Monday, October 15, 2012
ZVAUNOFANIRA KUITA KANA UCHINGE WAVEKUNZWA KUKUNDIKANA
Vakasungurwa vaJohovha vachadzoka vachapinda muZioni vachiimba: mufaro usingaperi uchava korona pamisoro yavo. Isaya 51: 11.
Muneizvi munofara zvikuru kunyangwe zvino, kana zvichifanira, muchitambudzika kwechunguva chiduku nenzira dzose dzomuedzo. Izvi zvakauya kuitira kuti kutenda kwenyu, kunokosha kupfuura goridhe, rinoparara kunyangwe zvaro rakanatswa nemoto, kuwanikwe kwakakwana uye kuve kunorumbidzwa, kunobwinya uye kunokudzwa pakuratidzwa kwaJesu Kristu. Kunyangwe musina kumuona, munomuda; kunyangwe zvazvo musiingamuoni zvino munotenda kwaari uye muzere nomufaro usingagoni kurondedzerwa, nokuti muri kugamuchira chinovavarirwa nokutenda kwenyu, irwo ruponeso rwemweya yenyu. 1 Petro 1: 6 – 9.
Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose, nomunyengetero uye nomukumbiro, nokuvoonga, isai zvikumbiro kuna Mwari. Uye Rugare rwaMwari, runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nomifungo yenyu muna Kristu Jesu. Pakupedzisira hama, zvose zvechokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvosee zvinodikanwa, zvose zvinoyevedza, kana paine chinhu chakaisvonaka chinorumbidzwa fungai pamusoro pezvinhu izvi zvakadai. Vafiripi 4: 6 – 8.
Kunyangwe ndikafamba pakati penhamo, munochengetedza upenyu wangu; munotambanudza ruoko rwenyu pamusoro pehasha dzavavengi vangu, munondiponesa noruoko rwenyu rwerudyi. Mapisarema 138: 7.
Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika, Tendai kuna Mwari; mutendewo kwandiri. Johani 14: 1.
Ndinokusiyirai Rugare; ndinokupai Rugare rwangu. Handikupei sokupa kwenyika. Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika uye musatya. Johani 14: 27.
Tinomanikidzwa kumativi ose, asi hatipwanyiwi; tinokanganiswa, asi hatina kuora mwoyo; tinotambudzwa, asi hatina kusiyiwa; takawisirwa pasi, asi hatina kuparadzwa. 2 Vakorinde 4: 8 – 9.
Naizvozvo regai kurasa kusatya kwenyu, kuno mubayiro mukuru. Munofanira kutsungirira kuitira kuti kana maita kuda kwaMwari mugogamuchira zvaakavimbisa. Vahebhuru 10: 35 – 36.
Ndichiziva izvi, kuti iye akatanga basa rakanaka mamuri acharipedzisa kusvika pazuva raKristu Jesu. Vfiripi 1: 6.
Ngatiregei kuneta pakuita zvakanaka, nokuti nenguva yakafanira tichakokwa kana tisingaori mwoyo. Vagaratia 6: 9.
Simbai uye mutsunge mwoyo, imi mose munorinda Jehovha. Mapisarema 31 : 24.
Jehovha ndiye chiedza change noruponeso rwangu,ndichagotya aniko? Jehovha ndiye nhare youpenyu hwangu, ndianiko wandingatya? Vanhu vakaipa pavakauya kwandiri kuzodya nyama yangu, vavengi navadzivisi vangu pavanondirwisa, vanogumburwa ndokuwa. Kunyangwe hondo ikandikomba, mwoyo wangu haungazotyi; kunyange hondo ikamuka kuzondirwisa, ipapo ndichavimba naJehovha. Chinhu chimwe chete chandinokumbira kuna Jehovha, ndicho chandinotsvaka: kuti ndigare mumba maJehovha uye ndimutsake mutemberi yake. Nokuti zuva rokutambudzika achandichengeta zvakanaka muzvimbo yaanogara; achandiviga mudumba retambenakeri yake, agondikwidza pamuso pedombo. Ipapo musoro wangu uchasimudzirwa pamusoro pavavengi vakandipoteredza; ndichamubayira zvibayiro patambinnakeri yake nomufaro mukuru; ndichaimba ndigoimbira Jehovha nziyo. Inzwai inzwi rangu kana ndichidana, imi Jehovha; ndizwirei ngoni mugondipindura. Mwoyo wangu unoti kwandiri, “Tsvaka chiso chake!” Chiso chenyu, Jehovha, ndichachitsvaka. Regai kundivanzira chiso chenyu, musadzinga muranda wenyu mukutsamwa; mukanga muri mubatsiri wangu. Regai kundiramba kana kundisiya, imi Mwari Muponesi wangu. Kunyangwe baba vangu namai vangu vakandisiya, Jehovha achandigamuchira. Ndidzidzisei nzira yenyu, imi Jehovha; ndisesedzei munzira yakarurama nokuda kwavamanikidzi vangu. Regai kundisundira kuzvido zvavavendi vangu, nokuti zvapupu zvenhema zvinondimukira, vachifemedzeka nehasha. Ndichine chokwadi neizvi zvokuti: ndichaona kunaka kwaJehovha munyika yavapenyu. Rindira Jehovha; iva nesimmba, utsunge mwoyo ugomirira Jehovha. Mapisarema 27: 1 – 14.
Subscribe to:
Post Comments (Atom)
No comments:
Post a Comment