Monday, April 13, 2015

SHOKO RENHEMA

2 VAKORINDE. 11:4 Nokuti kana mumwe achivuya unoparidza mumwe Jesu, watisina kumboparidza isu, kana zvimwe muchigamuchira mumwe mweya, wamusina kumbogamuchira kana imwe Evhangeri, yamusinakumbogamuchira, kana imwe Evhangeri, yamusina kumbotenda, zvino momuitira moyo murefu kwazvo. 2 VAKORINDE. 11: 14 Naizvozvo hazvishamisi; nokuti kunyange naSatani vo unozvishandura, achizviita somutumwa wechiedza. VAGARATIA. 1:6-9 Ndinoshamiswa kuti munokurumidza mukadai kushandukira uyo wakakudanai munyasha dzaKristu, kuti mutaukire kune imwe evhangeri; 7 isati, iri imwe hayo; asi kuti vamwe varipo vanokukanganisai, vachida kushandura Evhangeri yaKristu. 8 Asi kunyange isu, kana mutumwa unobva kudenga, akakuparidzirai imwe Evhangeri, inopesana neyatinokuparidzirai isu, ngaave wakatukwa. 9 Sezvatakamboreva, zvino ndinoreva zve saizvozvo; Kana kunomunhu unokuparidzirai imwe Evhangeri, inopesana naiyo yamakagamuchira, ngaave wakatukwa. VAEFESO. 5:11-12 Regai kuyanana nerima asine zviberako, asi zvirinani kuti muraire; 12 nokuti izvo, zvinoita navo pakavanda zvinonyadza kana zvichirebwa. 2 VATESORONIKA, 2:9-12 Kuvuya kwake iye kwakaita sebasa raSatani nesimba rose rezviratidzo, nezvinoshamisa zvenhema, 10 nokunyengera kwose kwokusarurama kuna vanoparara; nokuti Havana kugamuchira rudo rwezvokwadi, kuti vaponeswe. 11 Saka Mwari unovatumira simba rokukanganisa, kuti vatende nhema, 12 kuti vose vasina kutenda zvokwadi, asi vakafanira zvisakarurama, vatongwe. 2 PETRO. 1:16-17 Nokuti hatina kutevera ngano dzokufungwa nenjere, nguva yatakakuzivisai simba nokuvuya kwaShe wedu Jesu Kristu, asi takanga tiri vanhu vakavona vumambo bwake. 17 Nokuti iye wakapiwa kukudzwa nokubwinya naMwari, Baba, panguva iya, yakavuya inzwi rakadai kwaari, richiti: Uyu ndiye Mwanakomana wangu unodikanwa, wandinofarira.

No comments: