Monday, October 29, 2012
BHAIBHERI RINOTI CHII NEKUSHUMIRA MWARI
• NdJehovha Mwari wenyu wamunofanira kutevera, uye ndiye wamunofanira kukudza. Chengetai mirayiro yake mugomuteerera; mumushumire uye munamatire kwaari. Dhuteronomi 13: 4.
• Hapana angakwanise kushandira vatenzi vaviri. Achavenga mumwe agoda mumwe, kana kuti achazvipira kushandira mumwe uye agozvidza mumwe. Haungashandire zvose Mwari neMari. Mateo 6: 24.
• Jesu akati kwavari, “Ibva pandiri Satani! Nokuti kwakanyorwa kuchinzi,’Namata Iashe Mwari wako uye umushumire iye oga.” Ipapo dhiabhori akamusiya, uye vatumwa vakauya vakamushandira. Mteo 4: 10 – 11.
• Asi muchenjerere kwazvo kuti muchengete murau nomurayiro wake, munamatire paari uye mumushumire nemwoyo yenyu yose, uye nemweya yenyu yose.” Joshua 22: 5.
• Naizvozvo ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, netsitsi dzaMwari, kuti mupe miviri yenyu sechibayiro chipenyu, chitsvene uye chinofadza Mwari, uku ndiko kunamata kwenyu kwomweya. Musaramba muchizvienzanisa namaitiro enyika ino, asi mushandirwe nokuvandudzwa kwepfungwa dzenyu. Ipapo muchangwanisa kuti muedze uye mugoziva kuti kuda kwaMwari ndokupi, kuda kwake kwakanaka, kunomufadza uye kwakakwana. Varoma 12: 1 – 2.
• Iva nerudo rukuru mumwe kunemumwe savadiki. Mumwe nomumwe wenyu ngaakudze mumwe kupfuura kuzvikudza kwaanozviita iye. Musatomborega kushingaira, asi pisai pamweya, muchishumira Ishe. Goveranai navanhu vaMwari vanoshayiwa. Itirai vaeni rudo. Varoma 12: 10 – 11, 13.
• Danidzirai nomufaro kuna Jehovha, imi nyika dzose. Shumirai Jehovha nomufaro; uyai pamberi pake nenziyo dzomufaro. Mapisarema 100: 1 – 2.
• Namatai Jehovha Mwari wenyu, uye maropafadzo ake achava pane zvokudya zvenyu nemvura yenyu. Ndichabvisa urwere kubva pakati penyu. Ekisodho 23: 25.
• Zvino iwe Israeri, Jehovha Mwari wako anodeiko kwauri kunze kwokuti utye Jehovha Mwari wako, nokufamba munzira dzake dzose, nokumuda, nokushumira Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose, nokuchengeta mirayiro yaJehovha nemitemo yake yandinokupai nhasi kuti zvikunakire? Dhuteronomi 10: 12 – 13.
• Saka mukateerera mirayiro yandinokupai nhasi makatendeka, mukada Jehovha Mwari wenyu nokumushumira nomwoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose, ipapo ndichanaisa mvura panyika yenyu nemwaka wayo, mvura yamasutso neyomunakamwe, kuitira kuti mugone kukohwa zviyo zvenyu newaini itsva namafuta. Ndichameresa uswa hwemombe dzenyu kumafuro uye muchadya muchiguta. Dhuteronomi 11: 13 – 15.
• Zvino kana kushumira Jehovha kusingakufadzei, zvino zvisarudzirei nhasi wachashumira, vamwari vaishumirwa namadzitateguru enyu mhir kwerwizi kana vamwari vavaAmori, munyika mamugere. Asi kanan dirini neimba yangu tichashumira Jehovha.” Joshua 24: 15.
• Samueri akapindura achiti,”Musatya. Makaita zvose zvakaipa izvi; asi musatsauka kubva kuna Jehovha, asi shumirai Jehovha nomwoyo wenyu wose. Musatsaukira kuzvifananidzo zvisina mature. Hazvina chakana chazvingakuitirai, kanakukununurai, nokuti hazvina mature. Nokuda kwezita rake guru Jehovha haazorambi vanhu vake nokuti Jehovha akafadzwa kuti akuitei vake. 1 Samueri 12: 20 – 22.
• Fara zvako jaya, pauduku hwako, uye mwoyo wako ngaukupe mufaro pamazuva oudiki hwako. Tevera nzira dzomwoyo wako, nezvose zvingaonekwe nameso ako, asi uzive kuti pazvinhu zvose izvi Mwari achakusvitsa pakutongwa. Muparidzi 11: 9.
• Newewo mwanakomana wangu Solomoni, ziva Mwari wababa vako, uye umushumire nomwoyo wose uye nepfungwa dzako dzose, nokuti Jehovha anozvera mwoyo uye anonzwisisa chinangwa chipi nechipi chiri mupfungwa.Ukamutsvaga achawanikwa newe, asi kana ukamurasa, iye achakuramba nokusingaperi. 1 Makoronike 28: 9.
• Asi zvino, nokufa kune izvo zvakanga zvakatisunga, takasunungurwa kubva pamurayiro kuitira kuti tishumire nenzira itsva yoMweya, uye kwete nenzira yakanyorwa yakare. Varoma 7: 6.
•
Subscribe to:
Post Comments (Atom)
No comments:
Post a Comment