Friday, November 30, 2012
ZVAUNGAITE KUTI UVERENGE MAROPAFADZO AKO
• Imi muri vadyi venhaka yavaprofita neyesungano yakaitwa naMwari namadzibaba enyu. Akati kuna Abhurahama, “Marudzi ose apanyika acharopafadzwa kubudikidza navana vako. Mabasa 3: 25.
• Sezvinorehwa noRugwaro ruchiti: “Ani naani anotenda kwandiri haanganyadziswi.” Nokuti hapana musiyano pakati pomuJudha kana muHedheni, nokuti Ishe mumwe ndiye Ishe wavose uye anovaropafadza kwazvo vose vanodana kwaari, nokuti ani naani anodana kuzita raShe achaponeswa.” Varoma 10: 11 – 13.
• Nokuti veMasedhonia neveAkaya vakafadzwa kuti vagovane nevarombo pakati pevatsvene vari muJerusarema. Nokuti vakaona zvakanaka kuti vaite izvi, uye zvirokwazvo vane ngava kuti vavaitire izvi. Nokuti kana vaHedheni vakagovanawo pazvinhu zvoMweya zvavaJudha, vane ngavawo kuvaJudha kuti vagoverane navo pazvinhu zvavo zvenyika ino. Varoma 15: 26 – 27.
• Nyika inonwa mvura inonaya nguva nenguva pamusoro payo uye inobereka zvirimwa zvinobatsira avo vanoirima, ndiyo inoropafadzwa naMwari. Asi nyika inobereka munzwa norukato haibatsiri uye ine dambudziko rokuti ichatukwa. Pakupedzisira ichapiswa. Vahebheru 6: 7 – 8.
• Vanhu vakanga vachiuya navana vaduku kuna Jesu kuti avabate, asi vadzidzi vakavatsiura. Jesu paakazviona, akatsamwa. Akati kwavari, “Regai vana vaduku vauye kwandiri, uye musavadzivisa, nokuti umambo hwaMwari ndohwavakadai. Ndinokuudzai chokwadi, ani naani asingagamuchiri umambo hwaMwari somwana muduku haangatongopindi mahuri.” Ipapo akatora vana akavafungatira mumaoko ake, akaisa maoko ake pamusoro pavo akavaropafadza. Mako 10: 13 – 16.
• Kubva pakuzara kwake takagamuchira nyasha pamusoro penyasha. Nokuti murayiro wakapiwa kubudikidza naMozisi; nyasha nezvokwadi zvakauya kubudikidza naJesu Kristu. Johani 1: 16 – 17.
• Vongai Jehovha nokuti akanaka: nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Mapisarema 136: 1.
• Chipo chose chakanaka uye chakakwana chinobva kudenga, chinoburuka chichibva kuna Baba wezviedza zvokudenga, asingashanduki semimvuri inopinduka. Akasarudza kutibereka kubudikidza neshoko rechokwadi, kuti tive mhando yechibereko chokutanga chezvisikwa zvake. Jakobho 1: 17 – 18.
• Kurumbidza ngakuve kuna Mwari Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, iye akatiropafadza muchadenga nokuropafadza kwose kwomweya muna Kristu Jesu. Nokuti akatisarudza maari nyika isati yasikwa kuti tive vatsvene vasina chavanopomerwa pamberi pake. Vaefeso 1: 3 – 4.
• Pamusoro paizvozvo zvose dananai norudo rukuru, nokuti rudo runofukidza zvivi zvizhinji. 1 Petro 4: 8.
• Upfumi nokuremekedzwa zvinobva kwamuri; ndimi mutongi wezvinhu zvose. Mumaoko enyu mune simba noushe kuti musimudzire uye musimbise vanhu vose. Zvino, Mwari wadu, tinokuvongai, uye tinorumbidza zita enyu rakanakisa. 1 Makoronike 29: 12 – 13.
• Kana uchinge wadya waguta rumbidza Jehovha Mwari wako nokuda kwenyika yakanaka yaakakupa. Dhuteronomi 8: 10.
• Mwari ngaavongwe nokuda kwechipo chake chisingagoni kurondedzerwa! 2 Vakorinde 9: 15.
• Ndizarurireiwo masuo akururama; ndichapinda ndigovonga Jehovha. Iri ndiro suo raJehovha panopinda navakarurama. Ndichakuvongai, nokuti makandipindura; makava ruponeso rwangu. Mapisarema 118: 19 – 21.
• Pazuva regumi romwedzi wokutanga vanhu vakabuda kubva muJorodhani vakavaka misasa paGirigari pamuganhu wokumabvazuva eJeriko. Zvino Joshua akamisa matombo gumi namaviri paGirigari avakanga vatora kubva muJorodhani. Akati kuvaIsraeri, “Mumazuva anotevera kana vana venyu vobvunza madzibaba avo vachiti, ‘Ko, matombo aya anorevei?’ muvataurire kuti, ‘Israeri yakayambuka Jorodhani pavhu rakaoma.’ Nokuti Jehovha Mwari wenyu akaomesa Jorodhani pamberi penyu kusvikira mayambuka. Jehovha Mwari wenyu akaita kuJorodhani sezvaakaita kuGungwa Dzvuku paakariomesa pamberi pedu kusvikira tayambuka. Akaita izvi kuitira ndudzi dzose dzapanyika dzizive kuti vatye Jehovha Mwari wenyu nokusingaperi. Joshua 4; 19 – 24.
• Tinogara tichivonga Mwari nokuda kwenyu mose tichikutaurai muminyengetero yedu. Tinoramba tichirangarira pamberi paMwari wwedu naBaba vedu, basa renyu rinobva pakutenda, nokushanda kwenyu kunibva parudo, uye nokutsungirira kwenyu kunobva patariro iri muna Ishe Jesu Kristu. 1 Vatesaronika 1: 2 – 3.
• Muchivonga Mwari Baba pazvinhu zvose, muzita raIshe wedu Jesu Kristu. Vaefeso 5: 20.
Subscribe to:
Post Comments (Atom)
No comments:
Post a Comment