Wednesday, October 31, 2012

CHOKWADI CHINOBVA MUBHAIBHERI PANYAYA YOKUREGERERA VAMWE

• “Nokuti kana mukaregerera vanokutadzirai, Baba venyu vari kudenga vachakuregereraiwo. Asi kana musingaregereri vamwe zvitadzo zvavo, Baba venyu havazokuregererai zvitadzo zvenyu. Mateo 6: 14 – 15. • Ipapo Petro akauya kuna Jesu akamubvunza achiti, “Ishe kanganiko kandingaregerera hama yangu kana achinditadzira? Kanomwe here?” Jesu akapindura akati, “Kwete kanomwe chete, asi kakapetwa makumi manomwe ane nomwe. Mateo 18: 21 – 22. • Saka zvingwarirei. “Kana hama yako ichitadza itsuure, uye kana akatendeuka, umuregerere. Kana akakutadzira kanomwe pazuva, uye akadzoka kwauri kanomwe achiti, ‘Ndatendeuka,’ muregerere.” Ruka 17: 3 – 4. • Uye paunomira uchinyengetera kana mumwe munhu akakutadzira, muregerere, kuitira kuti Baba vako vari kudenga vagokuregerera zvivi zvako. Mako 11: 25. • Munzwirane tsitsi uye mukanganwirane pamhosva ipi zvayo yamunenge matadzirana. Mukanganwire sezvamakakanganwirwa naShe. Vakorose 3: 13. • Asi ini ndinokuudzai kuti, ‘Idai vavengi venyu, mugonyengeterera avo vanokutambudzai. Mateo 5: 44. • Regai kudzorera chaipa nechakaipa kana kutuka nokutuka, asi namaropofadzo,nokuti ndizvo zvamakadanhirwa izvozvo kuitira kuti mugare nhaka yokuropofadzwa. Nokuti, “ Uyo anoda upenyu nokuona mazuva akanaka anofanira kudzora rurimi rwake pane zvakaipa nemiromo yake pakutaura zvinonyengera. 1 Petro 3: 9 – 10. • Bvisai shungu dzose, hasha nokutsamwa, kupopota namakuhwa pamwe chete nokuvenga kwose. Muitirane mwoyo Munyoro uye munzwirane tsitsi, muchikanganwira mumwe nomumwe wenyu, sezvamakakanganwirwa naMwari muna Kristu. Vaefeso 4: 31 – 32. • Hama, handioni kuti ndatochibata. Asi ndinoita chinhu chimwe: Ndinokanganwa zviri shure ndichinanavira zviri mberi, ndinoshingaira kunharidzano kuti ndiwane mubayiro wandakadanhirwa naMwari kudenga muna Kristu Jesu. Vafiripi 3: 13 – 14. • “Chikanganwai zvinhu zvakare; musarambe muri pane zvakapfuura. “Ini, iyeni, ndinodzima kudarika kwako, nokuda kwangu, handizorangaririzve zvakaipa zvako. Isaya 43: 18, 25. • Nokuti zvinorumbidzwa kana munhu achitsungirira ari pasi pokurwadziwa nokutambudzika kusakafanira nokuti anoziva kuti Mwari ariko. Asi mungarumbidzwa sei kana muchirohwa nokuda kwokuita zvakaipa uye muchisunga mazviri? Asi kana muchitambudzika nokuda kwokuti munoita zvakanaka uye muchitsunga mazviri, izvozvo zvinorumbidzwa pamberi paMwari. Makadanirwa izvozvi, nokuti Kristu akatambudzika nokuda kwenyu, akakusiyirai muenzaniso, kuti mutevere makwara ake. “Iye haana kutadza, uye kunyengera hakuna kuwanikwa mumuromo make.” Pavakamutuka, haana kudzorera; paakatambudzika, haana kutyisidzira. Asi, akazviisa kune iye anotonga nokururama. 1. Petro 2: 19 – 23. • Vakaropofadzwa vanotambudzwa nokuda kwokururama nokuti umambo hwokudenga ndorwavo. “ Makaropofadzwa imi kana vanhu vachikutukai, vachikutambudzai uye vachikupomerai zvakaipa zvose nokuda kwangu. Farai mufarisise kwazvo nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga, nokuti nenzira imwe cheteyo vakatambudza vaprofita vakatungamira. Mateo 5: 10 – 12. • Nokuti tinomuziva iye akati, “ Kutsiva ndokwangu; ini ndicharipira,” uyezve, “Ishe achatonga vanhu vake.” Vahebheru 10: 30. • Vadikani, musashamiswa nokurwadza kwokutambudzika nemiedzo, sokunge chinhu chisingazikanwi chaitika kwamuri. Asi farai kuti munogovana naKristu mumatambudziko, kuitira kuti mufare kwazvo pakuonekwa kwokubwinya kwake. Kana muchitukwa nekuda kwezita raKristu, makaropafadzwa, nokuti mweya wokubwinya ndowaMwari unogara pamuri. 1 Petro 4: 12 – 14. • Usakundwa nezvakaipa, asi ukunde zvakaipa nezvakanaka. Varoma 12: 21.

No comments: