Wednesday, October 24, 2012
BHAIBHERI RINOTI CHII NORUTENDO
• Nokutenda tinonzwisisa kuti nyika yakaitwa nokurayira kwaMwari, zvokuti zvinhu zvinoonekwa zvakaitwa kubva pane zvinhu zvisingaonekwi. Vahebheru 11: 3.
• Naizvozvo, kutenda kunouya nokunzwa, uye kunzwa neshoko raKristu. Varoma 10: 17.
• Naizvozvo nesuwo, zvatakakomberedzwa negore rezvapupu rakakura rikadai, ngatibvisei zvose zvinoremedza, nechivi chinongotinamatira nyore, uye ngatimhanyei nokutsungirira, nhangemutange yatakaisirwa. Tichitarira kuna Jesu muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu; iye akatsunga pamuchinjikwa nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akashora kunyadziswa kwawo, uye akandogara kurudyi rwechigaro choushe chaMwari. Vahwbheru 12: 1 – 2.
• Akavapindura achiti, “Nokuda kwokuti mune kutenda kudiki. Ndinokuudzai chokwadi kuti dai maiva nokutenda kudiki hako semhodzi yemasitadhi maigona kuti kugomo iri, ‘Ibva apa uende uko,’ zvichiitika. Hapana chamunozokundikana kuita. Mateo 17: 20.
• Jesu akapindura akati,” Ivai nokutenda muna Mwari. Ndinokuudzai chokwadi, kana munhu akati kugomo iri, ‘Enda, uzvikande mugungwa,’ uye asingakahadziki nazvo mumwoyo make, asi achitenda kuti zvaareva zvinoitika, achazviitirwa. Naizvozvo ndinoti kwamuri, zvose zvamunokumbira mukunyengera, tendai kuti mazvigamuchira, uye zvichava zvenyu. Mako 11: 22 – 24.
• Jesu akati, “Kana muchigona? Zvinhu zvose zvinogoneka kuna anotenda.” Pakarepo baba vomukomana vakadanidzira vachiti, “Ndinotenda; ndibatsirei pakusatenda kwangu!” Mako 9: 23 – 24.
• Nokuti muvhangeri, kururama kwaMwari kunoratidzwa kuchibva pakutenda kuchienda kukutenda, sezvakanyorwa zvichinzi: “ Akarurama achararama nokutenda. Varoma 1: 17.
• Tinorarama nokutenda, kwete nokuona. 2 Vakorinde 5: 7.
• Uye pasina kutenda hazvibviri kufadza Mwari, nokuti ani naani anouya kwaari anofanira kutenda kuti ariko uye kuti anopa vanomutsvaka nomwoyo wose mubayiro wavo. Vahebheru 11: 6.
• Izvi zvakauya kuitira kuti kutenda kwenyu, kunokosha kupfuura goridhe, rinoparara kunyangwe zvaro rakanatswa nemoto, kuwanikwe kwakakwana uye kuve kunorumbidzwa, kunobwinya uye kunokudzwa pakuratidzwa kwaJesu Kristu. Kunyangwe musina kumuona, munomuda; kunyangwe zvazvo musiingamuoni zvino munotenda kwaari uye muzere nomufaro usingagoni kurondedzerwa, nokuti muri kugamuchira chinovavarirwa nokutenda kwenyu, irwo ruponeso rwemweya yenyu. 1 Petro 1: 7 – 9.
• Uku ndiko kuda kwaMwari: kuteerera mirayiro yake. Uye mirayiro yake hairemi, nokuti vose vakaberekwa naMwari vanokunda nyika. Uku ndiko kukunda kwakakunda nyika, iko kutenda kwedu. Ndianiko anokunda nyika? Ndiye chete anotenda kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari. 1 Johani 5: 3 – 5.
• Pakarepo mumwewo mudzimai aitambudzwa nechirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri akauya shure kwake akasvikobata mupendero wenguo yake. Akati nechomumwoyo, “Ndikangobata chete nguo yake, ndichaponeswa.” Jesu akatendeuka uye akamuona ndokubva ati kwaari, ‘ Tsunga mwoyo mwanasikana, kutenda kwako kwakuponesa.” Mudzimai uyu akabva aporeswa pakarepo. Mateo 9: 20 – 22.
• Akati apinda mumba, mapofu aya akauya kwaari, uye Jesu akavabvunza achiti, “ Munotenda here kuti ndinogona kukuitirai izvi?” Vakapindura vakati, “Hongu Ishe.” Ipapo akabata meso avo uye akati, “Maererano nokutenda kwenyu, ngazviitwe kwamuri.” Mateo 9: 28 – 29.
• Kuno mumwe wenyu anorwara here? Ngaadane vakuru vekereke kuti vazomunyengeterera nokumuzodza mafuta muzita raIshe. Uye munyengetero unoitwa mukutenda uchaita kuti munhu anorwara apone; Ishe achamumutsa. Kana akatadza, acharegererwa. Jakobho 5: 14 – 15.
Subscribe to:
Post Comments (Atom)
No comments:
Post a Comment