Friday, November 2, 2012

CHOKWADI CHINOBVA MUBHAIBHERI NEZVE HAMA DZEDU DZISINA KUPONESWA

• Vakapindura vakati, “Tenda kuna She Jesu ugoponeswa, iwe neimba yako.” Mabasa 16: 31. • Iye achakuvigirai shoko richaponesa iwe neveimba yako yose. Mabasa 11: 14. • “Imi munofungei? Kana munhu ane makwai zana, rimwe chete rawo rikarasika, haangasiyi makumi mapfumbamwe ane pfumbamwe mumakomo anotsvaka rakarasika here? Nenzira imwe cheteyo Baba venyu vari kudenga havafariri kuti mumwe wavaduku ava arasike. Mateo 18: 12, 14. • Nokuti ndichadurura mvura panyika ine nyota, nehova pamusoro pevhu rakaoma; ndichadurura Mweya wangu pamusoro porudzi rwako. “Zvanzi naJehovha, Mambo waIsraeri noMudzikinuri, Jehovha Wamasimba Ose: Ndini wokutanga uye ndini wokupadzisira; kunze kwangu hakuna Mwari. Isaya 44: 3, 6. • Ishe haanonoki kuita zvaakavimbisa, sokunonoka kunonzwisiswa navamwe. Ane mwoyo murefu nemi, haadi kuti ani zvake arasike, asi kuti vose vatendeuke. 2 Peter 3: 9. • Mwari pachake, iye Mwari worugare, ngaakuitei vatsvene kwazvo kwazvo. Mweya wenyu wose, nomwoyo uye nomuviri zvichengetwe zvisina mhosva pakuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu. Iye anokudanai akatendeka uye achazviita. 1 Vatesaronika 5: 23 – 24. • Jehovha akazivisa ruponeso rwake uye akaratidza kururama kwake kundudzi, Akarangarira rudo rwake nokutendeka kwake kuimba yaIsraeri; migumo yose yenyika yakaona ruponeso rwaMwari wedu. Mapisarema 98: 2 – 3. • Ndiani pakati penyu anotya Jehovha, uye anoteerera shoko romuranda wake? Ngaafambe murima, iye asina chiedza, ngaavimbe naMwari wake. Isaya 50: 10. • Asi imi, iyemi Mwari, muchaburutsira vakaipa pasi mugomba rokuora; vanhu vanokarira ropa navanyengeri havangararami hafu yamazuva avo. Asi kana ndirini, ndinovimba nemi. Mapisarema 55: 23. • “Zvanzi naJehovha, “Chengetedzai kururamisira mugoita zvakanaka, nokuti ruponeso rwangu rwava pedyo, uye kururama kwangu kuchakurumidza kuratidzwa. Isaya 56: 1. • Asi ndiri kukutaurirai chokwadi kuti: Zvakakunakurai imi kuti ini ndava kuenda. Kana ndikasaenda, Munyaradzi haangauyi kwamuri: asi kana ndikaenda, ndichamutumirai kwamuri. Kana asvika achapa nyika mhosva pamusoro pechivi napamusoro pokururama nokutongwa: pamusoro pechivi, nokuti vanhu havatendi kwandiri. Jahani 16: 7 – 9. • Dzidzisa mwana nzira yaanofanira kufamba nayo, uye kana achinge akura haazotsauki kubva pairi. Zvirevo 22: 6.

No comments: