Friday, October 19, 2012
JESU KRISTU NDIYE MUCHENGETI WAKO
• Paunopfuura nomumvura zhinji ini ndichava newe; uye paunopinda nomunzizi, hadzizokukuri. Paunofamba nomumoto, haungazotsvi; murazvo haungazokupisi.
Isaya 43: 2.
• Asi imi Jehovha, muri nhoo yakandipoteredza; munoisa rukudzo pandiri uye munosimudza musoro wangu. Mapisarema 3: 3.
• Nokuti meso aJehovha anosvika panyika yose kwaari. 2 Makoronike 16: 9a.
• Jehovha Mwari wenyu, uye anokutungamirirai, achakurwirai, sezvaakauitirai muIjipita, pamberi penyu chaipo. Dhuteronomi 1 : 30.
• Asi Ishe akatendeka, uye achakusimbisai nokukudzivirirai kubva kunowakaipa.
2 Vatesaronika 3: 3.
• Kana mukanyatsoteerera kune zvaanoreva nokuita zvose zvandinoreva, ini ndichava muvengi kuvavengi venyu uye ndichapikisa avo vanokupikisai. Ekisodho 23: 22.
• Acharinda tsoka dzavatsvene vake, asi vakaipa vachanyaradzwa murima. “ Nokuti hakuna munhu achakunda nesimba rake. 1 Samueri 2: 9.
• Nokuti imi mukanga muri utiziro hwangu, shongwe yakasimba pamusoro pavavengi vangu. Mapisarema 61: 3.
• Jehovha Mwari wako anewe, ndiye ane simba rokuponesa. Achafadzwa zvikuru newe, achakunyaradza norudo rwake, achafara nokuda kwako nokuimba.” Zefania 3: 17.
• Nokuti meso aShe ari pamusoro pavakarurama, uye nzeve dzake dzakateerera kumunyengetero wavo, asi chiso chaShe chakanangana navaya vanoita zvakaipa”. Ndianiko achakuitirai zvakaipa kana muchishingairira kuita zvakanaka?
1 Peter 3: 12 – 13.
• Mwari anogara nokusingaperi ndiye utiziro hwako, uye pasi pake pane maoko anogara nokusingaperi. Achadzinga vavengi vako kubva pamberi pako, achiti, ‘Muparadzei!’ Dhuteronomi 33: 27.
• Hiuru chingawa parutivi rwako, zviuru gumi kurudyi rwako, asi hazvingaswederi kwauri. Mapisarema 91: 7.
• Kubva kumavirira, vanhu vachatya Jehovha, uye kubva pakubuda kwezuva, vachakudza kubwinya kwake. Nokuti achauya sokudira kworwizi runosundwa nokufema kwaJehovha. Isaya 59: 19.
Subscribe to:
Post Comments (Atom)
No comments:
Post a Comment