Monday, April 13, 2015

VAPROFITA VENHEMA

DHUTERONOMI. 13:1-5 Zvino kana muprofita kana muroti akamuka pakati pako, akakuratidza chiratidzo kana chinoshamisa, 2 icho chiratidzo kana chinoshamisa chikaitika, chaakataura kwauri, achiti, ‘Ngatitevere vamwe vamwari, vawakanga usingazivi, tivashumire,’ 3 usateerera mashoko omuporofita uyo kana muroti uyo, nokuti Jehovha Mwari wenyu unokuidzai, kuti azive kana muchida Jehovha Mwari wenyu nomoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose. 4 Munofanira kutevera Johovha Mwari wenyu nokumutya, nokuchengeta mirairo yake, nokuteerera inzwi rake, nokumushumira, nokumunamatira. 5 Asi muporofita uyo kana muroti uyo vanofanira kuurawa; nokuti wakataura mashoko anomukira Jehovha Mwari wenyu, iye wakakubudisai panyika yeIjipiti, nokukudzikunurai muimba youranda, akakutsausa panzira yawakarairwa naJohovha Mwari wako, kuti ufambemo. Naizvozvo unofanira kubvisa zvakaipa pakati pako. DHUTORONOMI. 18:20-22 Asi muporofita unotaura shoko muzita rangu achizvikudza, riri shoko randisina kumuraira kuti aritaure, kana zvimwe unotaura muzita ravamwe vamwari, muporofita uyo anofanira kufa. 21 Zvino kana iwe ukati mumoyo mako, ‘Ko tichaziva Seiko shoko risina kutaurwa naJehovha?’ 22 Kana muporofita aching ataura muzita raJehovha, chinhu icho chikasaitika, chikasavapo, ndicho chinhu chisina kutaurwa naJehovha; muporofita wakaritaura achizvikudza, haufaniri kumutya. MATEO. 7:15-20 Chenjerai vaporofita venhema. Vachavuya kwamuri vanenguvo dzamakwai asi mukati mapere anoparadza. 16 Muchavaziva nezvibereko zvavo. Mazambiringa anombotanhwa paminzwa here, kana mavonde parukato? 17 Saizvozvo muti mumwe nomumwe wakanaka unobereka zvibereko zvakanaka asi muti wakaipa unobereka zvibereko zvakaipa. 18 Muti wkanaka haungabereki zvibereko zvakaipa nomuti wakaipa haangabereki zvibereko zvakanaka. 19 Muti mumwe nomumwe usingabereki zvibereko zvakanaka, unotemwa ukakandirwa mumoto. 20 Saka muuchavaziva nezvibereko zvavo. METEO. 24:11 Vaporofita vazhinji venhema vachamuka vachitsausa vazhinhi. MATEO. 24:24 Nokuti vachamuka vanaKristu venhema navaporofita venhema vachiratidza zviratidzo zvikuru nezvinoshamisa kuti kana zvichibvira vatsause navasanagurwavo. RUKA. 6:26 Munenhamo imwi kana vanhu vose vachitaura zvakanaka pamusoro penyu, nokuti madzibaba avo akaitira vaporofita venhema zvakadaro. RUKA. 21:8-9 Akati: Chenjerai, kuti murge kutsauswa; nokuti vazhinji vachavuya nezita rangu, vachiti: Ndini Kristu; nguva yaswedra Musavatevera. 9 Kana muchinzwa zvokurwa, nenyonganiso, musavhunduka henyu, nokuti izvozvi zvinofanira kumboitwa; asi kuguma hakusviki pakarepo. MABASA AVAPOSTORI. 13:6-12 Vakati vagura chiwi chose kusvikira paPafosi, vakawana imwe n’anga, waiva muporofita wenhema, muJudha, zita rake rainzi Bari-Jesu. 7 Waigara pamubati wenyika, wainzi Sergio Pauro, munhu wakachenjera. Iye ndokudana Bhanabhasi naSauro, achitsvaka kunzwa shoko raMwari. 8 Asi n’anga iyo Erimasi (nokuti ndiro zita rake, kana richishandurwa), akavadzivisa, achitsausa mubati pakutenda. 9 Asi Sauro (ndiye Pauri vo), azere noMweya Mutsvene, akamutarisisa, akati: 10 Iwe, uzere nokunyengera kwose namano akaipa ose, mwanakomana waDhiabhorosi, muvengi wokururama kwose, hauregi here kutsausa nzira dzakarurama dzaShe? 11 Zvino, tarira, ruvoko rwaShe ruri pamusoro pako; uchava bofu, uchaita nguva usingavoni zuva. Pakarepo mhute nerima zvikamuwira; akapota-pota, achitsvaka vangamusesedza noruvoko. 12 Zvino mubati wakati achivona zvaitika, akatenda akashamiswa nedzidziso yaShe. VAKOROSE. 2:16-23 Naizvozvo munhu ngaarege kuvapo unokutongai pazvokudya, kana zvokunwa, kana nokuda kwomusi womutambo, kana pakugara kwomwedzi, kana pasabata; 17 izvi mumvuri wezvichavuya; asi muviri ndowaKristu. 18 Munhu ngaarege kuvapo unokutorerai mubairo wenyu namavune, nokuzvininipisa nokunamata vatumwa, achivimba nezvaakavona, achizvikudza pasina nokufunga kwenyama. 19 asingabatisisi Musoro, uyo maari muviri wose unosanganiswa nokusunganidzwa nezvisungo namarunda, ndokukura nokukurisa kwaMwari. 20 Zino kana makafa pamwe chete naKristu kunezvokuvamba zvenyika, munozviisireiko pasi pemirairo, somugere munyika, 21 mirairo inoti: Usabata, usaravira, usagunzva, 22 (izvi zvose zvinofanira kuparadzwa kana zvobatwa nazvo); muchitevera mirairo nedzidziso dzavanhu? 23 Zvinhu zvakadai zvakaita sezvinovuchenjeri, pakunamata Mwari nokuda kwavo, nokuzvininipisa, nokutambudzika muviri; asi hazvinesimba rokukunda kuchiva kwenyama. 2 PETRO. 2:1-3 Asi kwakanga kunavaporofita venhema pakati pavanhu, sezvavachavapo pakati penyu vo vadzidzisi venhema, vachapinza pakavanda dzidziso dzakatsauka dzinoparadza, vachiramba naiye Tenzi wakavatenda, vachizviwisira kuparadzwa kunokurumidza. 2 Vazhinji vachatevera vutere bwavo; nokuda kwavo nzira yezvokwadi ichazvidzwa. 3 Pakukarira kwavo mari vachakunyengerai namashoko amano-mano; kutongwa kwavo, kwakatarwa kare, hakunonoki, nokuparadzwa kwavo kakukotsiri. 1 JOHANI. 4:1 Vadikanwa, musatenda mweya yose, asi muidze mweya, kuti muvone kana yakabva kunaMwari, nokuti vaporofita vazhinji venhema vakabudira munyika. JUDHA. 1:4 Nokuti kuna vamwe varume vakapinda pakavanda, vakagara vaisirwa kare kutongwa uku, vanhu vasingadi Mwari vanoshandura nyasha dzaMwari wedu vachidziita vitere, vachiramba tenzi uyu mumwe chete, Ishe wedu Jesu Kristu.

No comments: