Friday, October 26, 2012
BHAIBHERI RINOTI CHII NERUFU
• Semvura yadeukira pasi, isingazogoni kudyorerwa, saizvozvo tinofanira kufa. Asi Mwari haaurayi munhu; pachinzvimbo chaizvozvo anotoronga zano rokuti akadzingwa arege kuraswa zvachose naye. 2 Smuel 14: 14.
• Ko, munhu ndoupi angararama akasaona rufu, kana angazviponesa pasimba reguva? Mapisarema 89: 48.
• Zvinoitika kumunhu zvakafanana nezvinoita kumhuka; zvose zvinoitirwa zvimwe chetezvo: sokufa kunoita chimwe, chimwe chinofawo. Zvose zvinoenda kuzvimbo imwe chete; zvose zvinobva kuvhu zvose zvinodzokera. Muparidzi 3: 19a – 20.
• Hakuna munhu ane simba pamusoro pemhepo kuti aitonge; saizvozvo hakuna munhu ane simba pamusoro pezuva rokufa kwake. Muparidzi 8: 8.
• Nokuti vose vanogona kuona kuti vanhu vakachenjera vanofa; mapenzi navasina pfungwa zvimwe chetezvo vanofa, uye vanosiyira vamwe pfuma yavo. Asi munhu, kunyange ane pfuma yake, haagari; akafanana nemhuka dzinofa. Asi Mwari achadzikinura upenyu hwangu kubva muguva, zvirokwazvo achanditora iye. Mapisarema 49: 10, 12, 15.
• Asi akaenderera mberi achiti, “Imi muri vapasi; ini ndinobva kumusoro. Muri venyika ino; ini handizi wenyika ino. Ndakuudzai kuti muchafira muzvivi zvenyu; kana musingatendi kuti ndini iye, zvirokwazvo muchafira muzvivi zvenyu.” Johani 8: 23 – 24.
• Kana muri imi, mukanga makafa mukudarika kwenyu nomuzvivi. Vaefeso 2: 1.
• Makavingwa pamwechete mukubhabhatidzwa uye mukumutswa pamwe chete naye nokutenda kwenyu musimba raMwari, akamumutsa kuvakafa. Pamakanga makafa muzvivi zvenyu uye nokusadzingiswa kwomunhu wenyu wekare, Mwari akakuitai vapenyu muna Kristu. Akatikanganwira zvivi zvedu zvose. Vakorose 2: 12 – 13.
• Ndinokuudzai chokwadi, kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongooni rufu. Johani 8: 51.
• Jesu akati kwaari, “Ndini kumuka neupenyu. Uyo anotenda kwandiri achararama, kunyange dai akafa. Johani 11: 25.
• Asi zvino dzakaratidzwa nokuonekwa kwomuponesi wedu Jesu Kristu, akaparadza rufu uye akbudisa pachena upenyu nokusafa kubudikidza nevhangeri. 2 Timoti 1: 10.
• Kutya Jehovha ndicho chitubu choupenyu, kunodzora munhu kubva pamisungo yorufu. Kana njodzi yauya, akaipa anowisirwa pasi, asi kunyangwe murufu akarurama ane utiziro. Zvirevo 14: 27, 32.
• Kana tichirarama, tinoraramira Ishe; uye kana tichifa tinofira Ishe. Saka, kana tichirarama kana kufa tiri vaShe. Nokuda kwaizvozvo, Kristu uye akamuka kuti ave Ishe wavose vakafa navapenyu. Varoma 14: 8 – 9.
• Nokuti zvezvo Baba vachimutsa vakafa uye achivapa upenyu, saizvozvo Mwanakomana anopa upenyu kuno uyo waanofarira kuti ape. “Ndinokuudzai chokwadi kuti, ani naani anonzwa shoko rangu uye achitenda uyo akandituma, ano upenyu husingaperi uye haachazotongwi, abva murufu uye aenda kuupenyu. Johani 5: 21, 24.
Subscribe to:
Post Comments (Atom)
No comments:
Post a Comment