Thursday, October 25, 2012

BHAIBHERI RINOTI CHII NEZVERUDO

• Shamwari dzinodikanwa, ngatidananei, nokuti rudo runobva kuna Mwari. Mumwe nomumwe anoda akaberekwa naMwari uye anoziva mMwari. Ani naani asingadi haazivi Mwari, nokuti Mwari rudo. 1 Johani 4: 7 – 8. • Kunyangwe ndikakutaura nendimi dzavanhu nedzavatumwa, asi kana ndisina rudo, ndakaita sedare rinorira kana ndarira dzinongoti ngwerengwere. Kana ndine chipo chokuprofita uye ndichinzwisisa zvakavadzika zvose noruzivo rwose, uye kana ndino kutenda kunofambisa makomo, asi ndisina rudo, handizi chinhu. Kana ndikagovera zvose zvandinazvo kuvarombo uye kana ndikaisa muviri wangu kuti upiswe, asi ndisina rudo, hazvindibatsire chinhu. Rudo runo mwoyo murefu, rudo runo mwoyo Munyoro. Haruna godo, haruna manyawi haruzvikudzi. Haruite zvokuvirimira vamwe, harutsvaki zvarwo, harukurumidzi kutsamwa, asi haruna pfundi pfundi. Rudo harufariri zvakaipa, asi runofarira chokwadi. Runodzivirira nguva dzose, runovimba nguva dzose, rune tariro nguva dzose, runotsungirira nguva dzose. Rudo harutongoperi. Zvino kana kuri kuprofita, kuchapera; kana dziri ndimi, dzichagumiswa; kana rwuri ruzivo, ruchapfuura.Uye munhu zvitatu ndizvo zvinogara, zvinoti kutenda, tariro nerudo. Asi chikuru pakati peizvi ndirwo rudo. 1 Vakorinde 13: 1 – 8,13. • Urwu ndirwo rudo: kwete kuti isu takada, Mwari, asi kuti iye akatida uye akatuma mwanakomana wake kuti ave chibairo chinoyananisa zvivi zvedu. Shamwari dzinodikanwa, sezvo Mwari akatida zvakadai, isu tinofanirwavo kudanana. Hakuna munhu akatongoona Mwari; asi kana tichidanana, Mwari anogara matiri, uye rudo rwake runokwaniswa matiri. 1 Johani 4: 10 – 12. • Sezvo Baba vakandida, neni ndakakudaiwo, zvino, chigarai murudo rwangu. Kana muchiteerera mirayiro yangu, muchagara murudo rwangu sezvandakateerera mirayiro yaBaba vangu uye ndikagara murudo rwavo. Johani 15: 9 – 10. • Ani nani ane mirayiro yangu uye anoyiteerera, ndiye anondida iyeye. Uyo anondida achadikanwa naBaba vangu, neniwo ndichamuda uye ndichazviratidza kwaari. Johani 14: 21. • Murayiro wangundouyu: Dananai sezvo ndakakudai. Hakuna munhu anerudo rukuru kuno urwu, kuti munhu ape upenyu wake nokuda kweshamwari dzake. Muri shamwari dzangu kana muchiita zvandinokurayirai.Uyu ndiwo murayiro wangu: Dananai. Johani 15: 12 – 14, 17. • Ndinokupai murayiro mutsva wokuti: Dananai. Sezvo ndakakudai, saizvozvo munofanira kudanana. Nokuda kwaizvozvo, vanhu vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu kana mune rudo pakati penyu. Jahani 13: 34 – 35. • Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose uye nomweya wako wose nokufunga kwako kose uye nesimba rako rose. Asi tsvakai umambo hwavo, uye zvinhu zvose izvi zvichapiwa kwamuri. Mako 12: 30 – 31. • Nokudaro tinoziva uye tinovimba norudo rwaMwari kwatiri. Mwari rudo. Ani naani asingadi anogara murudo anogara muna Mwari, uye Mwari maari. Tinomuda nokuti iye akatanga kutida. Kana munhu achiti, “Ndinoda Mwari,” asingadi hama yake, murevi wenhema. Nokuti ani naani asingadi hama yake yaakaona, haagoni kuda Mwari, waasina kumboona. Uye akatipa murayiro uyu: Ani naani anoda Mwari anofanirawo kuda hama yake. 1 Johani 4: 16, 19 – 21. • Jehovha akazviratidza kwatiri kare, achiti, “Ndakakudai nerudo rusingaperi; ndakakukwevai nokunaka kworudo rwangu. Jeremia 31: 3. • Kwete, Baba pachavo vanokudai nokuti makandida, uye makatenda kuti ndakabva kuna Mwari. Johani 16: 27. • Asi Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti: Tichiri vatadzi, Kristu akatifira. Varoma 5: 8. • Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti ani naani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi. Johani 3: 16. • Kwete, pazvinhu zvose izvi vakundi nokupfuurisa kubudikidza naye akatida. Nokuti ndinoziva kwazvo kuti kunyange rufu, kana upenyu,kana vatumwa, kana madhimoni, kana zvazvino, kana zvichauya, kana masimba api zvawo, kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana chimwe chinhuwo zvacho pazvisikwa zvose, hazvingagoni kutiparadzanisa nerudo rwaMwari, rwuri muna Kristu Jesu Ishe wedu. Varoma 8: 37 - 39.

No comments: