Monday, April 13, 2015

VANAKRISTU VENHEMA

MATEO. 24:23 Zvino kana munhu akati kwamuri, tarirai Kristu uri pano kana apo, regai kutenda. MATEO. 24:24 Nokuti vachamuka vanaKristu venhema navaprofita venhema vachiratidza zviratidzo zvikuru nezvinoshamisa kuti kana zvichibvira vatsause navasanangurwavo. MATEO. 24:25-26 Tarira ndagara ndakuvudzai. 26 Zvino kana vakati kwamuri, tarirai uri kurenje, regai kubuda. Tarirai uri mudzimba dzomukati, regai kutenda. MATEO. 24:27 Nokuti semheni inobva kumabvazuva ichipenyera kumavirira ndizvo zvichaita kuvuya kwoMwanakomana womunhu. MAKO. 13:21-22 Zvino kana munhu achiti kwamuri; Tarirai Kristu uri pano, tarirai uri papo, regai kutenda. 22 Nokuti vana Kristu venhema vachamuka, navaprofita venhema vachaita zviratidzo nezvinoshamisa, kuti vatsause vakasanangurwa, kana zvichibvira. 2 VAKORINDE. 11:4 Nokuti kana mumwe achivuya unoparidza mumwe Jesu, watisina kumboparidza isu, kana zvimwe muchigamuchira mumwe mweya, wamusina kumbogamuchira kana imwe Evhangeri, yamusinakumbogamuchira, kana imwe Evhangeri, yamusina kumbotenda, zvino nomuitira moyo murefu kwazvo.

No comments: