Thursday, April 9, 2015

MUCHINJIKWA

MATEO. 10:38 Usingatori muchinjikwa wake akanditevera haana kufanireni. MATEO. 16:24 Zvino Jesu akati kuvadzidzi vake, kana munhu achida kuvuya shure kwangu ngaazvirambe asimudze muchinjikwa wake anditevere. MAKO. 8:34 Zvino wakadanira kwaari vanhu vazhinji navadzidzi vake, akati kwavari; kana munhu achida kuvuya shure kwangu, ngaazvirambe, asimudze muchinjikwa wake, anditevere. RUKA. 9:23 Zvino wakati kuna vose; Kana munhu achida kutevera shure kwangu, ngaazvirambe, asimudze muchinjikwa wake zuva rimwe nerimwe, anditevere. RUKA. 14:27 Aninani usingatakuri muchinjikwa wake, akavuya shure kwangu, haangavi mudzidzi wangu. 1 VAKORINDE 1:17-18 Nokuti Kristu haana kundituma kubhabhatidza, asi kuti ndiparidze Evahangeri; ndisingaiti nenjere dzamashoko, kuti muchinjikwa waKristu urege kukoneswa. 18 Nokuti shoko romuchinjikwa vupenzi kunavanoparadzwa; asi kwatiri, isu tinoponeswa, isimba raMwari. 1 VAKORINDE. 1:21-25 Nokuti pashure muvuchenjeri bwaMwari, nyika novuchenjeri bwayo haina kuziva Mwari, nokuti zvakafadza Mwari novupenzi bwokuparidza kuponesa vanotenda. 22 Nokuti vaJudha vanokumbira chiratidzo, navaGirikki vanotsvaka vuchenjeri; 23 asi isu tinoparidza Kristu, wakaroverwa pamuchinjikwa, chigumbuso kuvaJudha, novupenzi kuvahedheni; 24 asi kunavakadanwa, vaJudha navaGiriki Kristu isimba raMwari novuchenjeri hwaMwari. 25 Nokuti vupenzi bwaMwari bwakachenjera kupfuvura vanhu; novutera bwaMwari bwakasimba kupfuvura vanhu. VAGARATIA. 2:20 Ndakaroverwa pamuchinjikwa pamwe chete naKristu; handichiri ini ndinorarama, asi Kristu unorarama mandiri; kurarama uku, kwandinorarama nako munyama zvino, ndinorarama nokutenda kuri muMwanakomana waMwari; wakandida akazvipa nokuda kwangu. VAGARATIA. 6:14 Asi kana ndirini, ngandirege kutongozvirumbidza napaduku asi badzi mumuchinjikwa waShe wedu, Jesu Kristu, naye nyika yakaroverwa pamuchinjikwa kwandiri, neni ndakaroverwa kunyika. VAEFESO. 2:14-16 Nokuti ndiye Rugare rwedu, iye wakaita zvinhu zviviri kuti chive chinhu chimwe, akaputsa rusvingo rwapakati rwokuparadzanisa; 15 zvaakaparadza munyama yake kuvengana, iwo murairo wezvakarairwa pazvirevo; kuti asike ava vaviri vave munhu mutsva maari, aite Rugare saizvozvo; 16 kuti mumuchinjikwa ayananise zve vose vaviri, vave muviri mumwe kunaMwari, zvaakavuraya kuvengana naiwo muchinjikwa. VAFIRIPI. 2:8 Akati awanikwa anomufananidzo womunhu, akazvininipisa, akaterera kusvikira parufu, irwo rufu rwomuchinjikwa. VAFIRIPI. 3:18 Nokuti vazhinji, vandakakuvudzai kazhinji, nazvino ndinokuvudzai vo nokuchema, vanofamba vari vavengi vomuchinjikwa waKristu. VAKOROSE. 1:20 Kuti naye ayananise zvinhu zvose kwaari, ambita Rugare neropa romuchinjikwa wake; niye kunyange zviri panyika, kunyange zviri kudenga. VAKOROSE. 2:14 Akadzima rungwaro rwkanga ruchirwa nesu pazvirevo zvarwo, ruchipesana nesu; akarubvisa irwo pakati pedu, akarurovera pamuchinjikwa. VAHEBHERU. 19:10-14 Nokuda ikoku takaitwa vatsvene nechibayiro chomuviri waJesu Kristu, chakabayirwa kamwe. 11 MuPrisita mumwe nomumwe unomira zuva rimwe nerimwe achishumira, nokubayira kazhinji zvibayiro izvozvo zvisingagoni kubvisa zvivi; 12 asi murume uyu wakati abayira chibayiro kamwe chete pamusoro pezvivi, akagara nokusingaperi kurudyi rwaMwari; 13 kubva zvino achimirira kusvikira vavengi vake vaitwa chitsiko chetsoka dzake. 14 Nokuti nechibayiro chimwe chete wakakwanisa nokusingaperi avo vanoitwa vatsvene. VAHEBHERU. 12:2 Tichitarira kunaJesu, muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu, iye wakatsunga pamuchinjikwa nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akaiswa pamberi pake, akashovora kunyadziswa kwawo, akandogara kurudyi rwechigaro chovushe chaMwari.

No comments: