvo musafunganya muchiti,’Tichadyei?’ kana kuti, ‘Tichanwei?’ kana, ‘Tichapfekei?’ Izvi ndizvo zvinoitwa navahedheni, nokuti Baba venyu vari kudenga vanoziva kuti munoda zvinhu izvi. Asi tangai kutsvaka umambo hwake nokururama kwake, uye zvinhu zvose zvichapiwawo kwamuri. Naizvozvo musafunganya nezvamangwana nokuti mangwana achazvifunganyira zvawo. Zuva rimwe nerimwe rine nhamo dzaro dzakarikwanira. Mateo 6: 25 – 34. • Nokuti kufunga kwemunu wechivi ndirwo rufu, asi kufunga kunotongwa noMweya ndihwo upenyu norugare. Varoma 8: 6. • Paunovata pasi, haungatyi; paunovata pasi, hope dzako dzichava dzakanaka. Zvirevo 3: 24. • Zvino isu tinotenda tinopinda muzororo iro, sezvakareva Mwari achiti: “ Naizvozvo ndakapika mhiko mukutsamwa kwangu kuti, ‘Havazopindi muzororo rangu.” Uye kunyangwe zvakadaro basa rake akapedza kubva pakusikwa kwenyika.; Naizvozvo richipo, zororo seSabata ravanhu vaMwari. Vahebheru 4: 3, 9. • Vanoda murayiro wenyu vano Rugare rukuru, uye hakuna chingavagumbusa. Mapisarema 119: 165. • Uyo anogara pazvimbo yokuvanda yoWokumusoro-soro achazorora mumuviri woWamasimba Ose. Ndichati pamusoro paJehovha, “ Ndiye utiziro hwangu nenhare yangu, Mwari wangu, wandinovimba naye.” Mapisarema 91: 1 – 2. • Ndinokusiyirai Rugare; ndinokupai Rugare rwangu. Handikupei sokupa kwenyika. Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika uye musatya. Johani 14: 27.

No comments: