Friday, April 17, 2015

HAKUNA MUNHU AKAONA MWARI

EKISODHO. 33:20 Akatiwo, Haungaoni chiso changu, nokuti hakuna munhu angandiona, akazorarama. JOHANI. 1:18 Hakunamunhu wakatongovona Mwari; chero nguva ipi; mwanakomana wakaberekwa mumwe woga, ari pachifuva chaBaba, nduye wakamuzivisa isu. JOHANI. 6:46 Handirevi kuti kuno munhu wakavona Baba; asi uyo uri waMwari, ndiye wakavona Baba. VAROMA. 1:20 Nokuti kubvira pakusikwa kwenyika, izvo zvake zvisingavonekwi, iro simba rake risingaperi novuMwari bwake, zvinovonekwa kwazvo, zvichizikanwa pazvinhu zvakaitwa, kuti varege kuva nepembedzo. VAKOROSE. 1:15 Ndiye mufananidzo waMwari usingavonekwi, dangwe rezvisikwa zvose. 1 TIMOTI. 1:17 Zvino iye Ishe usingaperi, usingafi, usingavonekwi, Mwari woga, wakachenjera ngaave nokukudzwa nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni. 1 TIMOTI. 6:15-16 Kwaachazoratidza panguva dzake, iye oga wakaropafadzwa noWamasimbaose, Mambo wamadzimambo, Ishe wamadzishe; 16 iye oga usingafi, ugere pachiedza chisingagoni kuti munhu aswedere kwachiri; usina kumbovonekwa nomunhu, vuye usingagoni kuvonekwa; kukudzwa nesimba risingaperi ngazvive kwaari. Ameni. 1 JOHANI. 4:12 Hakuna munhu wakambovona Mwari; kana tichidana, Mwari unogara matiri, norudo rwake runokwaniswa matiri.

No comments: