Showing posts with label Shoko raMwari. Show all posts
Showing posts with label Shoko raMwari. Show all posts
Friday, June 2, 2017
NDIMA DZIRI MUBHAIBHERI DZINOTAURA NEZVE RURIMI
MAVHESI EMUBHAIBHERI ANOTAURA NEZVERURIMI
Mwari akatiudza nezve Shoko rake kuti rurimi rwunesimba rinoshamisa. Tinogona kushandisa rurimi kuunza makomborero nehupenyu kana kuzvituka uye nerufu. Panekutaura kunoti "matanda nemabwe anogona kupwanya mapfupa angu asi mashoko haambofi akandi rwadzisa" uku kunyepa. Rurimi rwedu rwunogona kuva chinhu chinogozha kukodrola rwuchibva rwatisiya tichizvituka kana tikashandisa mashoko edu kutuka. Pane tariro! Bhaibheri rinotiudza kuti nerubatsiro rweMweya Mutsvene tinogona kuva nesimba pamusoro perurimi rwedu. Verenga maBhaibheri verses anotaura nezve rurimi ugokurudzirwa kutanga kutaura mashoko ohwupenyu neokurapa nhasi!
1 Petro 3:10 Nokuti, “iye anoda upenyu nokuona mazuva akanaka,ngaadzore rurimi rwake pane zvakaipa nemiromo yake pakutaura zvokunyengera
Vakorose 4:6 Kutaura kwenyu ngakuve nenyasha+ nguva dzose, kwakarungwa nomunyu, kuti muzive mapinduriro amunofanira kuita.
VaEfeso 4:29 Shoko rakaora ngarirege kubuda mumuromo menyu, asi shoko chero ripi zvaro rakanaka, kuti rivake sezvingava zvichidiwa, kuti ripe zvinofadza kune vanonzwa.
Zvirevo 10:19 Pamashoko mazhinji hapashayikwi kudarika, asi munhu anodzora miromo yake anoita nokungwara.
Zvirevo 15:4 Kudzikama kworurimi muti woupenyu, asi kusarurama kuri maruri kunoreva kuputsika kwomudzimu.
Zvirevo 15:28 Mwoyo womunhu akarurama unofungisisa kuti upindure, asi miromo yevakaipa inobudisa zvinhu zvakaipa.
Zvirevo 17:9 Munhu anofukidza kudarika anotsvaka rudo, uye uya anoramba achitaura nezvenyaya yacho anoparadzanisa vaya vanoshamwaridzana.
Mateo 15:11 Zvinopinda mumuromo hazvisi izvo zvinosvibisa munhu; asi zvinobuda mumuromo ndizvo zvinosvibisa munhu.”
Zirevo 21:23 Munhu anochenjerera muromo wake norurimi rwake anochengeta mweya wake pakutambudzika.
Zvirevo 26:20 Kana pasina huni, moto unodzima, uye kana pasina munhu anochera vamwe, kukakavara kunopera.
Zvirevo 31:26 Anoshama muromo wake nouchenjeri, uye mutemo womutsa worudo uri parurimi rwake.
Mapisarema 34:13 Chengetedza rurimi rwako pane zvakaipa, Nemiromo yako pakutaura zvokunyengera.
Mapisarema 141:3 Haiwa Jehovha, isai murindi pamuromo wangu; Isai murindi pasuo remiromo yangu.
Tito 3:1-2 Ramba uchivayeuchidza kuti vazviise pasi uye kuti vateerere hurumende nevanhu vane masimba sevatongi, kuti vave vakagadzirira kuita mabasa ose akanaka, 2 kuti varege kutaura zvinokuvadza pamusoro pomunhu chero upi zvake, kuti varege kurwa, kuti vave vanonzwisisa, vachiratidza unyoro kuvanhu vose zvizere.
Zvirevo 18:20-21 Dumbu romunhu richaguta nezvibereko zvomuromo wake; iye achagutawo nezvibereko zvemiromo yake. 21 Rufu noupenyu zviri musimba rorurimi,+ uye munhu anoruda achadya zvibereko zvarwo.
Zvirevo 17:27-28 Munhu anorega kutaura mashoko ake ane zivo, uye munhu ane ungwaru akadzikama. 28 Kunyange benzi, parinenge rakanyarara, richanzi rakachenjera; munhu anovhara miromo yake, achanzi anonzwisisa.
Zvirevo 12:6 Mashoko evakaipa kuvandira ropa, asi miromo yevakarurama ndiyo ichavanunura.
Zvirevo 12:13-14 Munhu akaipa anoteyiwa nokudarika kwemiromo, asi munhu akarurama anobuda mudambudziko. 14 Munhu anogutswa nezvakanaka zvinobva pazvibereko zvomuromo wake, uye zvinoitwa nemaoko omunhu zvichadzoka kwaari.
Zvirevo 12:18-19 Kune munhu anotaura asingafungi zvinobaya sezvinoita bakatwa, asi rurimi rwevakachenjera runoporesa. 19 Muromo wechokwadi ndiwo uchasimbiswa nokusingaperi, asi rurimi rwenhema ruchangovapo kwenguva duku.
Zvirevo 15:1-2 Mhinduro, kana iri nyoro, inodzora kutsamwa, asi shoko rinorwadza rinomutsa hasha. 2 Rurimi rwevakachenjera runoita zvakanaka nezivo, asi muromo wemapenzi unobudisa upenzi.
Mapisarema 119:171-173 Miromo yangu ngaipupume nokurumbidza, Nokuti munondidzidzisa mirau yenyu. 172 Rurimi rwangu ngaruimbe zvamakataura, Nokuti mirayiro yenyu yose yakarurama. 173 Ruoko rwenyu ngarundibatsire, Nokuti ndakasarudza mirayiro yenyu.
Zvirevo 6:16-19 Kune zvinhu zvitanhatu zvinovengwa naJehovha; chokwadi, zvinhu zvinomwe ndizvo zvinosemesa mweya wake, zvinoti: 17 maziso anozvikudza, rurimi runoreva nhema, maoko anoteura ropa risina mhosva, 18 mwoyo unoronga mazano anokuvadza, tsoka dzinokurumidza kumhanyira zvakaipa, 19 chapupu chinonyengera chinoreva nhema, uye chero munhu upi zvake anoita kuti pakati pehama pave nokukakavara.
Zvirevo 18:1-8 Munhu anozviparadzanisa nevamwe achazvitsvakira zvaanoda zvoudyire; acharwa nouchenjeri hwose hunobatsira. 2 Benzi harifariri kuva noungwaru, kunze kwokuti kana zviri mumwoyo maro zvikabudiswa pachena. 3 Panosvika munhu akaipa, kuzvidza kuchasvikawo; uye ruzvidzo parunovapo, kushora kunovapowo. 4 Mashoko omuromo womunhu imvura yakadzika. Tsime rouchenjeri rukova runoyerera. 5 Kusarura uchifarira munhu akaipa hakuna kunaka, kana kutsausa munhu akarurama pakutonga. 6 Miromo yebenzi inoita kuti pave nokupopotedzana, uye muromo waro unoita kuti rirohwe. 7 Muromo webenzi ndiwo unoriparadza, uye miromo yaro musungo kumweya waro. 8 Mashoko omunhu anochera vamwe akaita sezvinhu zvinomedzwa nokukara, zvinopinda mukatikati medumbu.
Jakobho 1:19-26 Zivai izvi, hama dzangu dzinodiwa. Munhu wose anofanira kukurumidza kunzwa, anonoke kutaura, anonoke kuva nehasha; 20 nokuti hasha dzomunhu hadziiti kuti pave nokururama kwaMwari. 21 Nokudaro bvisai tsvina yose nechinhu chiya chisingadiwi, ihwo uipi, uye gamuchirai nounyoro kusimwa kweshoko rinokwanisa kuponesa mweya yenyu. 22 Zvisinei, ivai vaiti veshoko, kwete vanzwi chete, muchizvinyengera nokufunga kwenhema. 23 Nokuti kana munhu ari munzwi weshoko, asiri muiti, iyeyu akafanana nomunhu anotarira chiso chake chaakazvarwa nacho mugirazi. 24 Nokuti anozvitarira, oenda, obva akanganwa kuti iye munhu akaita sei. 25 Asi iye anonyatsotarira mumutemo wakakwana worusununguko uye anorambira mauri, munhu iyeye achafara paanouita, nokuti haana kuva munzwi anokanganwa, asi muiti webasa. 26 Kana munhu chero upi zvake achizviona somunhu anonamata zvakarurama+ asi asingadzori rurimi rwake, achiramba achinyengera mwoyo wake, kunamata kwomunhu uyu hakuna zvakunobatsira.
Jakobho 3:1-12 Hama dzangu, havasi vazhinji venyu vanofanira kuva vadzidzisi, zvatinoziva kuti tichawana mutongo mukuru. 2 Nokuti tose tinokanganisa kazhinji. Kana munhu asingakanganisi pakutaura, iyeyu munhu akakwana, anokwanisawo kudzora muviri wake wose. 3 Kana tichiisa matomu mumiromo yemabhiza kuti atiteerere, tinodzorawo miviri yawo yose. 4 Tarirai! Zvikepe, kunyange zvakakura kwazvo uye zvichifambiswa nemhepo dzine simba, zvinodzorwa nechidzoreso chidukuduku kuti zviende kunoda munhu anenge achidzora. 5 Saizvozvowo, rurimi inhengo duku asi runozvikudza kwazvo. Tarirai! Zvinoda moto muduku sei kupisa sango guru kwazvo! 6 Naizvozvo, rurimi moto. Rurimi rwakafanana nenyika izere nezvinhu zvisina kururama pakati penhengo dzedu, nokuti runosvibisa muviri wose rwopisa mararamiro enguva dzose uye irwo rwozopiswa neGehena. 7 Nokuti marudzi ose emhuka dzomusango neeshiri neezvinhu zvinokambaira nezvisikwa zvomugungwa angapingudzwa uye akapingudzwa nevanhu. 8 Asi pavanhu hapana kana mumwe chete anogona kupingudza rurimi. Irwo chinhu chisingadzoreki chinokuvadza, chakazara nouturu hunouraya. 9 Narwo tinorumbidza Jehovha, ivo Baba, asi narwo tinotuka vanhu vakavapo “vakafanana naMwari.”
Zvirevo 26:18-28 Munhu anenge achipfuurawo zvake oshatirwa nokuda kwokupopotedzana kusinei naye akafanana nomunhu anobata nzeve dzembwa. 18 Sezvinoita munhu anopenga anokanda zvombo zvinoita zvokukandwa zvinobvira moto, miseve norufu, 19 ndizvo zvinoita munhu anonyengedza wokwake ozoti: “Handiti ndanga ndichingotamba hangu here?” 20 Kana pasina huni, moto unodzima, uye kana pasina munhu anochera vamwe, kukakavara kunopera. 21 Sezvinoita marasha kumazimbe uye sezvinoita huni kumoto, ndizvo zvinoita munhu anokakavara anokonzera kupopotedzana. 22 Mashoko omunhu anochera vamwe akaita sezvinhu zvinomedzwa nokukara, zvinopinda mukatikati medumbu. 23 Miromo inopisa pamwe chete nomwoyo wakaipa zvakaita sesirivha inopenya yakanamirwa pachimedu chomudziyo wevhu. 24 Munhu anovenga anoita kuti asazivikanwa achishandisa miromo yake, asi anoisa unyengeri mukati make. 25 Kunyange achiita kuti inzwi rake rive nenyasha, usamutenda, nokuti mumwoyo make mune zvinhu zvinomwe zvinosemesa. 26 Ruvengo runofukidzwa nounyengeri. Uipi hwake huchafumurwa muungano. 27 Munhu anochera gomba achawira mariri, uye anokungurutsa dombo—iro richamudzokera. 28 Rurimi rwenhema runovenga munhu anodzvinyirirwa narwo, uye muromo unotaura zvokubata kumeso unoparadza.
Tuesday, October 13, 2015
“So they went to the king in the court…they reported all the words to the king. Then the king sent Jehudi to get the scroll…Jehudi read it to the king as well as to all the officials who stood beside the king.”Jeremiah 36:20-21
The prophet Jeremiah personally knew Jehoiakim, and he knew that he was Judah’s king. Yet, in this chapter, Jehoiakim is referred to by name only six times. In contrast, he is described as “the king” 21 times.
Was this just a writer’s choice? Or was God perhaps delivering an important message?
We know that Jehoiakim had a history of pride. In fact, he was so arrogant that he rejected prophecies Jeremiah had given him. After his servant had only “read three or four columns,” Jehoiakim defiantly cut the scroll “with the scribe’s knife and cast it into the fire that was on the hearth, until all the scroll was consumed in the fire that was on the hearth.”
The king did not hesitate to reject the prophet’s words, and he was not concerned about the consequences. Neither he nor his colleagues were afraid. They thought they were bigger than Jeremiah and did not have to be concerned about God.
But their actions had no impact on Jeremiah or on God. Jeremiah simply dictated the prophecies again and had them delivered to the king. But this time, “many similar words” were added.
Jehoiakim might have thought he was greater than God and did not need to listen to Jeremiah. But he was not invincible. He served as king only as long as God allowed. In himself, he did not have any power or authority—only what he had been given. He could be removed by God at any time. In fact, his time as king soon would be over. He was just a “king.”
Brothers & Sisters in your life, seek to be on guard against pride. Stay humble before God. Take His Word seriously. Listen for His instructions. And remember that everything you have is a gift from Him.
Wednesday, May 27, 2015
CHEGUMI
MARAKI. 3:8-10 Ko munhu angabira Mwari here? Kunyange zvakadaro munondibira. Asi imi munoti, Takakubirai pazvinhu zvipi? Pane zvegumi nezvipiriso zvinotsaurwa. 9 Makatukwa nokutuka; nokuti munondibira, urwo rudzi urwu rwose. 10 Uyai nezvegumi zvose muimba yokuvigira, kuti zvokudya zvivepo mumba mangu, mundiidze naizvozvi zvino ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo muone kana ndisingakuzaruriyi mahwindo okudenga, ndikakudururirai mukomborero wamuchashaiwa pokuisa.
RUKA. 6:38 Ipai, nemi muchapiwa; vachakupai pamavoko enyu chiyero chakanaka, chakatsikirirwa, chakazunguzirwa, chakaita mupfunga; nokuti nechuyero chamunoyera vo nacho.
RUKA. 18:12 Ndinozvinyima zvokudya kaviri nevhiki, ndinopachegumi chezvose zvandinowana.
RUKA. 21:1-4 Zvino wakati achitarira, akavona vafumi vachiisa zvipo zvavo muchivigiro chemari. 2 Akavona imwe chirikadzi, waiva murombo, achiisamo tumari tuviri tuduku. 3 Akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chirikadzi iyi iri murombo, yakaisa kupfuvura vamwe vose; 4 nokuti avo vose vakaisa pazvipo vachitora pazvizhinji zvavo, asi uyu wakaisa, achitora pakushaiwa kwake, zvaaifanira kurarama nazvo, zvose zvaakanga anazvo.
MABASA AVAPOSTORI. 4:32-37 Zvino vazhinji vose vavaitenda vaiva nomoyo mumwe nomweya mumwe; kwakanga kusinomumwe waiti chimwe chaaiva nacho ndechake, asi zvinhu zvose vakati ndezvavose. 33 Vaapostora vaipupurira kumuka kwaJesu nesimba guru; nyasha huru ikavapo pamusoro pavo vose. 34 Nokuti pakanga pasina waishaiwa pakati pavo, nokuti vose vaiva neminda kana dzimba, vakazvitengesa, vakavuya nomutengo wezvakatengeswa. 35 Vakazviisa pamberi pavaapostora; mumwe nomumwe akagoverwa paakashaiwa napo. 36 NaJosefa, wakatumidzwa navaapostora achinzi Bharnabhasi, (ndokuti Mwanakomana wokunyaradza, kana zvichishandurwa), muRevhi, munhu weKupro parudzi rwake. 37 Waiva nomunda; akautengesa, akavuya nemari akaisa pamberi pavaapostora.
1 VAKORINDE. 16:1-2 Zvino kana zviri zvipo zvakavunganidzirwa vatsvene, sezvandakaraira kereke dzeGaratia, itai vo seizvozvo. 2 Nomusi wokutanga wevhiki, mumwe nomumwe wenyu ngaakamure zvimwe kumba kwake, avunganidze, paakawana napo, kuti zvipo zvirege kuvunganidzwa, kana ndochisvika.
2 VAKORINDE. 8:2-4 Kuti pakati pokuidzwa kukuru kwokutambudzika, mufaro wavo mukuru, pamwe chete novurombo bwavo bwukuru, zvakawanza zvikuru kusanyima kwavo. 3 Nokuti ndinopupura, kuti vakapa nokuda kwavo pavakagona napo, kunyange kupfuvura pavakagona napo; 4 vakakumbira nokunyengetera kukuru kwatiri kuti tivatendere kuita basa iri renyasha nokusongana pakushumira vatsvene.
2 VAKORINDE. 8:12-14 Nokuti kana moyo wokupa uripo, chipo chinofadza zvichinda nokuwana kwomunhu, zvisingaindi nokushaiwa kwomunhu. 13 Nokuti handirevi kudaro ndichiti vamwe varerukirwe, imi muremerwe; asi kuti muenzane; 14 kuti panguva ino kuwana kwenyu kubatsire kushaiwa kwavo, kuti kuwana kwavo kubatsire kushaiwa kwenyu vo; kuti kuve nokuenzana.
2 VAKORINDE. 9:6-8 Zvino Rangarirai chinhu ichi: Unodzwara zvishoma, unocheka vo zvishoma; unodzwara zvizhinji uchacheka vo zvizhinji. 7 Mumwe nomumwe ngaite sezvaakafunga pamoyo; arege kuita nokuchema, kana nokurovererwa; nokuti Mwari unoda munhu unopa nomufaro. 8 Mwari unogona kukuwanzirai nyasha dzose kuti nguva dzose muve nokuringana kwose pazvose,kuti muwanze mabasa ose akanaka.
TEMBERE
1 MADZIMAMBO. 8:27 Ko mukati Mwari ungagara panyika here? Tarira, denga nokudenga-denga hazvingamuringani, ndoda imba ino yandakavaka!
2 MAKORONIKE. 2:6 Imba yandinovaka ihuru; nokuti Mwari wedu mukuru kupfuvura vamwari vose.
2 VAKORONIKE. 6:18 Ko mukati Mwari ungagara panyika here? Tarira, denga nokudenga-denga hazvingamuringani; ndoda imba ino yandakavaka!
ISAYA. 66:1 Zvanzi naJehovha, Kudenga ndicho chigaro changu choushe, nyika ndicho chitsiko chetsoka dzangu; mungandivakira imba yakadiiko? Ndeipiko nzvimbo pandingazorora?
MATEO. 12:6 Asi ndinoti kwamuri mukuru wetembere uri pano.
MATEO. 18:20 Nokuti apo pakavungana vaviri kana vatatu muzita rangu, ndiripo pakati pavo.
MATEO. 27:51 Ipapo tarira chidzitiro chetembere chakabvaruka napakati, kubva kumusoro kusvikira pasi. Nyika ikadengenyeka, mabwe akatsemuka.
MAKO. 15:38 Chidziro chetembere chikabvaruka napakati, kubva kumusoro kusvikira pasi.
RUKA. 21:5-6 Zvino vamwe vakati vachitaura pamusoro petembere, kuti yakanga yakashongedzwa namabwe akanaka nezvipo, iye akati: 6 Kana zviri izvi zvamunovona, mazuva achasvika, asingazoregwi ibwe pamusoro pebwe, risingazowisirwi pasi.
RUKA. 23:45. Zuva rikasviba: chidzitiro chetembere chakabvaruka napakati.
JOHANI. 4:20-24 Madzibaba edu ainamata pagomo iri; imi munoti muJerusarema ndimo munofanira kunamatwa. 21 Jesu akati kwaari: Mai nditende kuti nguva inovuya, yamusingazonamati Baba pagomo iri, kana paJerusarema. 22 Imi munonamata chamusingazivi; isu tinonamata chatinoziva, nokuti ruponeso runobva kuvaJudha. 23 Asi nguva inovuya, nazvino yatovapo, yokuti vashumiri vazvokwadi vachanamata Baba mumweya nezvokwadi; nokuti Baba vanotsvaka vakadaro kuzomunamata. 24 Mwari ndiMweya vanomunamata, vanofanira kumunamata mumweya nezvokwadi.
JOHANI. 18:20 Jesu akamupindura akati: Ndaitaura pachena kunyika; ndaidzidzisa nguva dzose mumasinangoge nomutembere, panovungana vaJudha vose; handina kureva chinhu pakavanda.
MABASA AVAPOSTORI. 7:48-50 Asi Wokumusoro haagari mudzimba dzakavakwa namavoko, sezvakarebwa nomuporofita achiti; 49 Denga ndicho chigaro changu chovushe. Nenyika chitsiko chetsoka dzangu; Muchandivakira imba yakadiniko? Ndizvo zvinoreva Ishe; Kana nzvimbo yandingazorora pairi ndeipi? 50 Ko ruvoko rwangu haruna kuita izvozvi zvose here?
MABASA AVAPOSTORI. 17:24 Mwari wakasika nyika nezvose zviri mairi, iye Tenzi wedenga napasi, haagari mutembere dzakaitwa namavoko.
1 VAKORINDE. 3:16-17 Ko hamuzivi kuti muri tembere yaMwari, vuye kuti Mweya waMwari unogara mukati menyu here? 17 Kana munhu achitadzira tembere yaMwari uchamutadzira vo; nokuti tembere yaMwari itsvene, ndimi iyo.
1 VAKORINDE. 6:19 Hamuzivi here kuti muviri wenyu itembere yoMweya Mutsvene, uri mukati menyu, wamakapiwa naMwari? Hamuzi venyu.
2 VAKORINDE. 6:16 Tembere yaMwari ingatenderana Seiko nezvifananidzo? Nokuti isu tiri tembere yaMwari mupenyu; Mwari sezvaakareva; achiti; Ndichagara mukati mavo, nokufamba mukati mavo; ndichava Mwari wavo, ivo vachava vanhu vangu.
VAEFESO. 2:19-21 Naizvozvo, hamuzati muchiri vaeni navatorwa, asi vobwo pamwe chete navatsvene, naveimba yaMwari. 20 Makavakwa pamusoro penheyo dzvaapostora navaporofita, Kristu Jesu amene ari ibwe rapakona. 21 Maari imba yose yakasonganiswa ichikura kuti ive tembere tsvene munaMwari.
VAHEBHERU. 9:11-12 Asi Kristu wakati asvika ari muPirista mukuru wezvinhu zvakanaka zvinozovuya, akapinda napatabhernakeri yakapfuvura pakukura napakukwana, isina kuitwa namavoko, ndiko kuti isati iri yokusikwa kuno, 12 haana kupinda neropa rembudzi kana remhuru, asi neropa rake chairo, kamwe zvikapera, panzvimbo tsvene, akatiwanira rudzikinuro rusingaperi.
1 PETRO. 2:5 Nemi vo, samabwe mapenyu, muvakwe muve imba yoMweya, muve vuPrista vitsvene, kuti mubayire zvibayiro zvoMweya, zvinofadza Mwari nokuda kwaJesu Kristu.
ZVAKAZARURWA. 21:22 Handina kuvona tembere mukati maro, nokuti Ishe Mwari wamasimba ose neGwaiana itemberi yaro.
ZVAKAVANZIKA
MATEO. 10:26-27 Naizvozvo musavatya nokuti hakunachinhu chakafukidzwa chisingazozarurwi. Kana chakavanzika chisingazozikamwi. 27 Zvandinokuvudzai murima, Taurai pachena, zvamunonzwa munzeve paridzai pamusoro pedzimba.
MAKO. 4:21-22 Zvino wakati kwavari, mwenje uripo kuti uiswe pasi pedengu kana pasi pomubhedha here? Hauzipo kuti uiswe pachigadziko here? 22 Nokuti hapana chinhu chakavanzika chisingavoneswi,hapana chakavigwa chisingazobudi pachena.
RUKA. 11:33 Hakunamunhu unoti kana atungidza mwenje, ungauisa pakavanda, kana pasi pedengu, asi pachigadziko, kuti vanopinda vavone chiedza.
JOHANI. 3:19-21 Kutongwa ndokuku, kuti chiedza chakasvika panyika, asi vanhu vakada rima kupfuvura chiedza, nokuti mabasa avo akanga akaipa. 20 Nokuti mumwe nomumwe, unoita zvakaipa, unovenga chiedza haavuyi pachiedza, kuti mabasa ake arege kubudiswa pachena. 21 Asi unoita zvokwadi, unovuya pachiedza, kuti mabasa ake avonekwe, kuti akaitwa munaMwari.
JOHANI. 18:20 Jesu akamupindura, akati: Ndaitaura pachena kunyika; ndaidzidzisa nguva dzose mumasinangoge nomutembere, panovungana vaJudha vose; handina kureva chinhu pakavanda.
VAEFESO. 5:11-12 Regai kuyanana namabasa erima asine zvibereko, asi zvirinani kuti muraire; 12 nokuti izvo, zvinoitwa navo pakavanda, zvinonyadza kana zvichirebwa.
RUPONESO/UPENYU HUSINGAPERI
MAKO. 16:16 Unotenda, akabhabhatidzwa, uchaponeswa; asi usingatendi uchatongwa.
JOHANI. 3:16 Nokuti Mwari wakada nyika nokudaro, kuti wakaipa Mwanakomana wake wakaberekwa mumwe woga, kuti ananinani unotenda kwaari, arege kuparara, asi ave novupenyu bwusingaperi.
JOHANI. 4:36 Unocheka unopiwa mubairo, unovunganidza zvibereko muvupenyu bwusingaperi; kuti unokusha nounocheka vafare vose.
JOHANI. 5:24 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri; Unonzwa shoko rangu, nokutenda wakandituma, unovupenyu bwusingaperi; haavuyi mukutongwa, asi wabva murufu waenda, muvupenyu.
JOHANI. 6:40 Nokuti kuda kwaBaba vangu ndiko, kuti mumwe nomumwe, unotenda kwaari Mwanakomana, nokutenda kwaari, ave novupenyu nwusingaperi; neni ndichamumutsa nezuva rokupedzisira.
JOHANI. 6:47 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri; Unotenda, kwandiri unovupenyu bwusingaperi.
JOHANI. 6:51 Ndini chingwa chipenyu, chakaburuka kudenga; kana munhu achidya chingwa ichi; uchararama nokusingaperi; chingwa chandichapa, inyama yangu, bwuve vupenyu bwenyika.
JOHANI. 6:54 Aninani unodya nyama yangu, nounomwa ropa rangu, unovupenyu bwusingaperi; ini ndichamumutsa nezuva rokupedzisira.
JOHANI. 10:27-28 Makwai angu anonzwa inzwi rangu; neni ndinoaziva vuye anonditevera. 28 Ndinoapa vupenyu bwusingaperi; haangafi nokusingaperi; vuye hakunamunhu ungaabvuta muruvoko rwangu.
JOHANI. 17:3 Vupenyu bwusingaperi ndibwo, kuti vakuzivei imi, Mwari uri woga wazvokwadi, naJesu Kristu, wamakatuma.
MABASA AVAPOSTIRI. 16:30-31 Akavabudisira kunze, akati: Vatenzi, ndinofanira kuitei kuti ndiponeswe? 31 Vakati: Tenda kunaShe Jesu Kristu, ugoponeswa, iwe nemhuri yako.
VAROMA. 1:16 Nokuti handinyari pamusoro peEvhangeri, nokuti isimba raMwari rokuponesa mumwe nomumwe unotenda, kutanga muJudha, vuye muGiriki vo.
VAROMA. 3:23:24 Nokuti vose vakatadza vakasasvika pakubwinya kwaMwari. 24 Vanongoruramiswa nenyasha dzake nokudzikinura kuri munaKristu Jesu.
VAROMA. 3:26-27 Kuti kururama kwake kuratidzwe, nenguva ino, kuti arurame iye amene, vuye arurame uyo unotenda kunaJesu. 27 Zvino kuzvikudza kuripo? Kwabviswa, Nomurairo upiko? Wamabasa here? Kwete, asi nomurairo wokutenda.
VAROMA. 5:8-9 Asi Mwari unoratidza rudo rwake kwatiri pakuti Kristu wakatifira, tichiri vatadzi. 9 Zvino, zvatakaruramiswa muropa rake, tichaponeswa zvikuru sei naye pakutsamwa.
VAROMA. 10:9-10 Kuti kana uchipupura nomuromo wako kuti Jesu ndiye Ishe, nokutenda mumoyo mako, kuti Mwari wakamumutsa kuvakafa, uchaponeswa; 10 nokuti munhu unotenda nomoyo, ndokururamiswa; unopupura nomuromo, ndokuponeswa.
VAGARATIA. 3:22 Asi Rugwwaro rwakapfigira zvose pasi pezvivi, kuti chipirwa chinobva pakutenda munaJesu Kristu chipiwe vanotenda.
VAEFESO. 2:1-5 Wakakuraramisai imi, mukanga makafa mukudarika kwenyu nomuzvivi zvenyu, 2 izvo zvamaifamba mukati mazvo kare, netsika dzenyika ino, nenzira dzomuchinda wesimba redenga, dzomweyaunobata zvino muvana vokusaterera; 3 vataifamba tose pakati pavo kare, mukuchiva kwenyama yedu, tichiita kuda kwenyama nokwokufunga kwedu, napakuzvarwa kwedu isu navamwe vose taiva vana vokutsamwirwa. 4 Zvino Mwari unenyasha zhinji-zhinji, nokuda kworudo rwake rukuru, rwaakatida narwo, 5 kunyange takanga takafa mukudarika kwedu, wakatiraramisa pamwe chete naKristu (makaponeswa nenyasha.
VAEFESO. 2:8-9 Nokuti makaponeswa nenyasha, nokutenda; izvo zvisingabvi kwamuri, asi chipo chaMwari; 9 hazvibvi pamabasa, kuti kurege kuva nomunhu unozvikudza.
TITO. 3:4-7 Asi vunyoro bwaMwari Muponesi wedu, norudo rwake kuvanhu, zvakati zvavonekwa, 5 wakatiponesa, asingaziiti nokuda kwamabasa akarurama, atakanga taita isu, asi nokutenda kwwenyasha dzake, nenzira yokushambidzwa kwokuberekwa kutsva nokuvandudzwa noMweya Mutsvene, 6 waakadurura achiwanza pamusoro pedu, naJesu Kristu Muponesi wedu, 7 kuti isu, taruramiswa nenyasha dzake, tiitwe vadyi vanhaka nokuda kwetariro youpenyu bwusingaperi.
MAPOROFITA
JEREMIA. 47:2 Zvanzi naJehovha, Tarisai, mvura zhinji inokwira ichibva kurutivi rwokumusoro, ichava rwizi runopafuma, ichafukidza nyika nezvose zvirimo, neguta navageremo; vanhu vachachema, navose vagere munyika vachawungudza.’
JEREMIA. 48:1 Pamusoro paMoabhu. Zvanzi naJehovha wehondo. Mwari waIsraeri, ‘Nebho rine nhamo, nokuti raparadzwa; Kiriataimu ranyadziswa, rakundwa; Mishigabhi ranyadziswa, ravhunduswa.’
MATEO. 5:17 Musafunga kuti ndakavuya kuparadza murairo kana vaporofita. Handina kuvuya kuparadza asi kuzadzisa.
MATEO. 11:13 Nokuti vaporofita vose nomurairo vakaporofita kusvikira kuna Johane.
MATEO. 22:40 Murairo wose navaporofita zvakabatanidzwa pamirairo iyi miviri (Mar. 12:35-37; Ruka. 20:41-44.)
RUKA. 16:16 Murairo navaporofita zvakanga zviripo kusvikira kunaJohane; kubva panguva iyo vushe bwaMwari bwunoparidza mumwe nomumwe unopinda mabwuri nesimba.
MABASA AVAPOSTORI. 2:17-18 Mwari unoti: Namazuva okupedzisira, Ndichadurura zvoMweya wangu pamusoro penyama yose; Vanakomana venyu navanasikana venyu vachaporofita; Majaya enyu achavona zviratidzo. Navatana venyu vacharota hope. 18 Napamusoro pavaranda vangu napamusoro pavashandiri vangu, Ndichadururira zvomweya wangu namazuva iwayo; vachaporofita.
MABASA AVAPOSTORI. 11:27-28 Namazuva iwayo vaporofita vakaburuka vachibva Jerusarema, vakaenda Antiokia. 28 Mumwe wavo wainzi Agabo, akasimuka, ndokuvazivisa noMweya kuti nzara huru ichavapo panyika yose; iyo ikasvika panguva yaKraudio.
MABASA AVAPOSTORI. 21:9-11 Iye wakanga anavakunda vana, mhandara, vaiporofita. 10 Zvino takati tichigarapo mazuva mazhinji, mumwe muporofita, wainzi Akabo, akaburuka achibva Judhea, 11 akavuya kwatiri, akatora bhanire raPauro, akazvisunga makumbo namavoko ake, akati; Mweya Mutsvene unoreva kudai: Saizvozvo vaJudha paJerusarema vachasunga murume, mwene webhanire iri, nokumuisa pamavoko avahedheni.
VAROMA. 3:21 Asi zvino kururama kwaMwari kwakaratidzwa kunze kwomurairo, kuchipupurirwa nomurairo navaporofita.
1 VAKORINDE. 12:28-29 Mwari wakaisa vamwe pakereke, pakutanga vaapositora, rwechipiri vaporofita, rwechitatu vadzidzisi, tevere vaiti vamabasa esimba, tevere zvipo zvokuporesa, navabatsiri navabati, namarudzi mazhinji endimi. 29 Vose vaapostora here? Vose vaporofita here? Vose vadzidzisi here? Vose vaiti vamabasa esimba here?
1 VAKORINDE. 14:29-33 Vapofita ngavataure vaviri, kana vatatu, navamwe ngavaidze. 30 Zvino kana chimwe chinhu chikazarurirwa mumwe ugerepo, wokutanga ngaanyarare. 31 Nokuti mungaporofita mose, muchiita mumwe-mumwe, kuti vose vadzidze, vose vanyaradzwe. 32 Mweya yavaporofita inozviisa pasi pavaporofita; 33 nokuti Mwari haazi Mwari wenyonganiso, asi worugare, sapakereke dzose dzavatsvene.
VAEFESO. 2:20 Makavakwa pamusoro penheyo dzavapostora navaprofita, Kristu Jesu amene ari ibwe rapakona.
VAEFESO. 4:11-14 Zvino wakapa vamwe kuti vave vaapostora, vamwe vaporofita, vamwe vaEvhangeri, vamwe vafudzi navadzidzisi; 12 kuti vatsvene vakwanisirwe basa ravo rokushumira, nerokuvaka muviri waKristu; 13 kudzamara isu tisvike pavumwe bwokutenda nokuziva Mwanakomana waMwari, napamunhu wakura, napachiyero chovukuru bwokuzara kwaKristu; 14 kuti tirege kuramba tichingova vacheche, tichizununguswa nokudzingwa nemhepo ipi yokudzidzisa nokunyengera kwavanhu, namano, kuti vatsause nokunyengera.
VAHEBHERU. 1:1-3 Mwari wakataura kare kunamadzibaba muvaporofita nemigove mizhinji, vuye nemitovo mizhinji, 2 zvino pakupedzisira kwamazuva ano wakataura kwatiri muMwanakomana wake, waakaita mudyi wenhaka yezvinhu zvose, waakaita vo naye nyika; 3 iye chadzera chokubwinya kwake, nomufananidzo wake chaiye, unotakura zvinhu zvose neshoko resimba rake, wakati anatsa zvivi zvedu iye pachake, akagara kurudyi rwoVumambo kudenga.
2 PETRO. 1:19-21 Vuye tineshoko rovuporofita rakasimba kwazvo, ramunoita zvakanaka kana muchiriterera, rakaita somwenje unovhenekera munerima, kusvikira vutonga bwuchitsvuka, nenyamasase ichibudira moyo yenyu; 20 muchiziva pakutanga, kuti hakunovuporofita bworugwaro bwunongodudzirwa nomunhu; 21 nokuti hakunovupofita bwakatongovuya nokuda kwomunhu, asi vanhu vatsvene vaMwari vakataura, vachimutswa noMweya Mutsvene.
Monday, May 18, 2015
MURAIRO WEKARE / MURAIRO MUTSVA
ISAYA. 43:18-19 Musarangarira zvinhu zvakapfuura, musafunga zvinhu zvakare. 19 Tarirai, ndichaita chinhu chitsva; chobuda zvino; hamungachizivi here? Ndichaita nzira murenje, nenzizi musango.
MATEO. 5:17 Musafunga kuti ndakuvuya kuparadza murairo kana vaprofita. Handina kuvuya kuparadza asi kuzadzisa.
MATEO. 9:16-17 Hakuna munhu unoisa chigamba chitsva paguvo yakasakara nokuti chakasonerwa chinobvarura nguvo vuri rikanyanya. Havadirivo waini itsva muhombodo tsaru nokuti hombodo dzingaparuka, wani ikatevuka nehombodo dzikafavo. Asi vanodira waini itsva muhombodo itsva zviviri zvose zvichengeteke. (Mar. 5:22-43; Ruka. 8:41-56).
MATEO. 11:13 Nokuti vaporofita vose nomurairo vakaporofita kusvikira kuna Johane.
MATEO. 22:37-40 Akati kwavari: Ida Ishe, Mwari wako, nomoyo wako wose, nomweya wako wose, nokufunga kwako kwose. 38 Ndiwo murairo mukuru nowokutanga. 39 Wechipiri unofanana nawo, ndiwoyu: Ida wokwako; sezvaunozvida iwe. 40 Murairo wose navaporofita zvakabatanidzwa pamirairo iyi miviri. (Mar. 12:35-37; Ruka. 20:41-44).
RUKA. 16:16 Murairo navaporofita zvakanga zviripo kusvikira kunaJohane; kubva panguva iyo vushe bwaMwari bwunoparidzwa, mumwe nomumwe unopinda mabwuri nesimba.
JOHANI. 1:17 Nokuti murairo wakapiwa naMosesi, asi nyasha nezvokwadi zvakavuya naJesu Kristu.
JOHANI. 7:23 Zvino kana munhu angadzingiswa nesabata, kuti murairo waMosesi urege kuputswa, ko imi monditsamwira nokuti ndakaporesa munhu zvakakwana.
JOHANI. 19:30 Zvino Jesu wakati agamuchira vhinega, akati: Zvapera! Akakotamisa musoro wake, akabudisa Mweya wake.
MABASA AVAPOSTORI. 13:39 Noyuyu, mumwe nomumwe unotenda, unoruramiswa pazvose, zvamakanga musingagoni kururamiswa pazviri nomurairo waMosesi.
MABASA AVAPOSTORI. 15:5-20 Asi vamwe vedzidziso yavaFarise, vaitenda vakasimuka, vakati, vanofanira kudzingiswa nokurairwa kuti vachengete murairo waMosesi. 6 Ipapo vaapositora navakuru vakavungana kuti varangane pamusoro peshoko iri. 7 Zvino, nharo huru dzakati dzavapo. Petro akasimuka akati kwavari: Varume, hama, munoziva kuti kubva pamazuva akare Mwari wakandisanangura pakati penyu, kuti vahedheni vanzwe shoko reEvhangeri nomuromo wangu, vatende. Zvino Mwari, muzivi womoyo, wakavapupurira, akavapa Mweya Mutsvene sesu; 9 haana kutsaura pakati pedu navo, zvaakanatsa moyo yavo nokutenda. 10 Naizvozvo zvino munoidzirei Mwari, muchiisa pamitsipa yavadzidzi joko, rakanga risingagoni kutakurwa namadzibaba edu kunyange nesu? 11 Asi tinotenda kuti isu tichaponeswa nenyasha dzaShe Jesu Kristu nomutovo mumwe navo. 12 Ipapo vanhu vazhinji vose vakaramba vanyerere, vakaterera vana Bhanabhasi naPauro vachirondedzera zviratidzo nezvishamiso, zvakaitwa naMwari navo pakati pavahedheni. 13 Zvino vakati vanyarara, Jakobho akapindura, akati: Varume hama, nditererei. 14 Simeoni wakarondedzera mutangire waMwari kumutsa vahedheni, kuti atore kwavari vanhu vezita rake. 15 Namashoko avaprofita anobvumira izvozvi; sezvazvakanyorwa zvichinzi: 16 Shure kwazvozvi ndichadzoka, Ndivake tabernakeri yaDhavhidhi, yakawa; Ndichavaka zve matongo ayo, Ndichimutsa; 17 Ndizvo zvinotaura Ishe, Navahedheni vose vakadanwa nezita rangu. 18 Mabasa ake ose kubva pakuvamba kwenyika anozikanwa kunaMwari. 19 Naizvozvi ini ndinoti, ngatirege kugumbusa avo pakati pavahedheni vakatendevukira kunaMwari; 20 asi tivanyorere kuti varege zvakashatiswa nezvifananidzo, novupombwe, nezvakadzipwa, neropa.
MABASA AVAPOSTORI. 18:13 Vachiti: Uyu unogombedzera vanhu kuti vanamate Mwari nenzira isingatenderwi nomurairo.
MABASA AVAPOSTORI. 21: 17-21 Zvino takati tichisvika Jerusarema, hama dzikatigamuchira nomufaro. 18 Fume mangwana Pauro akapinda nesu kunaJakobho; navakuru vakanga varipo vose. 19 Akavakwazisa, ndokuvarondedzera, chimwe nechimwe, zvakaitwa naMwari pakati pavahedheni nebasa rake. 20 Ivo vakati vazvinzwa, vakakudza Mwari, vakati kwaari; Hama, unovona kuti zvuru zvingani zvavaJudha vanotenda; vose vanoshingairira murairo; 21 zvino vakavudzwa kuti iwe unodzidzisa vaJudha vose vari pakati pavahedheni, kuti varambe Mosesi, uchiti, varege kudzingisa vana vavo, kana kufamba netsika dzomurairo.
VAROMA. 3:19 Zvino todiniko? Tinovapfuvira here? Kwete napaduku; nokuti tambopa vose mhosva, vaJudha navaGiriki, tichiti vose vakasungwa nezvivi.
VAROMA. 3:21-22 Asi zvino kururama kwaMwari kwakaratidzwa kunze kwomurairo, kuchipupurirwa nomurairo navaporofita; 22 ndiko kururama kwaMwari kunovuya nokutenda kunaJesu Kristu kunavose vanotenda; nokuti havasiyani.
VAROMA. 3:27 Zvino kuzvikudza kuripiko? Kwabviswa. Nomurairo upiko? Wamabasa here? Kwete, asi nomurairo wokutenda.
VAROMA. 3:28 Naizvozvo tinoti, munhu unoruramiswa nokutenda kunze kwamabasa omurairo.
VAROMA. 4:1-16 Zvino tichatiiko? Abhurahamu, teteguru vedu panyama, wakawaneiko? 2 Nokuti dai Abhurahamu akaruramiswa namabasa ake, ungadai anechinhu chaangazvirumbidza nacho; asi haana pamberi paMwari. 3 Nokuti Rugwaro runoti kudiniko? Runoti: Abhurahamu wakatenda Mwari, kukanzi kwaari ndiko kururama. 4 Zvino kunonobate-basa, mubairo haunzi ndowenyasha, asi ndowengava. 5 Kunousingabati, asi unotenda kunaiye unoruramisa munhu usingadi Mwari, kutenda kwake kunonzi kwaari ndiko kururama. 6 Sezvinoreva vo Dhavhidhi, kuti wakaropafadzwa munhu unonzi naMwari wakarurama, kunze kwamabasa, 7 achiti: Vakaropafadzwa vakanganwirwa zvisakarurama zvavo, Navakafukidzirwa zvivi zvavo; 8 Wakaropafadzwa munhu usinganzi naShe unezvivi. 9 Zvino kuropafadzwa uku ndokwavakadzingiswa, kana kwavasina kudzingiswa here? Nokuti tinoti, kunaAbhurahamu kutenda kwake kwakanzi ndiko kururama. 10 Zvino zvakanzarwo Seiko? Atodzingiswa, kana asinakudzingiswa here? Hazvina kunzarwo adzingiswa, asi asina kudzingiswa; 11 wakapiwa chiratidzo chokudzingiswa, kuti chive chisimbiso chokururama kwokutenda, kwaakanga anako asati adzingiswa; kuti ave baba vavose vanotenda, kunyange vasina kudzingiswa, kuti vagonzi vakarurama; 12 ave baba vokudzingiswa kunaivo vasina kudzingiswa bedzi, asi vanofamba vo mumakwara okutenda kwababa vedu Abhurahamu, kwavaiva nako vasati vadzingiswa. 13 Nokuti chipikirwa chokuti uchava mugari wenhaka yenyika hachina kupiwa Abhurahamu kana rudzi rwake nomurairo, asi nokururama kwokutenda. 14 Nokuti dai vomurairo vari vagary venhaka, kutenda hakunamaturo, nechipikirwa chinokoneswa; 15 nokuti murairo unovuyisa kutsamwa; asinomurairo hapana kudarika vo. 16 Saka ndezvokutenda, kuti, zvive zvenyasha; kuti chipikirwa chive nesimba kurudzi rwose; rusati ruri rwomurairo bedzi, asi norwokutenda kwaAbhurahamu vo, iye baba vedu tose.
VAROMA. 6:14 Nokuti zvivi hazvingavi nesimba pamusoro penyu; nokuti hamuzi pasi pomurairo asi pasi penyasha.
VAROMA. 7:4 Saka hama dzangu nemi vo makaitwa vakafa kumurairo nomuviri waKristu; kuti muve womumwe, iye wakamutswa pavakafa, kuti tiberekere Mwari zvibereko.
VAROMA. 7:6 Asi zvino takasunungurwa pamurairo, takafa kunaizvozvo zvatakanga takasungwa nazvo; naizvozvo tinobatira Mwari nomweya mutsva, tisingabatiri nezvakanyorwa zvakare.
VAROMA. 7:7-12 Zvino tichatiyiko? Murairo zvivi here? Haiwa! Asi handizaiziva zvivi handizaiziva usipo; nokuti handizaiziva kuchiva, kana murairo usina kuti: Usachiva; 8 zvino zvivi zvakawana nzira nomurairo, zvikaita mandiri mitovo yose yokuchiva; nokuti kunze kwomurairo zvivi zvakafa. 9 Ini ndaiva mupenyu kare kunze kwomurairo, asi mutemo uchizosvika, zvivi zvakamuka, ini ndikafa; 10 nomutemo iwo waifanira kuisa muvupenyu, ndakauwana uchiisa kurufu; 11 nokuti zvivi zvakawana nzira nomutemo, zvikandinyengera zvikandivuraya, nawo. 12 Naizvozvo murairo mutsvene, nomutemo mutsvene, wakarurama, wakanaka.
VAROMA. 8:3-4 Nokuti, zvakanga zvisingakwaniswi nomurairo, pakushaiwa kwawo simba nokuda kwenyama. Mwari pakutuma kwake Mwanakomana, wake nomufananidzo wenyama yezvivi, nokuda kwezvivi, wakapa mhosva zvivi zviri munyama; 4 kuti zvakarebwa nomurairo zviitike matiri, isu tisingafambi nenyama, asi nomweya.
VAROMA. 10:4 Nokuti Kristu ndiyemugumo womurairo pakutsvaka kururama, kuno mumwe nomumwe unotenda.
VAROMA.13:8-10 Musava nechikwerete nomunhu, asi chokudana; nokuti unoda mumwe, wazadzisa murairo. 9 Nokuti izvo zvokuti; Usaita vupombwe, usavuraya, usaba, usapupura wokwako nhema, usachiva; kana murairo upi noupi, zvakavunganidzwa pashoko rokuti: Ude wokwako sezvaunozvida iwe. 10 Rudo haruitiri wokwako zvakaipa; naizvozvo rudo runozadzisa murairo.
1 VAKORINDE. 9:20 KuvaJudha ndakava somuJudha, kuti ndiwane vaJudha; Kunavari pasi pomurairo, ndakava somunhu uri pasi pomurairo, kunyange ndisati ndiri pasi pomurairo hangu, kuti ndiwane vari pasi pomurairo.
VAGARATIA. 2:16 Zvatinoziva kuti munhu haaruramiswi, namabasa omurairo, asi nokutenda kunaKristu Jesu, nesu vo takatenda kuna Kristu Jesu, kuti tiruramiswe nokutenda kunaKristu, tirege kururamiswa namabasa omurairo; nokuti hakune nyama icharuramiswa namabasa omurairo.
VAGARATIA. 2:21 Handikonesi nyasha dzaMwari nokuti kana kururamiswa kuchibva kumurairo, Kristu wakafa pasina.
VAGARATIA. 3:2 Ichechi bedzi ndinoda kunzwa kwamuri; Makapiwa Mweya namabasa omurairo here, kana nokunzwa kwokutenda.
VAGARATIA. 3:5 Naizvozvo uyo unokupai Mweya, nokuita mabasa esimba pakati penyu, unozviita izvo namabasa omurairo here, kana nokunzwa kwokutenda?
VAGARITIA. 3:10 Nokuti vose vari vamabasa omurairo, vari pakutukwa; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi; vakatukwa vose vasingarambiri pazvinhu zvose zvakanyorwa mubuku yomurairo, kuti vaiite.
VAGARATIA. 3:11 Zvino, zvinovonekwa kuti hakunamunhu unoruramiswa nomurairo pamberi paMwari, nokuti: Wakarurama uchararama nokutenda.
VAGARATIA. 3:13 Kristu wakatidzikinura pakutuka kwomurairo, iye akaitwa chakatukwa nokuda kwedu, nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Vakatukwa vose vanoturikwa pamuti!
VAGARATIA. 3:17-29 Zvino ndinoreva chinhu ichi, ndichiti; Sungano yakasimbiswa kare naMwari, munaKristu, haitorerwi simba rayo nomurairo wakazotevera makore mazana mana namakumi matatu apfuvura, kuti chipikirwa chikoneswe. 18 Nokuti kana nhaka ichabva kumurairo, haichabvi kuchipikirwa; asi Mwari wakaipa Abhurahamu nokupikira. 19 Naizvozvo murairo chinyiko? Wakazowedzerwa nokuda kwezvivi, kusvikira mwana wakapikirwa izvozvo achizovuya; iwo wakarairwa navatumwa noruvoko rwomurevereri. 20 Zvino murevereri haazi womumwe chete, asi Mwari ndomumwe. 21 Ko murairo unorwisana nezvipikirwa zvaMwari here? Haisva! Nokuti dai vakanga vapiwa murairo waigona kururamisa, zvirokwazvo kururamiswa kungadai kwakabva kumurairo. 22 Asi Rugwaro rwakapfigira zvose pasi pezvivi, kuti chipikirwa pakutenda munaJesu Kristu chipiwe vanotenda. 23 Asi kutenda kusati kwasvika, taichengetwa pasi pomurairo, takapfigirwa nokuda kwokutenda kwazoratidzwa. 24 Saizvozvo murairo wakanga uri muperekedzi wedu, kutiisa kunaKristu kuti tiruramiswe nokutenda. 25 Zvino kutenda zvakwakasvika, hatichiri pasi pomuperekedzi. 26 Nokuti imi mose muri vana vaMwari nokutenda munaKristu Jesu; 27 nokuti vose pakati penyu, vakabhabhatidzwa munaKristu, makafuka Kristu. 28 Hakuchina muJudha kana muGriki, hakuchina wakasungwa kana wakasununguka, hakuchina munhurume kana munhukadzi; nokuti imi mose muri vamwe munaKristu Jesu. 29 Zvino kana muri vaKristu, muri vana vaAbhurahamu, vadyi venhaka sezvamakapikirwa.
VAGARATIA. 5:3 Ndinopupura mumwe nomumwe unodzingiswa, kuti iye unengava rokuti aite murairo wose.
VAGARATIA. 5:4 Makaparadzaniswa naKristu, iyemi munoda kururamiswa nomurairo; mabudiswa panyasha.
VAGARATIA. 5:14 Nokuti murairo wose unozadziswa neshoko rimwe chete, rokuti: Ude wokwako sezvaunozvida iwe.
VAGARATIA. 5:18 Asi kana muchitungamirirwa noMweya, hamuzi pasi pomurairo.
VAGARATIA. 6:2 Takuriranai mitoro yenyu, mugozadzisa murairo waKristu saizvozvo.
VAEFESO. 2:15 Zvaakaparadza munyama yake kuvengana, iwo murairo wezvakarairwa pazvirevo; kuti asike ava vaviri vave munhu mutsva maari, aite Rugare saizvozvo.
VAFIRIPI. 3:9 Ndiwanikwe maari, ndisina kururama kwangu kuri kwomurairo, asi kuri kwokutenda kunaKristu, ndiko kururama kunobva kunaMwari nenzira yokutenda.
1 TIMOTI. 1:9 Achiziva kuti murairo hauna kuitirwa wakarurama, asi vasinehanya nomurairo, navasingatereri, navasingadi Mwari, navatadzi, navasi vatsvene, nevasinehanya naMwari, navanorova madzibaba, navanorova madzimai, navanovuraya vanhu.
VAHEBHERU. 7:12 Nokuti kana vuPirista bwuchishandurwa, nomurairo unofanira kuti ushandurwe vo.
VAHEBHERU. 7:28 Nokuti murairo unogadza vanhu vanowutera, kuti vave vaPirista vakuru, asi shoko rokupika, rakatevera murairo, rinogadza Mwanakomana, wakakwaniswa nokusingaperi.
VAHEBHERU. 8:6 Asi zvino wakapiwa basa rakanyanya kunaka, sezvaari Murevereri wesungano inopfuvura nokunaka, yakasimbiswa nezvipikirwa zvinopfuvura nokunaka.
VAHEBHERU. 8:7 Nokuti dai iya yokutanga yakanga isina chaingapomerwa, yechipiri ingadai isina kutsvakirwa nzvimbo.
VAHEBHERU. 8:10 Nokuti ndiyo sungano yandichaita neimba yaIsraeri kana mazuva iwayo apfuvura, ndizvo zvinotaura Ishe; Ndichaisa mirairo yangu pakufunga kwavo, ivo vachava vanhu vangu.
VAHEBHERU. 8:13 Zvaanoti: Sungano itsva yakasakadza yokutanga; zvino chinhu chosakara, chova chakare, choda kurova.
VAHEBHERU. 9:1-10 Zvino, neyiyi sungano yokutanga yakanga inemirairo yokushumira Mwari nayo, neimba tsvene yenyika. 2 Nokuti tabhernakeri, yaiva yokutanga, yakagadzirwa, makanga munechigadziko chemwenje, netafura, nezvingwa zvokuratidza; ndipo panonzi Patsvene. 3 Zvino mberi kwechidzitiro chechipiri pakanga panetabhernakeri yainzi Patsvene-tsvene; 4 pakanga panendiro yendarama yezvinonhuwira, neareka yesungano, yakanga yakanamwa nhivi dzose nendarama, imomo makanga munehari yendarama, yakanga inemana, netsvimbo yaAroni, yakadeya kutunga, namahwendefa esungano; 5 pamusoro payo pakanga panamakerubhi okubwinya, akadzikatira chifunhiro chengoni; hatigoni kurondedzera izvozvo tichiita chimwe-chimwe zvino. 6 Zvinhu izvi zvakati zvagadzirwa saizvozvo, vapirista vaipinda mutabernakeri yokutanga nguva dzose, vachibata mabasa okushumira Mwari; 7 asi muneyechipiri muPrisita mukuru wapinda ari oga, kamwe chete negore, asingapindi asineropa, raaizvibayirira iye nezvivi zvavanhu; 8 Mweya Mutsvene achiratidza chinhu ichi, kuti nzira inoenda kuNzvimbo Tsvene yakanga isati yataridzwa, tabernakeri yokutanga ichimire; 9 wakanga uri mufananidzo wenguva inoyavanobayira nayo zvipo nezvibayiro, zvisingagoni kukwanisa pahana yake iye unoshumira; 10 nokuti yaingova mirairo yenyama, yezvokudya, nezvokunwa, nokushamba kuzhinji, yavakatemerwa kusvikira panguva yokuvandudzwa.
VAHEBHERU. 9:11-15 Asi Kristu wakati asvika ari muPrista mukuru wezvinhu zvakanaka zvinozovuya, akapinda napatabhernakeri yakapfuvura pakukura napakukwana, isina kuitwa namavoko, ndiko kuti isati iri yokusikwa kuno, 12 haana kupinda neropa rembudzi kana remhuru, asi neropa rake chairo, kamwe, akatiwanira rudzikinuro rusingaperi. 13 Nokuti kana ropa rembudzi nerenzombe namadota etsiru, kana zvisaswa pamusoro pavakasvibiswa, zvichivaita vatsvene, kuti vanatswe panyama, 14 zvikuru sei ropa raKristu, iye wakazviita noMweya usingaperi chibayiro kunaMwari, chisina chachingapomerwa, richanatsa hana dzedu pamabasa akafa, kuti tishumire Mwari mupenyu. 15 Nemhaka iyo, iye ndiMurevereri wesungano itsva kuti, rufu zvarwakasvika kuzodzikinura avo vakadarika pasungano yokutanga.
VAHEBHERU. 9:16-17 Nokuti apo pane testament, panofanira kuvapo vo rufu rwaiye wakaiita. 17 Nokuti testament inesimba kana vanhu vafa; nokuti haitongovi nesimba kana wakaiita achiri mupenyu.
VAHEBHERU. 9:22-28 Zvirokwazvo tingati pamurairo zvinhu zvinenge zvose zvinonatswa neropa; vuye kana kusineropa rinotevurwa, hakunekanganwiro. 23 Naizvozvo mifananidzo yezvivi kudenga yaifanira kuti inatswe nezvibayiro izvi, asi zvinhu zvokudenga zvimene kuti zvinatswe nezvibayiro zvinopfuvura izvi nokunaka. 24 Nokuti Kristu haana kupinda panzvimbo tsvene yakaitwa namavoko, inofananidza iyo iri chaiyo, asi wakapinda kudenga kumene, kuti zvino azviise pamberi paMwari nokuda kwedu; 25 vuye haana kupinda kuti azviite chibayiro kazhinji, somuPrista mukuru unopinda panzvimbo tsvene gore rimwe nerimwe, akabata ropa rezvimwe zvinhu; 26 nokuti dai zvakanga zvakadaro, ungadai aitambura kazhinji kubva pakuvambwa kwenyika; asi zvino wakavonekwa kamwe chete pakupedzisira kwenguva, kuti aparadze zvivi, nokuzviita chibairo kwake. 27 Vuye vanhu zvavakatemerwa kuti vafe kamwe chete, kutongeswa kugotevera, 28 saizvozvo Kristu, wakaitwa chibayiro kamwe chete, kuti atakure zvivi zvavanhu vazhinji, uchazovonekwa rwechipiri, asingatakuri zvivi, naivo vanomutarira kuti avaponese.
VAHEBHERU. 10:1-4 Nokuti murairo zvaunomumvuri wezvinhu zvakanaka zvino vuya usati uri mufananidzo chaiwo wezvinhu izvozvo, haungatongogoni kukwanisa avo vanoswedera gore rimwe nerimwe naizvozvo zvibayiro zvavanoramba vachibayira Mwari, 2 dai zvakanga zvakadaro, zvingadai zvisina kupera kubayirwa here? Nokuti vanonamata, kana vakanga vanatswa kamwe chete, vangadai vasina kuzoyevudzwa zvivi zvavo. 3 Asi nezvibayiro izvozvo vanoyevudzirwa zvivi gore rimwe nerimwe. 4 Nokuti ropa renzombe nerembudzi haritongogoni kubvisa zvivi.
VAHEBHERU. 10:5-18 Saka pakusvika kwake panyika, unoti: Chibayiro nechipo makazviramba. Asi makandigadzirira muviri, 6 hamuna kuda zvibayiro zvinopiswa, nezvibayiro zvezvivi; 7 Zvino ndikati: Tarirai, ndavuya, (Murungwaro makanyorwa pamusoro pangu) kuti ndiite kuda kwenyu, imi Mwari. 8 Zvaanoti pakutanga: Zvibayiro nezvipo, nezvibayiro zvinopiswa, nezvibayiro zvezvivi hamuna kuzvida, hamuna kufadzwa nazvo) zviri izvo zvinobayirwa Mwari sezvinoreva murairo). 9 Ndokuzoti: Tarirai, ndinovuya kuzoita kuda kwenyu imi Mwari. Unobvisa chokutanga kuti amise chechipiri. 10 Nokuda ikoku takaitwa vatsvene nechibayiro chomuviri waJesu Kristu, chakabayirwa kamwe. 11 Muprista mumwe nomumwe unomira zuva rimwe nerimwe achishumira, nokubayira kazhinji zvibayiro izvozvo zvisingagoni kubvisa zvivi, 12 asi murume uyu wakati abayira chibayiro kamwe chete pamusoro pezvivi, akagara nokusingaperi kurudyi rwaMwari; 13 kubva zvino achimirira kusvikira vavengi vake vaitwa chitsiko chetsoka dzake. 14 Nokuti nechibayiro chimwe chete wakakwanisa nokusingaperi avo vanoitwa vatsvene. 15 NoMweya Mutsvene unotipupurira vo; nokuti wakatanga, achiti: 16 iyi ndiyo sungano yandichaita navo Shure kwamazuva iwayo, ndizvo zvinotaura Ishe; Ndichaisa mirairo yangu pamoyo yavo. Nokuinyora pakufunga kwavo; Nokuzoti: 17 Zvivi zvavo nokudarika kwavo handichatongozvirangariri. 18 Zvino, kana zvinhu izvi zvakanganwirwa, zvivi hazvichabayirwi.
VAHEBHERU. 10:19-22 Naizvozvo, hama dzangu, zvatingatsunga kupinda panzvimbo tsvene neropa raJesu. 20 nenzira itsva mhenyu yaakativambira iye nokupinda kwake pachidzitiro chetembere, ndiyo nyama yake; 21 vuye zvatinomuPrista mukuru paimba yaMwari, 22 ngatiswedere nomoyo wazvokwadi, nokutenda kwakasimba, moyo yedu yasaswa nemuviri yedu yakashambidzwa nemvura yakanaka.
JAKOBHO. 2:10 Nokuti munhu unochengeta murairo wose, akagumburwa kunechinhu chimwe chete, wava nemhosva kunezvose.
Friday, April 17, 2015
HAKUNA MUNHU AKAONA MWARI
EKISODHO. 33:20 Akatiwo, Haungaoni chiso changu, nokuti hakuna munhu angandiona, akazorarama.
JOHANI. 1:18 Hakunamunhu wakatongovona Mwari; chero nguva ipi; mwanakomana wakaberekwa mumwe woga, ari pachifuva chaBaba, nduye wakamuzivisa isu.
JOHANI. 6:46 Handirevi kuti kuno munhu wakavona Baba; asi uyo uri waMwari, ndiye wakavona Baba.
VAROMA. 1:20 Nokuti kubvira pakusikwa kwenyika, izvo zvake zvisingavonekwi, iro simba rake risingaperi novuMwari bwake, zvinovonekwa kwazvo, zvichizikanwa pazvinhu zvakaitwa, kuti varege kuva nepembedzo.
VAKOROSE. 1:15 Ndiye mufananidzo waMwari usingavonekwi, dangwe rezvisikwa zvose.
1 TIMOTI. 1:17 Zvino iye Ishe usingaperi, usingafi, usingavonekwi, Mwari woga, wakachenjera ngaave nokukudzwa nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni.
1 TIMOTI. 6:15-16 Kwaachazoratidza panguva dzake, iye oga wakaropafadzwa noWamasimbaose, Mambo wamadzimambo, Ishe wamadzishe; 16 iye oga usingafi, ugere pachiedza chisingagoni kuti munhu aswedere kwachiri; usina kumbovonekwa nomunhu, vuye usingagoni kuvonekwa; kukudzwa nesimba risingaperi ngazvive kwaari. Ameni.
1 JOHANI. 4:12 Hakuna munhu wakambovona Mwari; kana tichidana, Mwari unogara matiri, norudo rwake runokwaniswa matiri.
SHOKO RAZVOKWADI
MATEO. 10:34-39 Musafunga kuti ndakavuya kuisa Rugare panyika, handina kuvuya kuisa Rugare asi munondo. 35 Nokuti ndakavuya kupesanisa munhu nababa vake, nomwanasikana namai vake nomukadzi womwana navamwene vake, 36 navavengi vomunhu vachava vemba yake. 37 Unoda baba kana mai kupfuvureni, haana kufanireni nounoda mwanakomana nomwanasikana kupfuvureni haanakufanireni. 38 Usingatori muchinjikwa wake akanditevera haana kufanireni. 39 Unowana vupenyu bwake ucharashikirwa nahwo asi unorashikirwa novupenyu hwake nokuda kwangu uchahwuwana.
2 VAKORINDE. 10:3-5 Nokuti, kunyangwe tichifamba nenzira yenyama, hatirwi nemitovo yenyama; 4 nokuti nhumbi dzedu dzokurwa nadzo hadzizi dzenyama, asi dzine simba pamberi paMwari rokuputsa nhare; 5 isu tinowisira pasi mifungo yose isina mature, nezvose zvino zvikwiridza zvichipesana neruzivo rwaMwari.
VAEFESO. 4:15 Asi tireve zvokwadi murudo, tigokura maari pazvose, iye Kristu, Musoro.
VAEFESO. 5:11 Regai kuyanana namabasa erima asine zvibereko, asi zvirinani kuti muraire.
VAEFESO. 6:10-13 Pakupedzisira hama dzangu, ivai nesimba munaShe, nomusimba rake guru. 11 Shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, mugone kumira muchirwa namano aDhiabhorosi. 12 Nokuti hatirwi nenyama neropa asi navabati, navanesimba, namadzishe enyika erima rino, nemweya yakaipa yedenga. 13 Saka torai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, kuti mugone kudzivisa pazuva rakaipa, nokuramba mumire mapedza zvose.
VAFIRIPI. 1:27-28 Asi fambai bedzi zvakafanira Evhangeri yaKristu; kuti kunyange ndikavuya ndikakuvonai, kunyange ndisipo, ndinzwe pamusoro penyu kuti mumire nesimba nomweya mumwe, nomoyo mumwe, muchirwa kutenda kweEvhangeri; 28 musingatyiswi pachinhu chimwe navanorwa nemi. Ndizvo zvichava chiratidzo chokuparadzwa kwavari, asi kwamuri chokuponeswa; chinhu ichi chinobva kunaMwari.
2 TIMOTI. 2:15 Shingaira kuti uzviratidze pamberi paMwari uri munhu wakatendeka, mubati usingafaniri hake kunyadziswa, unonatsa kururamisa shoko razvokwadi.
2 TIMOTI. 2:24-26 Zvino muranda waShe haafaniri kukakavara, asi ave Munyoro kuvanhu vose, unoziva kudzidzisa, unotsungirira pakuitirwa zvakaipa, 25 unodzidzisa novunyoro avo vanomudzivisa, kuti zvimwe Mwari avape kutendevuka vagoziva zvokwadi, 26 vapengenuke zve, vabve pamusungo waDhiabhorosi, wavakanga vakabatwa naye kuti vaite kuda kwake.
2 TIMOTI. 3:16-17 Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari, runobatsira pakudzidzisa, nokuraira, nokururamisa, nokuranga kuri mukururama, 17 kuti munhu waMwari akwane, agadzirire kwazvo mabasa ose akanaka.
2 TIMOTI. 4:2 Paridza shoko; ramba uchidaro nenguva yakafanira, kunyange isakafanira; raira, tuka, ranga nomoyo murefu zvukuru nokudzidzisa.
TITO. 1:9 Unobatisisa shoko razvokwadi, sezvarinodzidziswa, kuti agone kuraira nedzidziso yakarurama, nokukunda vanokakavara.
VAHEBHERU. 4:12-14 Nokuti shoko raMwari ibenyu, rinesimba, rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kusvikira panoparadzana moyo nomweya, namafundo nomongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomoyo. 13 Hakuna chisikwa chisingavonekwi naye, asi zvinhu zvose zvakafukurwa nokuzarurwa pameso iye watinofanira kuzvidavirira kwaari. 14 Naizvozvo, zvatinomuPrista mukuru kwazvo, wakapinda napakati pokudenga, iye Jesu, Mwanakomana waMwari, ngatibatisise kupupura kwedu.
1 PETRO. 3:15-16 Asi itai Ishe Mwari mutsvene mumoyo menyu ave Ishe; mugare makazvigadzira kupindura mumwe nomumwe unokubvunzai pamusoro petariro iri mukati menyu, asi muchiita novunyoro nokutya; 16 ivai nehana yakanaka, kuti pavanokucherai, ivo vanomhura mufambire wenyu wakanaka munaKristu, vanyadziswe.
JUDHA. 1:3 Ngoni, norugare, norudo ngazviwanzwe kwamuri.
JUDHA. 1:22-23 Ivai nengoni navamwe vanenyunyuto, 23 muvaponese muchivabvuta pamoto; vamwe muvaponese nokutya, muchivenga kunyange nenguvo yakasvibiswa nenyama.
Thursday, April 16, 2015
NYASHA DZA ISHE JESU KRISTU
JOHANI. 1:17 Nokuti murairo wakapiwa naMoses, asi nyasha nezvokwadi zvakavuya naJesu Kristu.
MABASA AVAPOSTORI. 15:11 Asi tinotenda kuti isu tichaponeswa nenyasha dzaShe Jesu Kristu nomutovo mumwe navo.
MABASA AVAPOSTORI. 20:24 Asi hakuna chimwe chezvinhu izvi chinondidzosera shure uye handiverengi kuti upenyu hwangu hunokosha kwandiri kuti ndipedze rwendo rwangu nomufaro nebasa randakagamuchira kuna Ishe Jesu rokupupura kwazvo Evhangeri yenyasha dzaMwari.
VAROMA. 3:23-25 Nokuti vose vakatadza vakasasvika pakubwinya kwaMwari. 24 Vanongoruramiswa nenyasha dzake nokudzikinurwa kuri munaKristu Jesu. 25 Iye wakagadzwa naMwari, kuti ave muyananiso nokutenda muropa rake, kuti kururama kwake kuratidzwe, nokuti zvivi zvakaitwa kare zvakaregerwa, Mwari achivaita moyo murefu.
VAROMA. 4:4-5 Zvino kunounobate-basa, mubairo hainzi ndowenyasha, asi ndowengava. 5 Kunousingabati, asi unotenda kunaiye unoruramisa munhu usingadi Mwari, kutenda kwake kunonzi kwaari ndiko kururama.
VAROMA. 5:2 Watakawana naye mapindire nokutenda munyasha idzi, dzatinomira madziri; ngatifare netariro yokuvona kubwinya kwaMwari.
VAROMA. 5:15-21 Asi chipo chokungopiwa hachifanani nokudarika. Nokuti kana vazhinji vakafa nokudarika kwomumwe, zvikuru nyasha dzaMwari nechipo chakavuya nenyasha dzomunhu mumwe, Jesus Kristu, zvakawandira vazhinji. 16 Vuye chipo hachifanani nezvivi zvomunhu mumwe wakatadza; nokuti kutonga kwakavuya nomunhu mumwe kuti vapiwe mhosva; asi chipo chokungopiwa chakavuya nokudarika kuzhinji, kuti varuramisirwe. 17 Nokuti kana nokudarika kwomunhu rufu rwakabata vushe nomunhu uyu mumwe; zvikuru avo, vakapiwa kuwanda kwenyasha nokwechipo chokururama, vachabata vushe pavupenyu nomumwe, iye Jesu Kristu. 18 Naizvozvo, kutonga sezvakwakavuya kuvanhu vose nokudarika kumwe, kuti vapiwe mhosva; saizvozvo nokururama kumwe chipo chokungopiwa chavuya kuvanhu vose, kururamisirwa kwovupenyu kukavapo. 19 Nokuti vazhinji sezvavakaitwa vatadzi nokusateerera kwomumwe, saizvozvo vazhinji vachaitwa vakarurama nokuterera kwomumwe. 20 Murairo wakapinda vo kuti kudarika kuwande; zvino zvivi pazvakawanda, nyasha dzakawanda nokupfuvurisa; 21 kuti zvivi sezvazvakabata vushe parufu, saizvozvo nyasha dzibate vushe nokururama, zviise kuvupenyu bwusingaperi naJesu Krisu Ishe wedu.
VAROMA. 6:14 Nokuti zvivi hazvingavi nesimba pamusoro penyu; nokuti hamuzi pasi pomurairo asi pasi penyasha.
VAROMA. 6:23 Nokuti mubairo wezvivi ndirwo rufu; asi chipo chokungopiwa chaMwari ndibwo vupenyu bwusingaperi munaKristu Jesu, Ishe wedu.
VAROMA. 11:6 Zvino kana kusanangura kuri kwenyasha, hakuzati kuchiri kwamabasa; kana zvisakadaro, nyasha hadzichiri nyasha. Asi kana kuri kwamabasa hakuzati kuchiri kwenyasha. Kana zvisakadaro basa harizati richiribasa.
2 VAKORINDE. 12:9-10 Iye akati kwandiri; Nyasha dzangu dzinokuringana; nokuti simba rangu rinozadziswa pavutera bwako. Naizvozvo zvirinani kuti ndizvirumbidze nomufaro mukuru novutera bwangu, kuti simba raKristu rigare pamusoro pangu. 10 Naizvozvo ndinofara novutera, nokuzvidzwa, nokushaiwa, nokutambudzika, nenhamo nokuda kwaKristu; nokuti kana ndivutera, ipapo ndinesimba.
VAGARATIA. 2:21 Handikonesi nyasha dzaMwari nokuti kana kururamiswa kuchibva kumurairo, Kristu wakafa pasina.
VAGATIA. 5:4 Makaparadzaniswa naKristu, iyemi munoda kururamiswa nomurairo; mabudiswa panyasha.
VAEFESO. 1:7 Uyo watine dzikinuro maari neropa rake, iko kukanganwirwa kwokudarika kwedu, nokuwanda kwenyasha dzake.
VAEFESO. 2:1-9 Wakakuraramisai imi, makanga makafa mukudarika kwenyu nomuzvivi zvenyu, 2 izvo zvamaifamba mukati mazvo kare, netsika dzenyika ino, nenzira dzomuchinda wesimba redenga, dzomweya unobata zvino muvana vokusaterera; 3 vataifamba tose pakati pavo kare, muckuchiva kwenyama yedu, tichiita kuda kwenyama nokwokufunga kwedu, napakuzvarwa kwedu isu navamwe vose taiva vana vokutsamwirwa. 4 Zvino Mwari unenyasha zhnji, nokuda kworudo rwake rukuru, rwaakatida narwo. 5 kunyange takanga takafa mukudarika kwedu, wakatiraramisa pamwe chete naKristu (makaponeswa nenyasha; 6 akatimutsa pamwe naye, akatigarisa kudenga pamwe chete naye, munaKristu Jesu; 7 kuti nenguva dzinovuya aratidze fuma huru huru yenyasha dzake pavunyoro bwake kwatiri munaKristu Jesu; 8 nokuti makaponeswa nenyasha, nokutenda; izvo zvisingabvi kwamuri, asi chipo chaMwari; 9 hazvibvi pamabasa, kuti kurege kuva nomunhu unozvikudza.
VAEFESO. 4:7 Asi mumwe nomumwe wedu wakapiwa nyasha nechiyero chechipo chaKristu.
2 TIMOTI. 1:8-10 Naizvozvo usanyadziswa nokupupura Ishe wedu, kana ini, musungwa wake, asi utambudzike pamwe chete neni nokuda kweEvhangeri nesimba raMwari, 9 wakatiponesa, akatidana nokudana kutsvene, zvisingabvi pamabasa edu, asi nokufunga kwake, nenyasha dzaakatiitira munaKristu Jesu nguva dzisati dzavapo, 10 asi kwakaratidzwa zvino nokuvonekwa kwoMuponesi wedu, Kristu Jesu, iye wakaparadza rufu, akabudisa pachena vupenyu nokusavora nenzira yeEvhangeri.
TITO. 3:4-7 Asi vunyoro bwaMwari, Muponesi wedu, norudo rwake kuvanhu, zvakati zvavonekwa, 5 wakatiponesa, asingazviiti nokuda kwamabasa akarurama, atakanga taita isu, asi nokuda kwenyasha dzake, nenzira yokushambidzwa kwokuberekwa kutsva nokuvandudzwa noMweya Mutsvene, 6 waakadurura achiwanza pamusoro pedu, naJesu Kristu Muponesi wedu, 7 kuti isu, taruramiswa nenyasha dzake, tiitwe vadyi venhaka nokuda kwetariro yovupenyu bwusingaperi.
VAHEBHERU. 4:16 Naizvozvo, ngatiswederei tisingatyi kuchigaro chovushe chenyasha, kuti tinzwe ngoni, tiwane nyasha, tibatsirwe nenguva yakafanira.
Wednesday, April 15, 2015
MWARI AAZI MUNHU
NUMERI. 23:19 Mwari haazi munhu. Haangarevi nhema; Kunyange Mwanakomana womunhu Haangashanduki; Chaakataura, haangachiiti kanhi? Chaakataura haangachisimbisi kanhi?
JOBHO. 42:2 Ndinoziva kuti imi munogona kuita zvose, Uye kuti hakuna chamunovavarira chingadziviswa.
MAPISAREMA. 102:26-27 Zvichaparara izvo, asi imi muchagara muripo; Zvirokwazvo, izvozvo zvose zvichasakara senguvo; Muchazvishandura sechisimiro, zvikashanduka; 27 Asi imi hamushanduki, Makore enyu haangavi nomugumo.
MAPISAREMA. 139:1-6 Jehovha, imi makandinzvera, nokundiziva. 2 Munoziva kugara kwangu pasi nokusimuka kwangu, Munonzwisisa kufunga kwangu muri kure. 3 Munocherekedza kufamba kwangu nokuvata kwangu pasi, Munoziva nzira dzangu dzose. 4 Nokuti shoko risati ravapo parurimi rwangu, Tarirai, imi Jehovha, matoriziva rose. 5 Makandikomberedza shure kwangu nemberi, Nokuisa ruoko rwenyu pamusoro pangu. 6 Kuziva kwakadai kunondishamisa kwazvo; Zviri kumusoro, handigoni kusvikira kwazviri.
ISAYA. 43:10 Zvanzi naJehovha, zvapupu zvangu, nomuranda wangu, wandakasanangura, kuti muzive, mugonditenda, munzwisise kuti ndini iye; hakuna mumwe mwari wakanditangira pakuumbwa, shure kwangu hakungazovipo mumwe.
ISAYA. 44:6-8 Zvanzi naJehovha, Mwari wavaIsraeri, noMudzikinuri wavo, Jehovha wehondo, ndini wokutanga nowokupedzisira; kunze kwangu hakuna Mwari. 7 Ndianiko angadana seni nokuzviparidza, nokuzvigadzirira izvo, kubva panguva yandakagadza vanhu vakarekare? Zvinhu zvinouya, nezvinozoitika, ngavazviparidze izvo. 8 Musatya henyu, musavhunduka; handina kukuparidzirai izvozvo kare, nokukuratidzai here? Imi muri zvapupu zvangu. Kunomumwe Mwari kunze kwangu here? Zvirokwazvo, hakuna rimwe dombo, ini handirizivi.
ISAYA. 45:21-22 Paridzai, muzvibudise; zvirokwazvo, ngavarangane pamwechete, vachiti, ‘Ndiani akazviratidza izvi kubvira panguva yekare-kare? Ndiani akazviparidza pakutanga? Handizini Jehozha here? Hakuna mumwe Mwari kunze kwangu, Mwari akarurama noMuponesi, hakuna mumwe kunze kwangu. 22 Tarirai kwandiri muponeswe imwi mativi ose enyika nokuti ndini Mwari hakuna mumwe.
JEREMIA. 23:24 Ko munhu uripo ungavanda panzvimbo dzisingazikanwi, ini ndikasamuona here? Ndizvo zvinotaura Jehovha. Ko ini handizadzi denga nenyika here? Ndizvo zvinotaura Jehovha.
MARAKI. 3:6 Nokuti ini Jehovha handishanduki, saka imi, vanakomana vaJakobho, mugere kuparadzwa.
MATEO. 19:26 Jesu ndokuvatarira, akati kwavari: kuvanhu izvi hazvibviri, asi kuna Mwari zvose zvinobvira.
RUKA. 24:39 Tarirai zvanza zvangu netsoka dzangu, kuti ndini ndimene. Ndibatei, muvone, nokuti mweya haunenyama namapfupa, sezvamunondivona ndinazvo ini.
JAOHANI. 1:3 Zvinhu zvose zvakaitwa naye; kunze kwake hakuna kuitwa kunyange chinhu chimwe chakaitwa.
JOHANI. 4:24. Mwari ndiMweya; vanomunamata, vanofanira kumunamata mumweya nezvokwadi.
VAROMA. 1:22-23 Vachiti, takachenjera, vakava mapenzi; 23 vakashandura kubwinya kwaMwari usingafi, vakakuita mufananidzo wakafanana nomunhu unofa, neshiri, nemhuka dzinamakumbo mana, nezvinokambaira.
1 VAKORINDE. 8:6 Asi isu tinongova naMwari mumwe bedzi, ndivo Baba; zvinhu zvose zvinobva kwaari, nesu tiripo nokuda kwake; vuye Ishe mumwe, Jesu Kristu; zvinhu zvose zviripo naye, nesu tiripo naye.
VAFIRIPI. 2:6-7 Iye, kunyange akanga akafanana naMwari, haana kuti kuenzana naMwari ndechinhu chinofanira kubatisiswa; 7 asi wakazviita usina mature, akazvitorera chimiro chomuranda, akaitwa nomufananidzo womunhu.
VAKOROSE. 1:15 Ndiye mufananidzo waMwari usingavonekwi, dangwe rezvisikwa zvose.
VAKOROSE. 1:16 Nokuti maari zvinhu zvose zvakasikwa, zviri kudenga napanyika, zvinovonekwa nezvisingavonekwi, kana zviri zvigaro zvovushe kana vushe, kana vabati, kana masimba; zvinhu zvose zvakasikwa naye, zviripo nokuda kwake.
VAHEBHERU. 1:2-3 Zvino pakupedzisira kwamazuva ano wakataura kwatiri muMwanakomana wake, waakaita mudyi wenhaka yezvinhu zvose, waakaita vo naye nyika; 3 iye chadzera chokubwinya kwake, nomufananidzo wake chaiye, unotakura zvinhu zvose neshoko resimba rake, wakati anatsa zvivi zvedu iye pachake, akagara kurudyi rwoVumambo kudenga.
VAHEBHERU. 1:10-12 Vuye, imi, Ishe, makateya nheyo dzenyika pakutanga, Nedenga ndiro basa ramavoko enyu. 11 Iro richipera, asi imi mucharamba muripo, Richasakara rose senguvo; 12 Mucharipeta sechinofukwa, Senguvo, rikashandurwa; Asi imi makangodaro, namakore enyu haangagumi.
VAHEBHERU. 13:8 Jesu Kristu unogara akadaro zuro, nanhasi, nokusingaperi.
JAKOBHO. 1:17 Zvipo zvose zvakanaka nezvipiwa zvose zvakanaka zvinobva kumusoro, zvichiburuka kunaBaba vezviedza, uyo usina kupinduka kana mumvuri wokushanduka.
Tuesday, April 14, 2015
ZVIBEREKO ZVAKANAKA
MATEO. 5:16 Saizvozvo chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu kuti vavone mabasa enyu akanaka, vakudze Baba venyu vari kudenga.
MATEO. 6:1-6 Chenjerai kuti murege kuita kururama kwenyu pamberi pavanhu, kuti muvonekwe navo. Kana madaro hamuna mubairo kuna Baba venyu vari kudenga. 2 Zvino kana uchipa varombo zvipo, rega kuridza hwamanda pamberi pako sezvinoita vanyengeri mumasinagoge nomunzira dzomumusha kuti vakudzwe navanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri vapiwa mubairo wavo. 3 Asi iwe kana uchipa zvipo, ruvoko rwako rworuboshwe ngarurege kuziva chinoitwa norudyi rwako. 4 Kuti kupa kwakwo kuve pakavanda. Ipapo Baba vako vanovona pakavanda vachakupa mubairo, panovonekwa navose. 5 Kana muchinyengetera, musava savanyengeri nokuti vanofarira kunyengetera vamire mumasinagoge napamharadzano dzenzira dzomumusha kuti vavonekwe navanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri vapiwa mubairo wavo. 6 Asi iwe kana uchinyengetera, pinda muimba yako yomukati. Kana wazarira mukova wako, unyengetere kuna Baba vako vari pakavanda. Zvino Baba vako vanovona pakavanda vachakupa mubairo panovonekwa navose.
MATEO. 7:15-20 Chenjerai vaporofita venhema. Vanovuya kwamuri vanenguvo dzamakwai asi mukati ari mapere anoparadza. 16 Muchavaziva nezvibereko zvavo. Mazambiringa anombotanhwa paminzwa here, kana mavonde parukato? 17 Saizvozvo muti mumwe nomumwe wakanaka unobereka zvibereko zvakanaka asi muti wakaipa unobereka zvibereko zvakaipa. 18 Muti wkanaka haungabereki zvibereko zvakaipa nomuti wakaipa haungabereki zvibereko zvakanaka. 19 Muti mumwe nomumwe usingabereki zvibereko zvakanaka, unotemwa ukakandirwa mumoto. 20 Saka muuchavaziva nezvibereko zvavo.
MATEO. 21:43 Naizvozvo ndinoti kwamuri: Muchatorerwa imi vushe bwaMwari, bwukapiwa vanhu vanobereka zvibereko zvabwo.
MATEO. 28:19-20 Enai naizvozvo mudzidzise marudzi ose, muvabhabhatidze muzita raBaba nero Mwanakomana neroMweya Mutsvene. 20 Muvadzidzise kuchengeta zvose zvandakakurairai imi. Tariarai ndenemi mazuva ose, kusvikira pakuguma kwenyika.
RUKA. 3:8 Dzimwe dzakawira muvhu rakanaka, dzikamera, dzikabereka zvibereko zvinezana. Akati ataura izvozvo, akadanidzira, achiti: Unenzeve dzokunzwa, ngaanzwe.
VAROMA. 7:4 Saka hama dzangu nemi vo makaitwa vakafa kumurairo nomuviri waKristu; kuti muve womumwe, iye wakamutswa pavakafa, kuti tiberekere Mwari zvibereko.
VAROMA. 12:1 Naizvozvo ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, netsitsi dzaMwari, kuti muise miviri yenyu, chive chibayiro chipenyu, chitsvene, chinofadza Mwari, ndiko kunamata kwenyu kwomoyo.
VAGARATIA. 2:20 Ndakaroverwa pamuchinjikwa pamwe chete naKristu; handichiri ini ndinorarama, asi Kristu unorarama mandiri; kurarama uku, kwandinorarama nako munyama zvino, ndinorarama nokutenda kuri muMwanakomana waMwari; wakandida akazvipa nokuda kwangu.
VAGARATIA. 5:16-25 Zvino ndinoti: Fambai noMweya, ipapo hamungati kuchiva kwenyama. 17 Nokuti nyama inochiva ichirwa noMweya, noMweya uchirwa nenyama; nokuti izvi zvinorwisana; kuti murege kuita zvamunoda. 18 Asi kana muchitungamirirwa noMweya, hamuzi pasi pomurairo. 19 Zvino mabasa enyama anovonekwa anoti: Vupombwe, netsvina, novutere. 20 nokunamata zvifananidzo, novuroyi, nokuvengana, negakava, negodo, nokutsamwa, nokupesana, nokuparadzana, nedzidziso dzakatsauka, 21 nokugodorana, nokuvuraya, nokubatiwa, nokutamba kwakaipa, nezvinhu zvakadai; izvo zvandinokuvudzai zvino, sezvandakambokuvudzai kare, kuti vanoita zvakadai havangadyi nhaka yovushe bwaMwari. 22 Zvino chibereko choMweya ndirwo rudo, nomufaro, norugare, nomoyo murefu, nomoyo Munyoro, nokunaka, nokutendeka. 23 novunyoro, nokuzvidzora; hakuna murairo unodzivisa zvinhu zvakadai. 24 Asi avo vari vaKristu Jesu vakaroverwa pamuchinjikwa nyama, pamwe chete nokuda kwayo, nokuchiva kwayo. 25 Kana tichirarama noMweya, ngatifambe vo noMweya.
VAEFESO. 2:10 Nokuti tiri basa rake, takasikwa kuti munaKristu Jesu tiite mabasa akanaka, akagadzirwa kare naMwari kuti tifambe maari.
VAFIRIPI. 2:13 Nokuti ndiMwari unobata mukati menyu, kuti mude vuye muite kuda kwake kwakanaka.
VAKOROSE. 1:10 Kuti mufambe sezvinofanira Ishe, muchimufadza pazvose, muchibereka zvibereko pamabasa ose akanaka, muchikura pakuziva Mwari kwazvo.
1 TIMOTI. 6:18 Kuti vaite zvakanaka, vave vafumi pamabasa akanaka, vafarire kupa vamwe, nokugovana.
TITO. 2:14 Wakazvipa nokuda kwedu, kuti atidzikinure pazvisakarurama zvose, kuti azvinatsire vanhu vave vake chaivo, vanhu vanoshingairira mabasa akanaka.
TITO. 3:8, 14 Ishoko razvokwadi, vuye ndinoda kuti usimbise kwazvo zvinhu izvi, zvokuti avo vakatenda Mwari vachenjere kuti varambe vachiita mabasa akanaka. Ndizvo zvakanaka, zvinobatsira vanhu. 14 Vanhu vedu ngavadzidze vo kuramba vachiita mabasa akanaka, kuti vabatsire panoshaikwa zvinofanira kuvapo, kuti varege kuva vanhu vasinezvibereko.
VAHEBHERU. 10:24 Ngatirangarirane, timutsane moyo kuti tive murudo namabasa akanaka.
JAKOBHO. 2:14 Zvinobatsirei hama dzangu, kana munhu achiti; ndinokutenda, asi asinamabasa? Ko kutenda uku kungamuponesa here?
JAKOBHO. 3:17 Asi kuchenjera, kunobva kumusoro, zvikuru kwakachena, vuye kunorugare, kunyoro, kunoterera, kuzere nengoni nezvibereko zvakanaka, kusingatsauri kusinganyengeri.
SHOKO RAMWARI
MAPISAREMA. 119:105 Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, nechiedza panzira yangu.
ISAYA. 55:10-11 Nokuti mvura nechando sezvazvinoburuka zvichibva kudenga, zvisingazodzokeriko, asi zvinodiridza nyika, zvichiiberekesa nokutungisa maruva, ichipa mudzvari mbewu, nomudyi zvokudya, 11 ndizvo zvichaita shoko rangu rinobuda mumuromo mangu; haringadzokeri kwandiri risina, asi richaita zvandinoda, richiendaka pane zvandakaritumira.
MATEO. 24:35 Denga nenyika zvichapfuvura asi mashoko angu haangatongopfuvuri.
MAKO. 13:31 Denga nenyika zvichapfuvura, asi mashoko angu haangatongopfuvuri.
RUKA. 21:33 Denga nenyika zvichapfuvura, asi mashoko angu haangatongopfuvuri.
JOHANI. 8:31-32 Zvino Jesu wakati kuvaJudha avo, vakanga vamutenda: Kana imi muchigara mushoko rangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo, 32 Muchaziva zvokwadi, nezvokwadi ichakusunungurai.
MABASA AVAPOSTORI. 17:11 Ava vakanga vachinzwisisa kukunda veTesaronika, vakagamuchira shoko nomwoyo wose, vachinzvera Mangwaro zuva rimwe nerimwe, kana zvinhu izvozvo zviri izvo.
VAROMA. 10:17 Naizvozvo kutenda kunovuya nokunzwa, nokunzwa kunovuya neshoko raMwari.
2 TIMOTI. 3:14-17 Asi iwe, rambira panezvawakadzidza zvikasimbiswa kwauri, uzive kuti wakazvidzidza kunani, 15 kuti kubvira pavucheche bwako wakaziva Manyoro Matsvene anogona kukupa vuchenjeri bwunoisa kuponeswa nokutenda kuri munaKristu Jesu. 16 Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari, runobatsira pakudzidzisa, nokuraira, nokururamisa, nokuranga kuri mukururama, 17 kuti munhu waMwari akwane, agadzirirwe kwazvo mabasa ose akanaka.
VAHEBHERU. 4:12-14 Nokuti shoko raMwari ibenyu, rinesimba, rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kusvikira panoparadzana moyo nomweya, namafundo nomongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomoyo. 13 Hakuna chisikwa chisingavonekwi naye, asi zvinhu zvose zvakafukurwa nokuzarurwa pameso iye watinofanira kuzvidavirira kwaari. 14 Naizvozvo, zvatinomuPrista mukuru kwazvo, wakapinda napakati pokudenga, iye Jesu, Mwanakomana waMwari, ngatibatisise kupupura kwedu.
2 PETRO. 1:19 Vuye tineshoko rovuporofita rakasimba kwazvo, ramunoita zvakanaka kana muchiriterera, rakaita somwenje unovhenekera munerima, kusvikira vutonga bwuchitsuka, nenyamasase ichibudira moyo yenyu.
2 PETRO. 3:15-16 Muchiti, moyo murefu waShe wedu ruponeso; saPauro, hama yedu inodikanwa, akakunyorerai vo nokuchenjera kwaakapiwa; 16 sezvaanotaura mumwadhi dzake dzose pamusoro pezvinhu izvi; madziri munezvimwe zvikukutu kunzwisiswa; zvino munamiswa, samamwe magwaro vo, navasingazivi navasinesimba, kusvikira vaparadzwa.
Monday, April 13, 2015
VANAKRISTU VENHEMA
MATEO. 24:23 Zvino kana munhu akati kwamuri, tarirai Kristu uri pano kana apo, regai kutenda.
MATEO. 24:24 Nokuti vachamuka vanaKristu venhema navaprofita venhema vachiratidza zviratidzo zvikuru nezvinoshamisa kuti kana zvichibvira vatsause navasanangurwavo.
MATEO. 24:25-26 Tarira ndagara ndakuvudzai. 26 Zvino kana vakati kwamuri, tarirai uri kurenje, regai kubuda. Tarirai uri mudzimba dzomukati, regai kutenda.
MATEO. 24:27 Nokuti semheni inobva kumabvazuva ichipenyera kumavirira ndizvo zvichaita kuvuya kwoMwanakomana womunhu.
MAKO. 13:21-22 Zvino kana munhu achiti kwamuri; Tarirai Kristu uri pano, tarirai uri papo, regai kutenda. 22 Nokuti vana Kristu venhema vachamuka, navaprofita venhema vachaita zviratidzo nezvinoshamisa, kuti vatsause vakasanangurwa, kana zvichibvira.
2 VAKORINDE. 11:4 Nokuti kana mumwe achivuya unoparidza mumwe Jesu, watisina kumboparidza isu, kana zvimwe muchigamuchira mumwe mweya, wamusina kumbogamuchira kana imwe Evhangeri, yamusinakumbogamuchira, kana imwe Evhangeri, yamusina kumbotenda, zvino nomuitira moyo murefu kwazvo.
SHOKO RENHEMA
2 VAKORINDE. 11:4 Nokuti kana mumwe achivuya unoparidza mumwe Jesu, watisina kumboparidza isu, kana zvimwe muchigamuchira mumwe mweya, wamusina kumbogamuchira kana imwe Evhangeri, yamusinakumbogamuchira, kana imwe Evhangeri, yamusina kumbotenda, zvino momuitira moyo murefu kwazvo.
2 VAKORINDE. 11: 14 Naizvozvo hazvishamisi; nokuti kunyange naSatani vo unozvishandura, achizviita somutumwa wechiedza.
VAGARATIA. 1:6-9 Ndinoshamiswa kuti munokurumidza mukadai kushandukira uyo wakakudanai munyasha dzaKristu, kuti mutaukire kune imwe evhangeri; 7 isati, iri imwe hayo; asi kuti vamwe varipo vanokukanganisai, vachida kushandura Evhangeri yaKristu. 8 Asi kunyange isu, kana mutumwa unobva kudenga, akakuparidzirai imwe Evhangeri, inopesana neyatinokuparidzirai isu, ngaave wakatukwa. 9 Sezvatakamboreva, zvino ndinoreva zve saizvozvo; Kana kunomunhu unokuparidzirai imwe Evhangeri, inopesana naiyo yamakagamuchira, ngaave wakatukwa.
VAEFESO. 5:11-12 Regai kuyanana nerima asine zviberako, asi zvirinani kuti muraire; 12 nokuti izvo, zvinoita navo pakavanda zvinonyadza kana zvichirebwa.
2 VATESORONIKA, 2:9-12 Kuvuya kwake iye kwakaita sebasa raSatani nesimba rose rezviratidzo, nezvinoshamisa zvenhema, 10 nokunyengera kwose kwokusarurama kuna vanoparara; nokuti Havana kugamuchira rudo rwezvokwadi, kuti vaponeswe. 11 Saka Mwari unovatumira simba rokukanganisa, kuti vatende nhema, 12 kuti vose vasina kutenda zvokwadi, asi vakafanira zvisakarurama, vatongwe.
2 PETRO. 1:16-17 Nokuti hatina kutevera ngano dzokufungwa nenjere, nguva yatakakuzivisai simba nokuvuya kwaShe wedu Jesu Kristu, asi takanga tiri vanhu vakavona vumambo bwake. 17 Nokuti iye wakapiwa kukudzwa nokubwinya naMwari, Baba, panguva iya, yakavuya inzwi rakadai kwaari, richiti: Uyu ndiye Mwanakomana wangu unodikanwa, wandinofarira.
VAPROFITA VENHEMA
DHUTERONOMI. 13:1-5 Zvino kana muprofita kana muroti akamuka pakati pako, akakuratidza chiratidzo kana chinoshamisa, 2 icho chiratidzo kana chinoshamisa chikaitika, chaakataura kwauri, achiti, ‘Ngatitevere vamwe vamwari, vawakanga usingazivi, tivashumire,’ 3 usateerera mashoko omuporofita uyo kana muroti uyo, nokuti Jehovha Mwari wenyu unokuidzai, kuti azive kana muchida Jehovha Mwari wenyu nomoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose. 4 Munofanira kutevera Johovha Mwari wenyu nokumutya, nokuchengeta mirairo yake, nokuteerera inzwi rake, nokumushumira, nokumunamatira. 5 Asi muporofita uyo kana muroti uyo vanofanira kuurawa; nokuti wakataura mashoko anomukira Jehovha Mwari wenyu, iye wakakubudisai panyika yeIjipiti, nokukudzikunurai muimba youranda, akakutsausa panzira yawakarairwa naJohovha Mwari wako, kuti ufambemo. Naizvozvo unofanira kubvisa zvakaipa pakati pako.
DHUTORONOMI. 18:20-22 Asi muporofita unotaura shoko muzita rangu achizvikudza, riri shoko randisina kumuraira kuti aritaure, kana zvimwe unotaura muzita ravamwe vamwari, muporofita uyo anofanira kufa. 21 Zvino kana iwe ukati mumoyo mako, ‘Ko tichaziva Seiko shoko risina kutaurwa naJehovha?’ 22 Kana muporofita aching ataura muzita raJehovha, chinhu icho chikasaitika, chikasavapo, ndicho chinhu chisina kutaurwa naJehovha; muporofita wakaritaura achizvikudza, haufaniri kumutya.
MATEO. 7:15-20 Chenjerai vaporofita venhema. Vachavuya kwamuri vanenguvo dzamakwai asi mukati mapere anoparadza. 16 Muchavaziva nezvibereko zvavo. Mazambiringa anombotanhwa paminzwa here, kana mavonde parukato? 17 Saizvozvo muti mumwe nomumwe wakanaka unobereka zvibereko zvakanaka asi muti wakaipa unobereka zvibereko zvakaipa. 18 Muti wkanaka haungabereki zvibereko zvakaipa nomuti wakaipa haangabereki zvibereko zvakanaka. 19 Muti mumwe nomumwe usingabereki zvibereko zvakanaka, unotemwa ukakandirwa mumoto. 20 Saka muuchavaziva nezvibereko zvavo.
METEO. 24:11 Vaporofita vazhinji venhema vachamuka vachitsausa vazhinhi.
MATEO. 24:24 Nokuti vachamuka vanaKristu venhema navaporofita venhema vachiratidza zviratidzo zvikuru nezvinoshamisa kuti kana zvichibvira vatsause navasanagurwavo.
RUKA. 6:26 Munenhamo imwi kana vanhu vose vachitaura zvakanaka pamusoro penyu, nokuti madzibaba avo akaitira vaporofita venhema zvakadaro.
RUKA. 21:8-9 Akati: Chenjerai, kuti murge kutsauswa; nokuti vazhinji vachavuya nezita rangu, vachiti: Ndini Kristu; nguva yaswedra Musavatevera. 9 Kana muchinzwa zvokurwa, nenyonganiso, musavhunduka henyu, nokuti izvozvi zvinofanira kumboitwa; asi kuguma hakusviki pakarepo.
MABASA AVAPOSTORI. 13:6-12 Vakati vagura chiwi chose kusvikira paPafosi, vakawana imwe n’anga, waiva muporofita wenhema, muJudha, zita rake rainzi Bari-Jesu. 7 Waigara pamubati wenyika, wainzi Sergio Pauro, munhu wakachenjera. Iye ndokudana Bhanabhasi naSauro, achitsvaka kunzwa shoko raMwari. 8 Asi n’anga iyo Erimasi (nokuti ndiro zita rake, kana richishandurwa), akavadzivisa, achitsausa mubati pakutenda. 9 Asi Sauro (ndiye Pauri vo), azere noMweya Mutsvene, akamutarisisa, akati: 10 Iwe, uzere nokunyengera kwose namano akaipa ose, mwanakomana waDhiabhorosi, muvengi wokururama kwose, hauregi here kutsausa nzira dzakarurama dzaShe? 11 Zvino, tarira, ruvoko rwaShe ruri pamusoro pako; uchava bofu, uchaita nguva usingavoni zuva. Pakarepo mhute nerima zvikamuwira; akapota-pota, achitsvaka vangamusesedza noruvoko. 12 Zvino mubati wakati achivona zvaitika, akatenda akashamiswa nedzidziso yaShe.
VAKOROSE. 2:16-23 Naizvozvo munhu ngaarege kuvapo unokutongai pazvokudya, kana zvokunwa, kana nokuda kwomusi womutambo, kana pakugara kwomwedzi, kana pasabata; 17 izvi mumvuri wezvichavuya; asi muviri ndowaKristu. 18 Munhu ngaarege kuvapo unokutorerai mubairo wenyu namavune, nokuzvininipisa nokunamata vatumwa, achivimba nezvaakavona, achizvikudza pasina nokufunga kwenyama. 19 asingabatisisi Musoro, uyo maari muviri wose unosanganiswa nokusunganidzwa nezvisungo namarunda, ndokukura nokukurisa kwaMwari. 20 Zino kana makafa pamwe chete naKristu kunezvokuvamba zvenyika, munozviisireiko pasi pemirairo, somugere munyika, 21 mirairo inoti: Usabata, usaravira, usagunzva, 22 (izvi zvose zvinofanira kuparadzwa kana zvobatwa nazvo); muchitevera mirairo nedzidziso dzavanhu? 23 Zvinhu zvakadai zvakaita sezvinovuchenjeri, pakunamata Mwari nokuda kwavo, nokuzvininipisa, nokutambudzika muviri; asi hazvinesimba rokukunda kuchiva kwenyama.
2 PETRO. 2:1-3 Asi kwakanga kunavaporofita venhema pakati pavanhu, sezvavachavapo pakati penyu vo vadzidzisi venhema, vachapinza pakavanda dzidziso dzakatsauka dzinoparadza, vachiramba naiye Tenzi wakavatenda, vachizviwisira kuparadzwa kunokurumidza. 2 Vazhinji vachatevera vutere bwavo; nokuda kwavo nzira yezvokwadi ichazvidzwa. 3 Pakukarira kwavo mari vachakunyengerai namashoko amano-mano; kutongwa kwavo, kwakatarwa kare, hakunonoki, nokuparadzwa kwavo kakukotsiri.
1 JOHANI. 4:1 Vadikanwa, musatenda mweya yose, asi muidze mweya, kuti muvone kana yakabva kunaMwari, nokuti vaporofita vazhinji venhema vakabudira munyika.
JUDHA. 1:4 Nokuti kuna vamwe varume vakapinda pakavanda, vakagara vaisirwa kare kutongwa uku, vanhu vasingadi Mwari vanoshandura nyasha dzaMwari wedu vachidziita vitere, vachiramba tenzi uyu mumwe chete, Ishe wedu Jesu Kristu.
Thursday, April 9, 2015
MUCHINJIKWA
MATEO. 10:38 Usingatori muchinjikwa wake akanditevera haana kufanireni.
MATEO. 16:24 Zvino Jesu akati kuvadzidzi vake, kana munhu achida kuvuya shure kwangu ngaazvirambe asimudze muchinjikwa wake anditevere.
MAKO. 8:34 Zvino wakadanira kwaari vanhu vazhinji navadzidzi vake, akati kwavari; kana munhu achida kuvuya shure kwangu, ngaazvirambe, asimudze muchinjikwa wake, anditevere.
RUKA. 9:23 Zvino wakati kuna vose; Kana munhu achida kutevera shure kwangu, ngaazvirambe, asimudze muchinjikwa wake zuva rimwe nerimwe, anditevere.
RUKA. 14:27 Aninani usingatakuri muchinjikwa wake, akavuya shure kwangu, haangavi mudzidzi wangu.
1 VAKORINDE 1:17-18 Nokuti Kristu haana kundituma kubhabhatidza, asi kuti ndiparidze Evahangeri; ndisingaiti nenjere dzamashoko, kuti muchinjikwa waKristu urege kukoneswa. 18 Nokuti shoko romuchinjikwa vupenzi kunavanoparadzwa; asi kwatiri, isu tinoponeswa, isimba raMwari.
1 VAKORINDE. 1:21-25 Nokuti pashure muvuchenjeri bwaMwari, nyika novuchenjeri bwayo haina kuziva Mwari, nokuti zvakafadza Mwari novupenzi bwokuparidza kuponesa vanotenda. 22 Nokuti vaJudha vanokumbira chiratidzo, navaGirikki vanotsvaka vuchenjeri; 23 asi isu tinoparidza Kristu, wakaroverwa pamuchinjikwa, chigumbuso kuvaJudha, novupenzi kuvahedheni; 24 asi kunavakadanwa, vaJudha navaGiriki Kristu isimba raMwari novuchenjeri hwaMwari. 25 Nokuti vupenzi bwaMwari bwakachenjera kupfuvura vanhu; novutera bwaMwari bwakasimba kupfuvura vanhu.
VAGARATIA. 2:20 Ndakaroverwa pamuchinjikwa pamwe chete naKristu; handichiri ini ndinorarama, asi Kristu unorarama mandiri; kurarama uku, kwandinorarama nako munyama zvino, ndinorarama nokutenda kuri muMwanakomana waMwari; wakandida akazvipa nokuda kwangu.
VAGARATIA. 6:14 Asi kana ndirini, ngandirege kutongozvirumbidza napaduku asi badzi mumuchinjikwa waShe wedu, Jesu Kristu, naye nyika yakaroverwa pamuchinjikwa kwandiri, neni ndakaroverwa kunyika.
VAEFESO. 2:14-16 Nokuti ndiye Rugare rwedu, iye wakaita zvinhu zviviri kuti chive chinhu chimwe, akaputsa rusvingo rwapakati rwokuparadzanisa; 15 zvaakaparadza munyama yake kuvengana, iwo murairo wezvakarairwa pazvirevo; kuti asike ava vaviri vave munhu mutsva maari, aite Rugare saizvozvo; 16 kuti mumuchinjikwa ayananise zve vose vaviri, vave muviri mumwe kunaMwari, zvaakavuraya kuvengana naiwo muchinjikwa.
VAFIRIPI. 2:8 Akati awanikwa anomufananidzo womunhu, akazvininipisa, akaterera kusvikira parufu, irwo rufu rwomuchinjikwa.
VAFIRIPI. 3:18 Nokuti vazhinji, vandakakuvudzai kazhinji, nazvino ndinokuvudzai vo nokuchema, vanofamba vari vavengi vomuchinjikwa waKristu.
VAKOROSE. 1:20 Kuti naye ayananise zvinhu zvose kwaari, ambita Rugare neropa romuchinjikwa wake; niye kunyange zviri panyika, kunyange zviri kudenga.
VAKOROSE. 2:14 Akadzima rungwaro rwkanga ruchirwa nesu pazvirevo zvarwo, ruchipesana nesu; akarubvisa irwo pakati pedu, akarurovera pamuchinjikwa.
VAHEBHERU. 19:10-14 Nokuda ikoku takaitwa vatsvene nechibayiro chomuviri waJesu Kristu, chakabayirwa kamwe. 11 MuPrisita mumwe nomumwe unomira zuva rimwe nerimwe achishumira, nokubayira kazhinji zvibayiro izvozvo zvisingagoni kubvisa zvivi; 12 asi murume uyu wakati abayira chibayiro kamwe chete pamusoro pezvivi, akagara nokusingaperi kurudyi rwaMwari; 13 kubva zvino achimirira kusvikira vavengi vake vaitwa chitsiko chetsoka dzake. 14 Nokuti nechibayiro chimwe chete wakakwanisa nokusingaperi avo vanoitwa vatsvene.
VAHEBHERU. 12:2 Tichitarira kunaJesu, muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu, iye wakatsunga pamuchinjikwa nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akaiswa pamberi pake, akashovora kunyadziswa kwawo, akandogara kurudyi rwechigaro chovushe chaMwari.
Wednesday, April 8, 2015
VANA VAMWARI
MATEO. 5:9 Vakaropafadzwa vanoyananisa nokuti vachanzi vana vaMwari.
JOHANI. 1:12 Asi vose vakamugamuchira, wakavapa simba kuti vave vana vaMwari, ivavo vanotenda kuzita rake.
VAROMA. 8:14 Nokuti vose vanotungamirirwa noMweya waMwari, ndivo vana vaMwari.
VAROMA. 8:15-17 Nokuti hamuna kupiwa mweya wovuranda kuti mutye zve, asi makapiwa mweya wokuitwa vana, watinodana nawo, tichiti: Aba, baba; 16 Mweya amene unopupurirana nomweya wedu, kuti tiri vana vaMwari; 17 zvino kana tiri vana, tiri adyi venhaka; vadyi venhaka yaMwari, vadyi venhaka pamwe chete naKristu; kana tichitambudzika pamwe chete naye, tichakudzwa vo pamwe chete naye.
VAGARATIA. 3:26 Nokuti imi mose muri vana vaMwari nokutenda munaKristu Jesu.
VAGARATIA. 4:5-6 Kuti adzikinure vari pasi pomurairo, kuti tipiwe vumwana bwedu. 6 Zvino zvamuri vanakomana, Mwari wakatuma Mweya woMwanakomana wake mumoyo menyu, unodana achiti; Aba, Baba!
VAEFESO. 1:5-6 Akatitemera kare, kuti naJesu Kristu tiitwe vanakomana vake, sezvaakafadzwa pakuda kwake, 6 kuti kunaka kukuru kwenyasha dzake dzaakangotipa hake muMudikanwa wake, kurumbidzwe.
1 JOHANI. 3:1 Tarirai kukura kworudo rwatakaitirwa naBaba, kuti tinzi vanakomana vaMwari; ndizvo zvatiri vo; saka nyika haitizivi, nokuti haina kumuziva iye.
1 JOHANI. 3:2-3 Vakadikanwa, zvino tiri vana vaMwari, vuye zvichigere kuratidzwa kuti tichazovei. Tinonzwa kuti kana achizovoneswa, isu tichafanana naye; nokuti tichamuvona sezvaakaita. 3 Mumwe nomumwe unetariro iyi kwaari, unozvichenesa sezvaakachena iye.
1 JOHANI. 3:10 Vana vaMwari vanovoneswa naizvozvi, navana vaDhiabhorosi; mumwe nomumwe usingaiti zvakarurama, haazi waMwari, naiye vo usingadi hama yake.
Tuesday, April 7, 2015
MUVIRI WAKRISTU
MATEO. 16:18 Neni ndinoti kwauri ndiwe Petro, pamusoro poruware urwu ndichavaka kereke yangu, masiwo eHadhesi haandaikundi.
MATEO 18. 19-20 Ndinoti kwamuri zve: Kana vaviri venyu vakatenderana panyika pamusoro pechimwe chinhu chavanokumbira, vachachiitirwa naBaba vangu vari kudenga. 20 Nokuti apo pakavungana vaviri kana vatatu muzita rangu, ndiripo pakati pavo.
MAKO. 3:24-25 Kana vushe bwuchipesanisa, vushe uhwo habwungagoni kumira. 25 Kana imba ichizvipesanisa, imba iyo haingagoni kumira.
VAROMA. 12:4-8 Nokuti sezvatinemitezo mizhinji pamuviri mumwe, asi mitezo yose hainebasa rimwe chete; 5 saizvozvo isu, tiri vazhinji, tiri muviri mumwe chete munaKristu, mumwe nomumwe ari mutezo wavamwe. 6 Tinezvipo zvakasiyana, patakapiwa nyasha napo; kana kuri kupororfita, ngatiprofite zvakaenzana nokutenda kwedu; 7 kana kuri kushumira ngazvivonekwe pakushumira kwedu; kana kuri kudzidzisa, pakudzidzisa kwedu; 8 kana kuri kuraira, pakuraira kwedu; unopa, ngaape nomoyo wose; uri mukuru, ngaabate nokushingaira; unoitira ngoni, ngaaite nomufaro.
1 VAKORINDE. 1:10 Zvino ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, nezita raShe wedu; Jesu Kristu, kuti imi mose mutaure chinhu chimwe, kuti pakati penyu kurege kuva nokupesana; asi kuti musonganiswe zvakanaka nokufunga kumwe.
1 VAKORINDE. 12:11-31 Asi izvi zvose zvinoitwa noMweya iwoyu mumwe chete, unogovera mumwe nomumwe sezvaanoda. 12 Nokuti somuviri uri mumwe, unemitezo mizhinji, nemitezo yose yomuviri, kunyange iri mizhinji, muviri ndomumwe chete; wakadaro vo Kristu. 13 Nokuti muMweya mumwe isu tose takabhabhatidzwa mumuviri mumwe; kana tiri vaJudha, kana vaGiriki, kana varanda, kana vakasununguka; isu tose takanwiswa paMweya mumwe. 14 Nokuti muviri hauzi mutezo mumwe, asi mizhinji. 15 Kana rutsoka rukati; zvandisati ndiri ruvoko, handizi womuviri; ko haruzi rwomuviri, zvarwakadaro here? 16 Nenzeve kana ikati: Zvandisati ndiri ziso; handizi womuviri; ko haizi yomuviri here? 17 Kana muviri wose raiva ziso, kunzwa kwaivepiko? Kana wose kwaiva kunzwa, kunhuwidza kwaivepiko? 18 Asi zvino Mwari wakaisa mutezo mumwe nomumwe pamuviri sezvaakada. 19 Kana yose waiva mutezo mumwe, muviri waive piko? 20 Asi zvino kune mitezo mizhinji asi muviri mumwe. 21 Ziso haringati kuruvoko; Handikudi; kana musoro vo kutsoka; handikudiyi imi. 22 Kwete, zvikuru mitezo iyo yomuviri inenge isinesimba ndiyo inodikanwa; 23 nemitezo iyo yomuviri yatinoti haikudzwi, ndiyo yatinokudza kwazvo: nemitezo iyo yedu isina kunaka, ndiyo yova nokunaka kunopfuvurisa; 24 asi mitezo yedu yakanaka, haishaiwi kukudzwa. Asi Mwari wakabatanidza muviri wose, akakudza anokupfuvurisa mitezo inoshaiwa kunaka: 25 kuti pamuviri parege kuva nokupesana; asi mutezo ichengetane zvakaenzana. 26 Kana mutezo mumwe uchitambudzika, mitezo yose inotambudzika pamwe chete nawo; kana mutezo mumwe chikudzwa, mitezo yose inofara pamwe chete nawo. 27 Zvino imi muviri waKristu, nomumwe, nomumwe mitezo yaiwo. Mwari wakaisa vamwe pakereke, pakutanga vaapostora rwechipiri vaporofita, rwechitatu vadzidzisi, tevere vaiti vamabasa esimba, tevere zvipo zvokuporesa, navabatsiri navabati, namarudzi mazhinji endimi. 29 Vose vaapostora here? Vose vaprofita here? Vose vadzidzisi here? Vose vaiti vamabasa esimba here? 30 Vose vanezvipo zvokuporesa here? Vose vanotaura nendimi here? Vose vanodudzira here?
VAEFESO. 1:22-23 Akaisa zvose pasi petsoka dzake, akapa kereke iye, kuti ave musoro wazvose. 23 ndiwo muviri wake kuzara kwaiye unozadzisa zvose munavose.
VAEFESO. 4:1-7 Naizvozvo ini musungwa munaShe, ndinokumbira zvikuru kuti mufambe zvakafanira kudanwa kwamakadanwa nako. 2 nokuzvininipisa kwose novunyoro, nomoyo murefu, muchiitirana moyo murefu murudo; 3 muchishingaira kuchengeta vumwe bwoMweya muchisungo chorugare. 4 Kuno muviri mumwe, noMweya mumwe, sezvamakadanwa vo mutariro imwe yokudanwa kwenyu; 5 Ishe mumwe, nokutenda kumwe, nerubhabhatidzo rumwe, 6 naMwari mumwe, naBaba vavose, uri pamusoro pavose, unobata navose, uri mukati menyu mose. 7 Asi mumwe nomumwe wedu wakapiwa nyasha nechiyero chechipo chaKristu.
VAEFESO. 5:25-27 Imi varume, idai vakadzi venyu, Kristu sezvaakadavo kereke, akazvipa nokuda ayo; 26 kuti aiite tsvene achiinatsa nokushambidza kwemvura pashoko, 27 kuti azviisire pamberi pake kereke, inobwinya, isinengwapa.
VAKOROSI. 1:24 Zvino ndinofara pakutambudzika kwangu nokuda kwenyu, ndichizadzisa panyama yangu zvakasara pamadambudziko aKristu, nokuda kwomuviri wake, iyo kereke.
Subscribe to:
Posts (Atom)