Tuesday, April 14, 2015

SHOKO RAMWARI

MAPISAREMA. 119:105 Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, nechiedza panzira yangu. ISAYA. 55:10-11 Nokuti mvura nechando sezvazvinoburuka zvichibva kudenga, zvisingazodzokeriko, asi zvinodiridza nyika, zvichiiberekesa nokutungisa maruva, ichipa mudzvari mbewu, nomudyi zvokudya, 11 ndizvo zvichaita shoko rangu rinobuda mumuromo mangu; haringadzokeri kwandiri risina, asi richaita zvandinoda, richiendaka pane zvandakaritumira. MATEO. 24:35 Denga nenyika zvichapfuvura asi mashoko angu haangatongopfuvuri. MAKO. 13:31 Denga nenyika zvichapfuvura, asi mashoko angu haangatongopfuvuri. RUKA. 21:33 Denga nenyika zvichapfuvura, asi mashoko angu haangatongopfuvuri. JOHANI. 8:31-32 Zvino Jesu wakati kuvaJudha avo, vakanga vamutenda: Kana imi muchigara mushoko rangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo, 32 Muchaziva zvokwadi, nezvokwadi ichakusunungurai. MABASA AVAPOSTORI. 17:11 Ava vakanga vachinzwisisa kukunda veTesaronika, vakagamuchira shoko nomwoyo wose, vachinzvera Mangwaro zuva rimwe nerimwe, kana zvinhu izvozvo zviri izvo. VAROMA. 10:17 Naizvozvo kutenda kunovuya nokunzwa, nokunzwa kunovuya neshoko raMwari. 2 TIMOTI. 3:14-17 Asi iwe, rambira panezvawakadzidza zvikasimbiswa kwauri, uzive kuti wakazvidzidza kunani, 15 kuti kubvira pavucheche bwako wakaziva Manyoro Matsvene anogona kukupa vuchenjeri bwunoisa kuponeswa nokutenda kuri munaKristu Jesu. 16 Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari, runobatsira pakudzidzisa, nokuraira, nokururamisa, nokuranga kuri mukururama, 17 kuti munhu waMwari akwane, agadzirirwe kwazvo mabasa ose akanaka. VAHEBHERU. 4:12-14 Nokuti shoko raMwari ibenyu, rinesimba, rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kusvikira panoparadzana moyo nomweya, namafundo nomongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomoyo. 13 Hakuna chisikwa chisingavonekwi naye, asi zvinhu zvose zvakafukurwa nokuzarurwa pameso iye watinofanira kuzvidavirira kwaari. 14 Naizvozvo, zvatinomuPrista mukuru kwazvo, wakapinda napakati pokudenga, iye Jesu, Mwanakomana waMwari, ngatibatisise kupupura kwedu. 2 PETRO. 1:19 Vuye tineshoko rovuporofita rakasimba kwazvo, ramunoita zvakanaka kana muchiriterera, rakaita somwenje unovhenekera munerima, kusvikira vutonga bwuchitsuka, nenyamasase ichibudira moyo yenyu. 2 PETRO. 3:15-16 Muchiti, moyo murefu waShe wedu ruponeso; saPauro, hama yedu inodikanwa, akakunyorerai vo nokuchenjera kwaakapiwa; 16 sezvaanotaura mumwadhi dzake dzose pamusoro pezvinhu izvi; madziri munezvimwe zvikukutu kunzwisiswa; zvino munamiswa, samamwe magwaro vo, navasingazivi navasinesimba, kusvikira vaparadzwa.

No comments: