Wednesday, October 31, 2012
BHAIBHERI RINOTI CHII NEMAKRISTU
• Naizvozvo, ivai vateveri vaMwari, savanna vanodikanwa. Vaefeso 5: 1.
• “Ndini muzambiringa wechokwadi, uye Baba vangu murimi. Davi rimwe nerimwe riri mandiri risingabereki vanoritema, asi davi rimwe nerimwe rinobereka michero vanorichekerera kuitira kuti rigozobereka michero yakawanda. Imi matonatswa nokuda kweshoko randataura kwamuri. Garai mandiri, uye ini ndichagara mamuri. Hakuna davi rinobereka michero riri roga; rinofanira kugara mumuzambiringa. Nemi hamungabereki zvibereko kunze kwokunge magara mandiri. Johani 15: 1 – 4.
• Ngatirege kuneta pakuita zvakana, nokuti nenguva yakafanira tichakowa kana tisingaori mwoyo. Naizvozvo, zvatine mukana, ngatiitei zvakanaka kuvanhu vose, zvikuru kuna avo vari mumhuri yavatendi. Vagaratia 6: 9 – 10.
• Naizvozvo savasanangurwa vaMwari, vatsvene uye vanodikanwa kwazvo, zvifukidzei netsitsi, neunyoro, nokuzvininipisa, nokupfava uye nemwoyo murefu. Munzwirane tsitsi uye mukanganwirane pamhosva ipi zvayo yamunenge matadzirana. Mukanganwire sezvamakakanganwirwa naShe. Uye pazvinhu zvose izvi fukai rudo, runokusunganidzai pamwe chete muhumwe hwakakwana. Rugare rwaKristu ngarutonge mumwoyo yenyu, sezvo senhengo dzomuviri mumwe makadanirwa kurugare. Uye munofanira kuvonga. Shoko raKristu ngarigare zvakakwana mamuri pamunenge muchidzidzisana muchirairana nouchenjeri hwose, uye muchiimba mapisarema, nadzimbo uye nenziyo dzomweya muchivonga Mwari mumwoyo yenyu. Uye zvose zvamunoita, mushoko kana mumabasa itai zvose muzita raIshe Jesu, muchivonga Mwari ivo Baba kubudikidza naye. Vakorose 3: 12 – 17.
• Naizvozvo kana munhu ava muna Kristu, ava chisikwa chitsva; zvakare zvapfuura, zvinhu zvose zvave zvitsva. 2 Vakorinde 5 – 17.
• Tsungirirai pamwe chete nesu somurwi akanaka waKristu Jesu. 2 Timoti 2: 3.
• Kwazisai Pirisira naAkwira, vanobata neni muna Krustu Jesu. Vakaisa upenyu hwavo panjodzi nokuda kwangu. Kwete ini ndoga asi kuti nekereke dzose dzavaHedheni dzinovatenda zvikuru. Kwasisaiwo kereke inosangana mumba mavo. Kwasisai Epenetasi mudikani wangu, ndiye akava chibereko changu chokutanga muna Kristu munyika yeEzhia. Varoma 16: 3 – 5.
• Ipapo mumwe munhu akasvika akti,”Tarirai! Varume vakaiswa mujeri vamire mutemberi vachidzidzisa vanhu”. Pakazvinzwa, mukuru wavarindi akabva aenda navabati vake akandouya navapostori. Havana kuzviita nokumanikidza, nokuti vaitya kuti vanhu vangavatake namabwe. Vakati vauya navapostori, vakavamisa pamberi peDare Guru kuti vabvunzwe nomuprista mukuru. Akati, “Takakurayirai, zvakasimba kuti murege kudzidzisa muzita iri. Asi mazadza Jerusarema rose nedzidziso yenyu uye munoda kuti tive nemhosva yeropa romurume uyu”. Petro navamwe vapostori vakapindura vachiti, “Tinofanira kuteerera Mwari kukunda vanhu! Mabasa 5; 25 – 29.
• Jehovha ndiani angagara munzvimbo yenyu tsvene? Iye anofamba asina chaanopomerwa uye anoita zvakarurama, anotaura chokwadi zvichibva pamwoyo wake, uye asina makuhwa parurimi rwake, asingaitiri wokwake zvakaipa uye asingatuki waagere naye, anozvidza munhu akaipa asi anokudza vaya vanotya Jehovha, anochengeta mhiko yake kunyange kana zvichirwadza, anokweretesa mari yake asingarevi mhindu uye asingagamuchiri fufuro pamusoro pousina mhosva. Munhu anoita izvi haangatongozununguswi. Mapisarema 15: 1 – 5.
•
Subscribe to:
Post Comments (Atom)
No comments:
Post a Comment