Tuesday, November 27, 2012
ZVAUNGAITE PAKUSHANDISA NGUVA YAKO ZVAKANAKA
• Tidzidzisei kuverenga mazuva edu zvakanaka, kuti tiwane mwoyo wouchenjeri. Mapisarema 90: 12.
• Akati kwavari,”Hazvizi kwamuri kuti muzive nguva kana musi wakatarwa naBaba nesimba ravo pachavo. Mabasa 1: 7.
• Ko, mushandi anowanei kubva mukushanda kwake kwose? Ndakaona mutoro wakapiwa vanhu naMwari. Akati chinhu chimwe nechimwe chakanaka nenguva yacho. Akaisawo zvisingaperi mumwoyo yavanhu; kunyange zvakadaro havangagoni kunzwisisa zvakaitwa naMwari kubva pakutanga kusvika pakupedzisira. Ndinoziva kuti hakuna chinhu chakanakira munhu kupfuura kuti afare uye kuti aite zvakanaka achiri mupenyu. Kuti munhu wose adye uye anwe uye azviwanire kugutsikana kubva pakushanda kwake kwose, ichi ndicho chipo chaMwari. Ndinoziva kuti zvose zvinoitwa naMwari zvichagara nokusingaperi; hapana chingawedzerwa pazviri uye hapana chingabviswa pazviri. Mwari anozviita kuti vanhu vamukudze. Muparidzi 3: 9 – 14.
• Ani naani zvake achateerera murayiro wake haangawani chinomukuvadza, uye mwoyo wakachenjera uchaziva nguva yakafanira namaitiro akafanira. Nokuti kune nguva yakafanira namaitiro akafanira pazvinhu zvose, kunyange nhamo yomunhu ichimuremera zvikuru. Sezvo pasina munhu anoziva ramangwana, ndiani angamuzivisa zvichauya. Muparidzi 8: 5 – 7.
• Usazvionza nokuda kuwana pfuma; iva nouchenjeri hunoita kuti uzvibate. Kungoti tarisei pfuma, wanei yaenda nokuti zvirokwazvo inomera mapapiro igobhiruruka ichienda kudenga segondo. Zvirevo 23: 4 – 5.
• Mwoyo wamambo uri muruoko rwaJehovha; anouendesa kwaanoda sehova dzemvura. Zvirevo 21: 1.
• Shamwari inoda panguva dzose, uye hama yakaberekerwa nhamo. Zvirevo 17: 17.
• Maoko aneusimbe anoita kuti munhu ave murombo, asi maoko anoshingaira anopfumisa. Uyo anounganidza zvirimwa muzhizha, mwanakomana akachenjera, asi uyo anorara munguva yokukohwa, mwanakomana anonyadzisa. Zvirevo 10: 4 – 5.
• Maoko anoshingaira achatonga, asi usimbe hunopedzisira mukushanda somuranda. Zvirevo 12: 24.
• Kana munhu ari simbe, denga remba rinosakara; kana achigarira maoko, imba inobvinza. Muparidzi 10: 18.
• Shoko rataurwa nenguva yakafanira rakafanana namaapuro egoridhe mumidziyo yesirivha. Zvirevo 25: 11
• Mwanakomana wangu, nyatsoteerera zvandinotaura; Usaite kuti abve pameso ako, achengete pakati pemwoyo wako; nokuti upenyu kuna avo vanoawana uye noutano kumuviri wose womunhu. Pamusoro pazvo zvose, chengetedza mwoyo wako, nokuti ndicho chitubu cheupenyu. Bvisa nhema pamuromo wako; kutaura kwakaora ngakuve kure nemiromo yako. Meso ako ngaatarire mberi bedzi, ramba wakatarira mberi kwako. Gadzirira tsoka dzako gwara ugofamba munzira dzakasimba chete. Zvirevo 4: 20 – 26.
• Nokuti nzira dzomunhu dziri pachena pamberi paJehovha, uye anoongorora nzira dzake dzose. Zvirevo 5: 21.
Subscribe to:
Post Comments (Atom)
No comments:
Post a Comment