Wednesday, April 1, 2015
KUTARIDZIKA KUVA MUTSVENE
MAPISAREMA. 51:16-17 Nokuti imi hamufariri zvibyiro; ndingadai ndaikupai izvo; hamufadzwi nechipiriso chinopiswa. 17 Zvibayiro zvaMwari mweya wakaputsika; moyo wakaputsika nowakapwanyika, imi Mwari hamungashorwi.
ISAYA. 64:6 Nokuti isu tose soune tsvina, kururama kwedu kwose kwafanana nenguvo ine tsvina, isu tose tinooma seshizha, zvakaipa zvedu zvinotibvisa semhepo.
MATEO. 5:20 Nokuti ndinoti kwamuri, kana kururama kwenyu kusingapfuvuri kururuma kwavanyori nokwavaFarise, hamungatongopindi muvushe hwokudenga.
MATEO. 7:22-23 Vazhizji vachati kwandiri nezuva iro, Ishe, Ishe hatina kuporofita muzita renyu here? Nokudzinga mweya yakaipa muzita renyu here? Nokuita mabasa esimba mazhinji muzita renyu here? 23 Zvino ndichavavudza pachena handina kutongokuzivai, ibvai kwandiri imi vaiti vokusarurama.
MATEO. 9:12-13 Jesu achizvinzwa akati, vasingarwari havatsvaki murapi asi vanorwara. 13 Asi endai mudzidze kuti, zvinorevei kuti ndinoda ngoni handidi chibayiro, nokuti handina kuvuya kuzodana vakarurama asi vatadzi kuti vatendevuke.
MATEO. 23:25-28 Munenhamo, imi vanyori navaFarise, vanyengeri! Nokuti munonatsa kunze kwomukombe nendiro, asi mukati muzere nokukara nokusazvidzora. 25 Iwe muFarise wakapofumara, tanga kunatsa mukati momukombe, nendiro, kuti kunze kwazvo kugochenavo. 27 Munenhamo, imi vanyori navaFarise, vanyengeri! Nokuti makafanana namarinda akacheneswa, anovonekwa saakanaka kunze kwawo, asi mukati muzere namapfupa avakafa netsvina yose. 28 Saizvozvo nemi vo munovonekwa navanhu kunze kwenyu makaita semakarurama, asi mukati muzere nokunyengera nokuipa.
MAKO. 10:18 Jesu akati: Unondiidzireiko wakanaka? Hakuna wakanaka, asi mumwe chete, iye Mwari.
RUKA. 18:10-14 Vanhu vaviri vakakwira kutembere kundonyengetera, mumwe ari muFarise, mumwe ari muteresi. 11 MuFarise akandomira, akanyengetera kudai, achizvireva, akati: Ndinokutendai Mwari, kuti handina kufanana navamwe vanhu, makororo, vasakarurama, mhombwe, kana nomuteresi uyo. 12 Ndinozvinyima zvokudya kaviri nevhiki, ndinopachegumi chezvose zvandinowana. 13 Asi muteresi wakamira kure, asingadi kunyange nokutarira kudenga, akazvirova chifuva, akati: Mwari, ndinzwirei tsitsi, ini mutadzi! 14 Ndinoti kwamuri: Uyu wakaburukira kumba kwake aruramiswa kupfuvura uya. Nokuti mumwe nomumwe unozvikudza, uchaninipiswa vuye mumwe nemumwe unozvininipisa uchakudzwa.
VAROMA. 3:10-18 Sezvakanyorwa, zvichinzi: Hakuna wakarurama kunyange nomumwe. 11 Hakuna unonzwisisa. Hakuna unotsvaka Mwari; 12Vakatsauka vose, vakava vanhu vasinamaturo, Hakuna unoita zvakanaka, kunyange nomumwe chete; 13 Huro dzavo bwiro bwakashama; Vakanyengera nendimi dzavo; Vuturu bwenyoka bwuri mumiromo yavo. 14 Muromo wavo uzere nokutuka nokuvava. 15 Tsoka dzavo dzinokurumidza kutevura ropa. 16 Kuparadza nenhamo zviri munzira dzavo, 17 Nenzira yorugare Havana kuiziva. 18 Kutya Mwari hakupo pamberi pavo.
VAROMA. 7:15-25 Nokuti zvandinoita handizvizivi; nokuti zvandinoita hazvizi izvo zvandinoda; zvandinoda; handizvo zvandinoita; asi zvandinoverenga ndizvo zvandinoita. 16 Zvino kana ndichiita izvo zvandisingadi, ndinobvumira kuti murairo wakanaka. 17 Zvino handizati ndichiri ini ndinozviita, asi zvivi zvinogara mandiri. 18 Nokuti ndinoziva kuti mukati mangu, imo munyama yangu, hamugari chinhu chakanaka, nokuti kuda kuripo kwandiri, asi kuita zvakanaka hakupo. 19 Nokuti zvakanaka, zvandinoda, handizviiti, asi zvakaipa, zvandisingadi, ndizvo zvandinoita. 20 Zvino kana ndichiita zvandisingadi, handisini ndinozviita, asi zvivi zvinogara mandiri. 21 Naizvozvo ndinowana murairo uyu kana ndichida kuita zvakanaka, zvakaipa zviripo kwandiri. 22 Nokuti ndinotarira murairo waMwari nomunhu womukati, 23 asi ndinovona mumwe murairo pamitezo yangu, 24 Ndiri munhu uri pakutambudzika! Ndianiko uchandisunungura pamuviri worufu urwu? 25 Mwari ngaavongwe, naJesu Kristu, Ishe wedu. Naizvozvo nomurangariro ndinobatira Mwari, asi nenyama murairo wezvivi.
VAROMA 10:1-4 Hama dzangu, kuda kwomoyo wangu nokukumbira kwangu kunaMwari pamusoro paIsraeri ndiko, kuti vaponeswe. 2 Nokuti ndinovapupurira kuti vanoshingairira Mwari, asi havaiti nokuziva. 3 Nokuti, zvavakanga vasingazivi kururama kwaMwari vakatsvaka kumisa kururama kwavo vamene, vakasazviisa pasi pokururama kwaMwari. 4 Nokuti Kristu ndimugumo womurairo pakutsvaka kururama, kuno mumwe nomumwe unotenda.
2 VAKORINDE 3:4-6 Kutenda kwakadai tinako naKristu, kunaMwari; 5 hatiti takakwana isu timene kuti titeme chinhu timene; asi kukwana kwedu kunobva kunaMwari; 6 iye wakati kwanisa kuti tive vashumiri vesungano itsva, isati iri yezvakanyorwa asi yoMweya; nokuti zvakanyorwa zvinovuraya, asi Mweya unopa upenyu.
Subscribe to:
Post Comments (Atom)
No comments:
Post a Comment