Friday, April 17, 2015

SHOKO RAZVOKWADI

MATEO. 10:34-39 Musafunga kuti ndakavuya kuisa Rugare panyika, handina kuvuya kuisa Rugare asi munondo. 35 Nokuti ndakavuya kupesanisa munhu nababa vake, nomwanasikana namai vake nomukadzi womwana navamwene vake, 36 navavengi vomunhu vachava vemba yake. 37 Unoda baba kana mai kupfuvureni, haana kufanireni nounoda mwanakomana nomwanasikana kupfuvureni haanakufanireni. 38 Usingatori muchinjikwa wake akanditevera haana kufanireni. 39 Unowana vupenyu bwake ucharashikirwa nahwo asi unorashikirwa novupenyu hwake nokuda kwangu uchahwuwana. 2 VAKORINDE. 10:3-5 Nokuti, kunyangwe tichifamba nenzira yenyama, hatirwi nemitovo yenyama; 4 nokuti nhumbi dzedu dzokurwa nadzo hadzizi dzenyama, asi dzine simba pamberi paMwari rokuputsa nhare; 5 isu tinowisira pasi mifungo yose isina mature, nezvose zvino zvikwiridza zvichipesana neruzivo rwaMwari. VAEFESO. 4:15 Asi tireve zvokwadi murudo, tigokura maari pazvose, iye Kristu, Musoro. VAEFESO. 5:11 Regai kuyanana namabasa erima asine zvibereko, asi zvirinani kuti muraire. VAEFESO. 6:10-13 Pakupedzisira hama dzangu, ivai nesimba munaShe, nomusimba rake guru. 11 Shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, mugone kumira muchirwa namano aDhiabhorosi. 12 Nokuti hatirwi nenyama neropa asi navabati, navanesimba, namadzishe enyika erima rino, nemweya yakaipa yedenga. 13 Saka torai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, kuti mugone kudzivisa pazuva rakaipa, nokuramba mumire mapedza zvose. VAFIRIPI. 1:27-28 Asi fambai bedzi zvakafanira Evhangeri yaKristu; kuti kunyange ndikavuya ndikakuvonai, kunyange ndisipo, ndinzwe pamusoro penyu kuti mumire nesimba nomweya mumwe, nomoyo mumwe, muchirwa kutenda kweEvhangeri; 28 musingatyiswi pachinhu chimwe navanorwa nemi. Ndizvo zvichava chiratidzo chokuparadzwa kwavari, asi kwamuri chokuponeswa; chinhu ichi chinobva kunaMwari. 2 TIMOTI. 2:15 Shingaira kuti uzviratidze pamberi paMwari uri munhu wakatendeka, mubati usingafaniri hake kunyadziswa, unonatsa kururamisa shoko razvokwadi. 2 TIMOTI. 2:24-26 Zvino muranda waShe haafaniri kukakavara, asi ave Munyoro kuvanhu vose, unoziva kudzidzisa, unotsungirira pakuitirwa zvakaipa, 25 unodzidzisa novunyoro avo vanomudzivisa, kuti zvimwe Mwari avape kutendevuka vagoziva zvokwadi, 26 vapengenuke zve, vabve pamusungo waDhiabhorosi, wavakanga vakabatwa naye kuti vaite kuda kwake. 2 TIMOTI. 3:16-17 Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari, runobatsira pakudzidzisa, nokuraira, nokururamisa, nokuranga kuri mukururama, 17 kuti munhu waMwari akwane, agadzirire kwazvo mabasa ose akanaka. 2 TIMOTI. 4:2 Paridza shoko; ramba uchidaro nenguva yakafanira, kunyange isakafanira; raira, tuka, ranga nomoyo murefu zvukuru nokudzidzisa. TITO. 1:9 Unobatisisa shoko razvokwadi, sezvarinodzidziswa, kuti agone kuraira nedzidziso yakarurama, nokukunda vanokakavara. VAHEBHERU. 4:12-14 Nokuti shoko raMwari ibenyu, rinesimba, rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kusvikira panoparadzana moyo nomweya, namafundo nomongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomoyo. 13 Hakuna chisikwa chisingavonekwi naye, asi zvinhu zvose zvakafukurwa nokuzarurwa pameso iye watinofanira kuzvidavirira kwaari. 14 Naizvozvo, zvatinomuPrista mukuru kwazvo, wakapinda napakati pokudenga, iye Jesu, Mwanakomana waMwari, ngatibatisise kupupura kwedu. 1 PETRO. 3:15-16 Asi itai Ishe Mwari mutsvene mumoyo menyu ave Ishe; mugare makazvigadzira kupindura mumwe nomumwe unokubvunzai pamusoro petariro iri mukati menyu, asi muchiita novunyoro nokutya; 16 ivai nehana yakanaka, kuti pavanokucherai, ivo vanomhura mufambire wenyu wakanaka munaKristu, vanyadziswe. JUDHA. 1:3 Ngoni, norugare, norudo ngazviwanzwe kwamuri. JUDHA. 1:22-23 Ivai nengoni navamwe vanenyunyuto, 23 muvaponese muchivabvuta pamoto; vamwe muvaponese nokutya, muchivenga kunyange nenguvo yakasvibiswa nenyama.

No comments: