Wednesday, October 24, 2012
JESU KRISTU NDEYE ZVINHU ZVOSE KWAURI
• Uye Mwari wangu achazadzisa zvamunoshayiwa zvose maererano nokubwinya kwepfuma yake muna Kristu Jesu. Vafiripi 4: 19.
• Ndinogona kuita zvinhu zvose kubudikidza naiye anondipa simba. Vafiripi 4:13.
• Kwete pazvinhu zvose izvi tiri vakundi nokupfuurisa kubudikidza naiye akatida.
Varoma 8: 37.
• Naizvozvo ngakurege kuva nomunhu anozvikudza pamusoro pavanhu! Zvinhu zvose ndezvenyu, angava Pauro kana Aporo, kana Kefasi, kana nyika, kana upenyu, kana rufu, kana zvazvino, kana zvinouya, zvose ndezvenyu, uye muri vanhu vaKristu, uye Kristu ndewaMwari. 1 Vakorinde 3: 21 – 23.
• Imi matonatswa nokuda kweshoko randataura kwamuri.; Kana muchigara mandiri uye mashoko angu achigara mamuri, kumbirai zvose zvamunoda, uye muchazvipiwa.
Johani 15: 3,7.
• Zvose zvaBaba ndezvangu. Ndokusaka ndakati Mweya achatora zvangu agozvizivisa kwamuri.; Pazuva iro hamuzondibvunzizve kana chinhu. Ndinokuudzai chokwadi, Baba vangu vachakupai zvose zvamuchakumbira muzita rangu. Johani 16: 15,23.
• Kana muchitenda, muchagamuchira zvose zvamunokumbira mukunyengetera.
Mateo 21:22.
• Naizvozvo ndinoti kwamuri, zvose zvamunokumbira mukunyengetera, tendai kuti mazvigamuchira, uye zvichava zvenyu. Mako 11: 24.
• Kurumbidza ngakuve kuna Mwari Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, iye akatiropofadza muchadenga nokuropofadzwa kwose kwomweya muna Kristu Jesu. Vaefeso 1: 3.
• Uye uyu ndiwo murayiro wake: kutenda muzita roMwanakomana wake, Jesu Kristu, uye nokuda mumwe nomumwe wedu sezvaakatirayira. Avo vanoteerera mirayiro yake vanogara maari, uye iye mavari. Uye izvi ndizvo zvinoita kuti tizive kuti iye anogara matiri: Tinozviziva noMweya waakatipa. 1 Johani 3: 22 – 23.
• Mwari akaita kuti uyo akanga asina chivi ave chivi nokuda kwedu, kuitira kuti maari tive kururama kwaMwari. 2 Vakorinde 5: 21.
• Nokkuti kwandiri, kurarama ndiKristu uye kufa kupfuma. Vafiripi 1: 21.
• Naizvozvo kana munhu ava muna Kristu, ava chisikwa chitsva; zvakare zvapfuura, zvinhu zvose zvave zvitsva. 2 Vakorinde 5 – 17.
• Zvino iye anogona kuita zvikuru zvisingagoni kuyerwa kupfuura zvose zvatingakumbira kana kufunga, maererano nesimba rake riri kushanda mukati medu, ngaave nokubwinya mukereke uye muna Kristu Jesu kumarudzi namarudzi, nokusingaperi-peri! Amen. Vaefeso 3: 20 – 21.
• Uye Mwari anogona kuita kuti nyasha dziwande kwamuri, kuitira kuti muzvinhu zvose, panguva dzose, muine zvose zvamunoda, muchakwanisa kuita mabasa ose akanaka. 2 Vakorinde 9: 8.
• Ishe ngaarumbidzwe, Mwari Muponesi wedu, anotakura mitoro yedu zuva nezuva. Mapisarema 68: 19.
Subscribe to:
Post Comments (Atom)
No comments:
Post a Comment