Wednesday, October 17, 2012
JESU NDIYE MHINDURO
• Uye Mwari anogona kuita kuti nyasha dziwande kwamuri, kuitira kuti muzvinhu zvose, muine zvose zvamunoda, muchakwanisa kuita mabasa ose akanaka. 2 Vakorinde 9: 8.
• Uye Mwari wangu achazadzisa zvamunoshayiwa zvose maererano nokubwinya kwepfuma yake muna Kristu Jesu. Vafiripi 4: 19.
• Naizvozvo ndinoti kwamuri, zvose zvamunokumbira mukunyengetera, tendai kuti mazvigamuchira, uye zvichava zvenyu. Mako 11: 19.
• Kwete nokuti tinogona isu pachedu, zvokuti titi chakati ndechedu, asi kugona kwedu kunobva kuna Mwari. 2 Vakorinde 3: 5.
• Ndinoziva kuti kushayiwa chii, uye ndinoziva kuva nezvakawanda. Ndakadzidza chavanzika chokugutsikana mune zvipi zvazvo, uye mumamiriro ose zvawo, kungava kuguta kana kunzwa nzara, kana kuva nezvakawanda kana kushayiwa. Ndinogona kuita zvinhu zvose kubudikidza naiye anondipa simba. Vafiripi 4: 12 – 13.
• Uye nesimba rake guru risingagoni kuenzaniswa kwatiri isu vanotenda. Iroro simba rakaita sokubata kwesimba rake guru, ratakaita muna Kristu paakamumutsa kubva kuvakafa akamugarisa kuruoko rwake rworudyi mudenga. Vaefeso 1: 19 – 20.
• Asi iye akati kwandiri, “Nyasha dzangu dzakakukwanira, nokuti simba rangu rinozadziswa muutera.” Naizvozvo ndichanyanya kuzvirumbidza pamusoro poutera wangu, kuitira kuti simba raKristu rigova pamusoro pangu. 2 Vakorinde 12: 9.
• Kwete, pazvinhu zvose izvi vakundi nokupfuurisa kubudikidza naye akatida.
Varoma 8: 37.
• Kurumbidza ngakuve kuna Mwari Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, iye akatiropofadza muchadenga nokuropofadzwa kwose kwomweya muna Kristu Jesu. Vaefeso 1: 3.
• Kana muchigara mandiri uye mashoko angu achigara mamuri, kumbirai zvose zvamunoda, uye muchazvipiwa. Jahani 15: 7.
• Uye ndichaita zvose zvamunokumbira nezita rangu, kuitira kuti Mwanakomana avigire Baba kukudzwa. Johani 14: 13.
• Pazuva iro hamuzondibvunzizve kana chinhu. Ndinokuudzai chokwadi, Baba vangu vachakupai zvose zvamuchakumbira muzita rangu. Kusvikira zvino hamusati matombokumbira kana chinhu muzita rangu. Kumbirai uye muchapiwa, uye mufaro wenyu uchava wakazara. Johani 16: 23 – 24.
• Kana muchitenda, muchagamuchira zvose zvamunokumbira mukunyengetera.
Mateo 21:22.
• Zvino tichatiiko pazvinhu izvi? Kana Mwari ari kurutivi rwedu, ndiani angatirwisa? Iye asina kuramba noMwanakomana wake, asi akamupa chose nokuda kwedu tose, angarega Seiko kutipawo zvose, pamwe chete naye? Varoma 8: 31 – 32.
• Simba rake dzvene rakatipa zvinhu zvose zvatinoda zvoupenyu nouMwari kubudikidza nokumuziva kwedu iye akatidana nokubwinya nokunaka kwake chaiko. Kubudikidza naizvozvo, akatipa zvipikirwa zvake zvikuru kwazvo zvinokosha kuti nazvo, mugone kugoverwa umwari uye mugoti kuora kwomunyika kunouyiswa nokuchiva.
2 Petro 1: 3 – 4.
• Rumbidzai Jehovha, iwe mweya wangu, uye urege kukanganwa mikomborero yake, iye anokanganwira zvivi zvako zvose. Mapisarema 103: 2 – 3.
Subscribe to:
Post Comments (Atom)
No comments:
Post a Comment