Wednesday, October 31, 2012
BHAIBHERI RINOTI CHII NEVASINA KUPONESWA
• Nokuti vose vakatadza uye vakasasvika pakubwinya kwaMwari, uye anoshairwa mhosva nenyasha dzake kubudikidza nokudzikinura kuri muna Kristu Jesu. Varoma 3: 22 – 24.
• Naizvozvo tichatiiko? Titadze here nokuti hatisi pasi pomurayiro asi pasi penyasha. Kwete napaduku pose! Varoma 5: 12.
• Nokuti mubayiro wechivi ndirwo rufu, asi chipo chaMwari chokungopiwa ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu. Varoma 6: 23.
• Kutsamwa kwaMwari kunoratidzwa kuchibva kudenga pamusoro pokusada Mwari kwose nokusarurama kwose kwavanhu vanodzivisa chokwadi nokusarurama kwavo. Nokuti izvo zvose zvingazivikanwa pamusoro paMwari zviri pachena kwavari, nokuti Mwari akazviisa pachena kwavari. Nokuti kubvira pakusikwa kwenyika izvo zvisingaonekwi zvaMwari, iro simba rake rinogara nokusingaperi nouMwari hwake, zvakanyatsoonekwa kwazvo, zvichizivikanwa kubva pazvinhu zvakaitwa, kuitira kuti vanhu varege kuva nepembedzo. Varoma 1: 18 – 20.
• Asi Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti: Tichiri vatadzi, Kristu akatifira. Zvino sezvo takashayiwa mhosva neropa rake, tichaponeswa zvikuru sei naye kubva pakutsamwa kwaMwari.Varoma 5: 8 – 9.
• Akati kwavari, “Engai munyika yose muparidze vhangeri kusvisikwa zvose. Ani naani anotenda uye akabhabhatidzwa achaponeswa, asi asingatendi achatongwa. Mako 16: 15 – 16.
• Mweya waShe uri pamusoro pangu, nokuti akandizodza kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo. Akandituma kuti ndiparidze rusununguko kuna vakasungwa uye kuti vasingagoni vaone, kuti ndisungure vakamanikidzwa, kuti ndiparidze gore rakanaka raShe. Ruka 4: 18 – 19.
• Ishe haanonoki kuita zvaakavimbisa, sokunonoka kunonzwisiswa navamwe. Ane mwoyo murefu nemi, haadi kuti ani zvake arasike, asi kuti vose vatendeuke. 2 Peter 3: 9.
• Nokuti Mwari haana kutuma Mwanakomana wake panyika kuti atonge nyika, asi kuti nyika iponeswe kubudikidza naye. Johani 3: 17.
• Handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi kuti vatendeuke. Ruka 5: 32.
• Nokuti Mwanakomana woMunhu akauya kuzotsvaka nokuponesa chakarasika. Ruka 19: 10.
• Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi, hakuna munhu angaona umambo hwaMwari kana asina kuberekwa patsva. Johani 3: 3.
• Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti ani naani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi. Johani 3: 16.
• Vakapindura vakati,”Tenda kunaShe Jesu ugoponeswa, iwe neimba yako. Mabasa 16: 31.
Subscribe to:
Post Comments (Atom)
No comments:
Post a Comment