Friday, October 12, 2012
MWARI ZVAANODA KUTIITIRA MAZUVA OSE : JESU NDIYE MUPONESI WEDU
• Akatiponisa, kwete nokuda kwetsitsi dzake. Akatiponisa kubudikidza nokuberekwa patsva nokuvandudzwa noMweya Mutsvene, uyo waakapdurura wakawanda kwazvo pamusoro pedu kubudikidza naJesu Kristu Muponesi wedu. Tito 3: 5 – 6.
• Uye takaona uye tikapupura kuti Baba vakatuma Mwanakomana wavo kuti Jesu ndiye Mwanakomana wavo kuti Muponesi wenyika. 1Johani 4:14
• Maria akati: “Mwoyo wangu unokudza Ishe uye mweya wangu unofara muna Mwari Muponesi wangu” Ruka 1: 56b - 47.
• Nokuti Mwanakomana woMunhu akauya kuzotsvaka nokuponesa chakarasika.
Ruka 19:10.
• Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti ani naani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi. Johani 3: 16.
• Kururama uku kunobva kuna Mwari kunouya kubudikidza nokutenda kuna Jesu Christu kuna vose vanotenda. Hapana musiyano, nokuti vose vakatadza uye vakasasvika pakubwinya kwaMwari, uye anoshairwa mhosva nenyasha dzake kubudikidza nokudzikinura kuri muna Kristu Jesu. Varoma 3: 22 – 24.
• Asi nokuda kworudo rwake rukuru kwatiri, Mwari, uye akapfuma pangoni, akatiita vapenyu muna Kristu kunyange zvedu takanga takafa mukudarika kwedu, makaponeswa nenyasha. Vaefeso 2: 4 – 5.
• Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, uyo anotenda ndiye anoupenyu husingaperi. Johani 6: 47.
• Nokuti makaponiswa nenyasha, kubudikidza nokutenda, uye izvi hazvibvi kwamuri, chipo chaMwari, kwete namabasa, kuti parege kuva nomunhu anozvikudza.
Vaefeso 2: 8 – 9.
• Kuti kana ukapupura nomuromo wako kuti, “Jesu ndiye Ishe uye ukatenda mumwoyo mako kuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, achaponeswa”. Varoma 10: 9.
• Naizvozvo kana munhu ava muna Kristu, ava chisikwa chitsva; zvakare zvapfuura, zvinhu zvose zvave zvitsa. 2 Vakorinde 5:17.
• Asi utambudzike pamwe chete neni nookuda kwevavhangeri, nesimba raMwari, akatiponisa uye akatidanira kuupenyu hutsvene, kwete nokuda kwechinhu chakaita asi kuti nokuda kwake iye, uye nenyasha. Nyasha idzi takadzipiwa muna Kristu Jesu nguva dzisati dzavapo. 2 Timoti 1: 8b – 9.
• Kunyangwe zvakadaro akavaponesa nokuda kwezita rake, kuti simba rake guru rizivikanwe. Mapisarema 106: 8.
Subscribe to:
Post Comments (Atom)
No comments:
Post a Comment